ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA
Basa Riri Kufamba Chaizvo kuWarwick
HAPADANWI anonzwa uye hama dziri kuita basa sebasa panzvimbo iri kuvakirwa mahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha kuWarwick, New York. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakasiya zvimwe zvinhu kuti dzikwanise kuita basa racho. Asi vakawanda vavo vanoti, “Hapana chimwe chinhu chatingaenzanisa nekushanda pano.” Ngatimboonai zviri kuitika kuWarwick.