Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Basa Riri Kufamba Chaizvo kuWarwick

Basa Riri Kufamba Chaizvo kuWarwick

HAPADANWI anonzwa uye hama dziri kuita basa sebasa panzvimbo iri kuvakirwa mahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha kuWarwick, New York. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakasiya zvimwe zvinhu kuti dzikwanise kuita basa racho. Asi vakawanda vavo vanoti, “Hapana chimwe chinhu chatingaenzanisa nekushanda pano.” Ngatimboonai zviri kuitika kuWarwick.