Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kutsaurirwa Kwemapazi

Kutsaurirwa Kwemapazi

Musi wa20 October 2012, Zvapupu zvaJehovha muKorea zvakafara pakatsaurirwa zvivako zvebazi ravo zvainge zvanatsiridzwa nezvitsva zvainge zvavakwa. Chiitiko chacho chaikosha zvikuru nokuti hama dzaigona kufunga nezvebasa rainge raitwa nekutendeka kwemakore 100 munyika macho. Uyezve muna 2012, nhamba yevaparidzi yakapfuura 100 000 kekutanga. Vazvipiri 1 200 vemunyika yacho uye vashumiri venguva yakazara nevazvipiri vakabva kunyika 9 vanosvika 239 vakashanda pakuvaka chivako chitsva chine dzimba dzekugara, chivako chekudhindira mabhuku, masitudhiyo ekurekodhera mavhidhiyo nemashoko uye garaji rekugadzirira motokari. Kuwedzera pane izvozvo, zvivako zvakawanda zvagara zviripo zvakanatsiridzwa zvizere.

Anthony Morris, nhengo yeDare Rinodzora, akapa hurukuro inokurudzira yekutsaurira kuhama nehanzvadzi  3 037 dzaivapo. Mangwana acho pakaitwa musangano unokosha muimba hombe inoratidzirwa zvinhu uye ungano dzemuKorea dzinopfuura 1 300 dzakakwanisa kunzwa kana kuona zvaiitika kuburikidza neIndaneti. Vanhu vanosvika 115 782, Zvapupu zvaJehovha pamwe chete nevanofarira, vakanakidzwa nepurogiramu iyi yezvokunamata.

Musi wa9 March 2013 ucharamba uchiyeukwa seunokosha zvikuru munhoroondo yevanamati vaJehovha muLiberia. Vashanyi vakabva kunyika 11 vakaungana pakutsaurirwa kwehofisi yebazi yakanga ichangobva kunatsiridzwa uye kuwedzerwa. Vose vakanakidzwa nehurukuro yekutsaurira yakapiwa naGuy Pierce, nhengo yeDare Rinodzora. Pashure pekunge kuvaka kwacho kwambomiswa nehondo yakaitika kwemakore anopfuura gumi, bazi racho rakawedzerwa richibatanidzwa nenzvimbo iri pedyo yaimboshandiswa nevapanduki senzvimbo yekuvanda uye semusasa wevapoteri. Nhengo 51 dzemhuri yeBheteri dzinofara kushandisa chivako chine dzimba 35 dzokugara, chivako chemahofisi chakanatsiridzwa, imba itsva inosvikira mabhuku,  chivako chitsva chevanoita kuti zvinhu zvirambe zvichishanda zvakanaka, uye kicheni neimba yekudyira itsva.

Nyika yeGeorgia ine vanhu vane ushamwari uye vanoda zvekunamata. Pakaparara Soviet Union, pakava nenguva inoshamisa yekuwedzera mune zvekunamata, ichizoteverwa nenguva yekutambudzwa zvakanyanya. Kutambudzwa kwacho kwaderera chaizvo, uye zuva rinokosha zvikuru munhoroondo yeZvapupu zvaJehovha muGeorgia raiva Mugovera 6 April 2013, David Splane weDare Rinodzora paakapa hurukuro yekutsaurira bazi rainge ranatsiridzwa uye rawedzerwa, Imba Yemagungano, uye chivako chitsva chekuitira Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, uyewo Chikoro Chevatariri Vanofambira Nemadzimai Avo. Vaeni vanosvika 338 vakabva munyika 24 vakabatana neZvapupu zvemuGeorgia zvinopfuura 800 papurogiramu yekutsaurirwa kwacho.

Georgia

Mangwana acho, vanhu 15 200 vakanakidzwa nehurukuro inokosha yaHama Splane yavaigona kuteerera kana kuona vari munzvimbo dzinoitirwa misangano yeungano muGeorgia yose zvayo. Chiitiko ichi chakapindwa nevanhu vanobva munyika dzakasiyana-siyana chakabata-bata vakawanda. Imwe hama yechiduku yakati, “Iye zvino ndava kuziva kuti nyika itsva ichange yakaita sei.”

