Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

ARMENIA Inoita Kuti Pave Nemamwe Mabasa Ehurumende Angaitwa nevaKristu Vasingadi Kupinda Muchiuto

Armenia: Dzimwe hama dzakaendeswa kunzvimbo dziri kure nemaguta munyika yacho kuti dzinoita mabasa ehurumende asiri echiuto. Dzinoramba dzichishingaira kuparidza dziri ikoko

Muna 2013 hurumende yeArmenia yakaita urongwa hwekuti vanhu vasingadi kupinda muchiuto vakwanise kuita mamwe mabasa ehurumende asiri echiuto. Saka Zvapupu zvaJehovha muArmenia zvava kukwanisa kusarudza kuita mabasa iwayo pane kupika jeri nemhaka yekuramba kupinda muchiuto pamusana pehana. Muna January 2014 bazi reArmenia rakati hama 71 dzakatanga kuita mabasa acho pasi peurongwa uhwu. Semuenzaniso, dzimwe hama dzinopiwa mabasa ekushanda mukicheni kana kubatsira manesi muzvipatara. Vanoona nezveurongwa hwacho vakataura zvakanaka nezvemashandiro anoita hama padzinoita mabasa akaoma adzinenge dzapiwa. Hama dzinofara nemhaka yekuti pakaitwa urongwa hwekuti dzikwanise kuita mabasa ehurumende asiri echiuto kuitira kuti dzirambe dziine hana yakachena yechiKristu. * Imwe hama yakati, “Tinotenda Jehovha kuti tava kukwanisa kuita mamwe mabasa ehurumende, zvichiita kuti tisapinda muchiuto panguva imwe chete tichinamata Jehovha takasununguka.”

DOMINICAN REPUBLIC Zvapupu Zvinobvumirwa Kuchatisa Vanhu Zviri Pamutemo

Muna 1954, Dominican Republic yakasainirana chibvumirano naPapa chekuti chechi yeRoma ive yega chitendero chine kodzero yekuchatisa vanhu. Vanhu vaigona kuchatiswa nechechi yeRoma kana kuti muchatisi wehurumende chete. Zvisinei, muna 2010, hurumende yakaita bumbiro idzva raiita kuti vamiririri vakakodzera vezvimwe zvitendero vave nekodzero yekuchatisa. Hurumende yakaronga kudzidzisa vanoda kupiwa marezinesi. Hofisi yebazi yemuDominican Republic yakasarudza vakuru 30 kuti vanodzidziswa. Pavanhu vanopfuura 2 000 vakanyorera kuti vapiwe marezinesi acho, 32 chete ndivo vakaawana. Zvisinei, hama dzedu dzese dziri 30 dzakapiwa marezinesi ekuchatisa Zvapupu.

INDIA Vakatsunga Kuparidza Vasingatyi

Sundeep naDeepalakshmi Muniswamy

Musi wa27 January 2014, komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu muKarnataka yakawana Sub-Inspector wemapurisa epaOld Hubli Police Station muKarnataka aine mhosva yekutyora kodzero dzaHama Sundeep Muniswamy nokuti haana kuita kuti vadzivirirwe pavakarwiswa nemhomho yevanhu musi wa28 June 2011. Komisheni yacho yakati Sub-Inspector ndiye ane mhosva yekutyorwa kwakaitwa kodzero dzevanhu ndokubva yarayira kuti hurumende yeKarnataka imurange uye yakati Hama Muniswamy vabhadharwe 20 000 rupees (US$326). Komisheni yacho yakarayira hurumende kuti itore mari iyoyo kubva papeyi yaSub-Inspector wacho.

Hama Muniswamy vakati ivo nemhuri yavo vanoonga Jehovha nemhaka yechisarudzo ichi uye vakatsunga kuramba vachiparidza mashoko akanaka vasingatyi. Chisarudzo chacho chakasimbisa kutenda kwehama uye kuvimba kwadzinoita naJehovha kuti anokwanisa kuchengetedza vanhu vake. Chinonyeverawo vakuru vakuru kuti vadzivirire kodzero dzeZvapupu zvaJehovha muKarnataka. Pane nyaya ichiri mumatare ine chekuita nechiitiko ichi iri kupomerwa Hama Muniswamy pamwe chete neimwe hama.