Musi wa29 June 2013, chivako chitsva chemahofisi chine nhurikidzwa nhatu chiri paBheteri muYangon, kuMyanmar, chakatsaurirwa. Guy Pierce weDare Rinodzora akapa hurukuro yekutsaurira kuvanhu 1 013 vaisanganisira vaeni vakabva kune dzimwe nyika 11. Mumwe murume anobva kunyika inorambidzwa basa reZvapupu zvaJehovha akasvika paiva neboka rehama nehanzvadzi dzemuMyanmar dzaigamuchira vaeni ava paYangon International Airport. Akanongedzera zvikwangwani zvavainge vakabata zvaiti, “Titambire Zvapupu zvaJehovha” ndokubvunza kuti, “Muri kutambira zvapupu zvenyaya iri mudare  here?” Vakapindura kuti, “Kwete, tiri kutambira shamwari dzedu.” Murume wacho akabvunza kuti, “Saka ndiani uyu anonzi Jehovha?” Hama nehanzvadzi dzacho dzakabva dzamuparidzira. Zuva rakatevera pashure pepurogiramu yekutsaurira, musangano unokosha wakaitwa paMyanmar Convention Center, Hama Pierce pavakakurukura nyaya inoti, “Shumira Jehovha Nemwoyo Unonzwisisa.” Vanhu vaiva mudzimwe nzvimbo nhanhatu muMyanmar vaiteerera purogiramu yacho pachishandiswa nhare, zvichiita kuti vanosvika 2 963 vanzwe mashoko akauya panguva yakakodzera. Mumwe wevatyairi vemabhazi aiendesa boka rehama nehanzvadzi dzemuMyanmar kumusangano unokosha muYangon akati: “Ndinoona kuti vanhu imimi makasiyana chaizvo nezvimwe zvitendero. Munonyatsozvibata, munopfeka zvakanyatsonaka, uye mune mutsa zvikuru. Ndine makore akawanda ndichitakura vanhu vanenge vahaya bhazi, asi handisati ndamboona vanhu vakadzikama kudaro!”

Myanmar: Vaparidzi vemunyika macho vachigamuchira vaeni kupurogiramu yekutsaurira bazi

Vashumiri vaJehovha vakavimbika muMoldova vaiva  nechikonzero chakanaka chekufara musi weChitatu 3 July 2013, Stephen Lett weDare Rinodzora paakapa hurukuro yekutsaurira zvivako zvebazi zvainge zvichangobva kuwedzerwa. Zvinhu zvakawedzerwa zvinosanganisira chivako chine nhurikidzwa nhatu chine panosvikira mabhuku uye dzimba gumi dzokugara, pamwe chete neImba yoUmambo ine nhurikidzwa mbiri, iri kushandiswa neungano nomwe. Nhengo 33 dzemhuri yeBheteri yeMoldova dzakafara kugamuchira vashanyi vakabva kuGermany, Ireland, Netherlands, Romania, Russia, Ukraine, neUnited States. Vaivapowo ihama nehanzvadzi dzakashumira Jehovha dzakatendeka basa parainge rarambidzwa, uye vamwe vacho vakabatsira pakukopa uye kuparadzira zvinyorwa panguva iyoyo. Paivawo nevakawanda vainge vambodzorerwa kuSiberia pamwe chete nevabereki vavo pairwiswa Zvapupu zvaJehovha nenzira dzakasiyana-siyana mune yaichimbova Soviet Union. Musi weSvondo, Hama Lett vakapa hurukuro inokurudzira yakashandurirwa mumitauro yeRomanian neRussian kuvanhu vanosvika 14 705—boka reZvapupu zvaJehovha rakakura kupfuura ose ati amboungana muMoldova.

Ramba Uchinyengetera Usinganeti

Jesu akasimbisa kuti tinofanira ‘kunyengetera tisinganeti.’ (Ruka 18:1) Paunonyengetera uchitaura zviri mumwoyo mako, unosimbisa tariro yako. Nokudaro, ‘ramba uchinyengetera.’ (1 VaT. 5:17; VaR. 12:12) Sezvaunodaro, ‘Mwari worugare ngaakushongedze nezvinhu zvose zvakanaka kuti uite zvaanoda, achiita mauri zvinomufadza kwazvo pamberi pake achishandisa Jesu Kristu.’—VaH. 13:20, 21.