KYRGYZSTAN Chikamu Chinoona Nezvebumbiro Remutemo muDare Repamusorosoro reKyrgyzstan Chinotsigira Kodzero Dzevanhu Dzekuramba Zvimwe Zvinhu Pamusana Pehana

Musi wa19 November 2013, waikosha chaizvo kune vasingadi kupinda muchiuto pamusana pekuti hana dzavo hadzivabvumiri. Chikamu Chinoona Nezvebumbiro Remutemo muDare Repamusorosoro chakapa mutongo panyaya 11 dzeZvapupu zvaJehovha uye chakati mutemo weKyrgyzstan uyo une chekuita nemamwe mabasa ehurumende asiri echiuto waisaenderana nebumbiro remutemo. Mutemo waiti vese vanenge vachiita mabasa aya vanofanira kubhadhara zvakananga kuchiuto mari yekutsigira mabasa echiuto. Mutemo waitiwo vanhu vasingadi zvechiuto pamusana pehana vanofanira kunyoresa mazita avo pavanongopedza basa rehurumende kuitira kuti vazoshevedzwa kuchiuto pavanenge vava kudiwa. Chikamu Chinoona Nezvebumbiro Remutemo chakati kwaiva kutyorwa kwekodzero yerusununguko rwekunamata kuti munhu amanikidzwe kuita mamwe mabasa ehurumende mumamiriro ezvinhu akadaro nemhaka yekuti hana yake haimubvumiri kupinda muchiuto. Mumwedzi yekutanga ya2014, Dare Repamusorosoro reKyrgyzstan rakaita maererano nechisarudzo cheChikamu Chinoona Nezvebumbiro Remutemo uye rakati Zvapupu zvaJehovha 14 zvakanga zvambowanirwa mhosva pachishandiswa mutemo wekare zvainge zvisina mhosva. Zvisarudzo izvi zvapedza hondo yemakore manomwe yekuti tiwane rusununguko rwekunamata tisingaite zvinhu zvinopesana nehana. Kutsunga kwemajaya aya anoda zverugare kwaita kuti zita raJehovha rikudzwe uye kuti tikwanise kunamata takasununguka muKyrgyz Republic.

Kyrgyzstan: Zvapupu zvine nyaya dzakapinda mudare repamusoro-soro reKyrgyzstan

NIGERIA “Jehovha Ainge Andipa Mubayiro”

Zvapupu zvaJehovha zvinogara muAbia State kuNigeria, zvinowanzotyisidzirwa uye kuvengwa nokuti zvinoramba kujoina masosaiti evanhu vezera rimwe chete * ayo anowanzoita zvemhirizhonga uye zvemidzimu munzvimbo dzaanenge ari. Rimwe zuva ari mangwanani muna November 2005, nhengo dzesosaiti yemumusha weAsaga Ohafia dzakasvika pamba paHama Emmanuel Ogwo nemudzimai wavo ndokuvatorera zvinhu zvavo zvese dzichiti ndiwo mubhadharo wekuva nhengo yesosaiti. Vakangosara nembatya dzavainge vakapfeka chete. Muna 2006, vagari vemuAsaga Ohafia vakadzinga Hama Ogwo pamba pavo nemunzvimbo yacho. Hama naHanzvadzi Ogwo vakaenda kunogara neimwe hama mune imwe nharaunda, kwavakanochengetwa. Kunyange zvazvo Hama Ogwo vakazodzokera kumba kwavo gore rakatevera racho, vakaramba vachingomanikidzwa kuti vajoine sosaiti yacho, uye pavaikumbira kudzorerwa zvinhu zvavo hapana aivateerera.

Musi wa15 April 2014, Dare Repamusoro reAbia State rakatonga zvakanakira Hama Ogwo, richitsigira kodzero yavo yepamutemo yerusununguko rwekusarudza chitendero uye vanhu vekuwadzana navo. Hama Ogwo vakadzorerwa zvinhu zvavo zvavainge vambotorerwa. Zvapupu hazvichanyanyi kuvengwa sezvazvaimboitwa kare, uye hama dzemuAsaga Ohafia dzava kuparidza dzakasununguka munharaunda yacho.

Dare racho parakazivisa zvarainge rasarudza, Hama Ogwo vakati: “Ndakasvetuka nemufaro. Ndakafara zvekufara zviya. Ndakaona sekuti Jehovha ndiye akanga ahwina nyaya yacho uye kuti ngirozi dzaiva neni. Jehovha ainge andipa mubayiro.”

RUSSIA Mutongo Wakapiwa Nedare Unotsigira jw.org

Nyaya dzakawanda dzine chekuita nemitemo dziri kutarisana nehama dzedu muRussia ‘dziri kuita kuti mashoko akanaka afambire mberi’ munyika iyoyo. (VaF. 1:12) Kunyange zvazvo vamwe vakuru vakuru vehurumende nevatungamiriri vezvitendero vachipikisa zvakasimba kunamata kwedu, hama dzedu kuRussia dziri kuramba dzakavimbika, uye Jehovha ari kukomborera zvadziri kuita.

Chimwe chezvikomborero izvi chinooneka pakukunda kwakaitwa mudare muguta reTver’. Muna 2013, hofisi yemuchuchisi muTver’ yakaenda kune rimwe rematare epasi muguta racho ichinyunyuta kuti jw.org ibhanwe muRussia yose zvayo. Dare racho rakatonga richitsigira muchuchisi risina kana kumbozivisa chero mumiririri mumwe chete zvake weZvapupu zvaJehovha. Hama dzedu dzakanzwa zvainge zvatongwa nedare racho ndokukwidza nyaya yacho. Musi wa22 January 2014, Tver’ Regional Court yakaramba zvainge zvatongwa nedare repasi ndokupa mutongo ichitsigira Zvapupu. Nemhaka yaJehovha uye minyengetero yehama pasi rose, vazhinji vehama dzedu muRussia vava kubatsirwa zvikuru nejw.org.

TURKEY Inoenderera Mberi Nekusaremekedza Kodzero Dzekuramba Kupinda Muchiuto Pamusana Pehana

Bariş Görmez, mumwe weZvapupu zvaJehovha muTurkey, akapedza makore anopfuura mana ari mujeri nemhaka yekuramba kupinda muchiuto. Paaiva muusungwa akatsungirira utsinye hwaaiitirwa nemapurisa emuchiuto ayo aimukika nekumurova nezvimiti. Aitamburawo paaiva musero remujeri. Nemhaka yekuti Hama Görmez vakareba 2,1m, vaisakwana kurara pamubhedha wemujeri saka vaitofanira kurara pamibhedha miviri asi vakagonya. Vakuru vakuru vepajeri racho vakazovapa mvumo yekuva nematiresi yakati kurei, iyo yavakazopiwa neungano.

Muna 2008, Hama Görmez nezvimwe Zvapupu zvitatu vakanyorera kuEuropean Court of Human Rights, vachiti Turkey yakavatorera rusununguko rwavo rwekunamata nekuti haina kuremekedza kodzero yavo yekuramba kuita zvimwe zvinhu pamusana pehana. Musi wa3 June 2014, Dare racho rakatonga richitsigira Zvapupu izvi zvina * uye rakarayira kuti hurumende yeTurkey ibhadhare kukuvadzwa kwakaitwa hama idzi. Aka ndekechitatu European Court of Human Rights ichitonga ichitsigira Zvapupu zvaJehovha asi ichipesana neTurkey panyaya iyi. Kunyange zvazvo pasina Zvapupu zvaJehovha zviri mujeri pari zvino muTurkey, nyaya iyi inenge isina kunyatsopera kusvikira Turkey yava kuremekedza kodzero dzevanhu vasingadi kupinda muchiuto pamusana pehana.

Mamwe Mashoko Pamishumo Yegore Rakapera

Azerbaijan: Hama dzichiri kupindirwa nemapurisa padzinenge dzichiita misangano, mabhuku edu anoongororwa kuti akakodzera here, vamwe vari kusungwa vachiparidza, uye dzimwe kodzero dzehama dziri kutyorwa. Hurumende ichiri kuramba kunyoresazve sangano reZvapupu zvaJehovha zviri pamutemo. Pane nyaya 19 dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu neAzerbaijan dzakaendeswa kuEuropean Court of Human Rights. Pasinei nematambudziko aya, Jehovha ari kukomborera vanhu vake nekuti vaparidzi vari kuramba vachiwedzera. Kubudiswa kwakaitwa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wechiAzerbaijani kwakaita kuti vanhu vawedzere kufara.

Eritrea: Munyika iyi hama dziri kuramba dzichishumira Jehovha dzakatendeka dzichitsungirira kutambudzwa kwakanyanya. Hama nhatu dzinoti Paulos Eyassu, Isaac Mogos, naNegede Teklemariam, dzava nemakore 20 dziri mujeri kubvira musi wa24 September 1994. Mapurisa eEritrea akasunga vanhu vanenge 150, Zvapupu nevanofarira, vaiva paChirangaridzo cherufu rwaKristu chakaitwa musi wa14 April 2014. Vakasungwa vaiva vemazera anotangira pamwedzi 16 kusvika kumakore anodarika 85. Musi wa27 April 2014 mapurisa akasungawo vanhu vanenge 30 vaisanganisira Zvapupu nevanofarira, paiitwa hurukuro inokosha. Vakawanda vavo vakasunungurwa.

Kazakhstan: Dhipatimendi Rinoona Nezvezvitendero harisati rabvumira zvinyorwa zvedu 14 kuti zvipinde kana kupiwa vanhu mundima yeRepublic of Kazakhstan. Uyewo, vamwe vedu havabvumirwi kuudza vamwe zvavanotenda kana vasiri munzvimbo dzekunamatira dzeZvapupu dzakanyoreswa, uye hama dzinenge 50 dzakanzi dzine mhosva yekuita basa reumishinari zvisiri pamutemo. Kuti hama dzidzivirire rusununguko rwadzo rwekutaura, dzakaendesa nyaya 26 kukomiti yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu.

^ ndima 1 Kuita kana kusaita mabasa ehurumende asiri echiuto inyaya yehana.

^ ndima 1 Sosaiti yevanhu vezera rimwe chete inoumbwa nevanhu vakasiyana-siyana, kazhinji kacho vanhurume vakada kuenzana vanenge vachigara munharaunda imwe chete.

^ ndima 2 Buldu and Others v. Turkey, No. 14017/08, June 3, 2014.