Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKARINDA!

Dambudziko Revapoteri—Mamiriyoni Evanhu Anotiza muUkraine

Dambudziko Revapoteri—Mamiriyoni Evanhu Anotiza muUkraine

 Russia yakarwisa Ukraine musi wa24 February 2022 zvichibva zvaita kuti vanhu vakawanda vari muUkraine vatize hondo. a

 “Taiona mabhomba achiputika. Zvaityisa chaizvo zvekuti zvakaoma kuzvitsanangura. Patakaziva kuti paiva nezvitima zvaitakura vanhu, takabva tafungawo kubuda muUkraine. Munhu mumwe nemumwe aibvumirwa kungopinda muchitima nebhegi rimwe chete diki. Chatakangokwanisa kutakura mapepa anokosha, mishonga, mvura nezvekudya zvishomanana. Zvimwe zvese zvakasara, tichibva taenda kunokwira chitima uku mabhomba achiputika.”—Nataliia, anobva kuKharkiv, Ukraine.

 “Hatina kumbofungidzira kuti kungaitika hondo. Ndainzwa mabhomba achiputika mutaundi uye mahwindo aizununguka. Ndakafunga kuti regai ndibude muUkraine, ndichibva ndangotora zvinhu zvishoma zvinokosha. Ndakabuda mumba na8 dzemangwanani ndikabva ndaenda kuLviv nechitima ndobva ndazokwira bhazi ndakananga kuPoland.”—Nadija, anobva kuKharkiv, Ukraine.

Munyaya ino

 Dambudziko iri revapoteri riri kukonzerwa nei?

 Kunyange zvazvo dambudziko revapoteri vakabva kuUkraine rakatanga pakarwiswa nyika iyi neRussia, Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvinoita kuti pave nematambudziko aya:

  •   Hurumende dzevanhu dzakundikana kupa vanhu zvavanoda. Kakawanda kacho, vanhu vari muhurumende vanoshandisa simba ravainaro kuti vadzvinyirire vamwe.—Muparidzi 4:1; 8:9.

  •   Satani Dhiyabhorosi “mutongi wenyika” ari kuita kuti vanhu vaite zvakaipa zvekuti Bhaibheri rinotaura nezvake richiti: “Nyika yese iri musimba reakaipa.”—Johani 14:30; 1 Johani 5:19.

  •   Kuwedzera pamatambudziko ashungurudza vanhu kwemakore, iye zvino tiri kurarama panguva yakataurwa neBhaibheri kuti: “Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika.” (2 Timoti 3:1) Nguva iyi yaizenge yakazara hondo, njodzi dzinongoitika dzega, nzara uye zvirwere zvinopararira. Zvese izvi zvaizoita kuti vanhu vatizire kune dzimwe nzvimbo kana kuti kune dzimwe nyika.—Ruka 21:10, 11.

 Chii chingapedza dambudziko riri kusangana nevapoteri?

 Bhaibheri rinotaura kuti Musiki wedu Jehovha, b ndiMwari ane rudo uye anonzwira tsitsi vapoteri uye vanhu vanenge vatiza misha yavo. (Dheuteronomi 10:18) Anovimbisa kuti achapedza matambudziko anosangana nevapoteri achishandisa hurumende yake iri kudenga inonzi Umambo hwaMwari. Hurumende iyi ichabvisa hurumende dzese dzevanhu dziri panyika. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Jehovha achashandisa Umambo hwake kuparadza Satani Dhiyabhorosi. (VaRoma 16:20) Umambo ihwohwo ihurumende ichatonga pasi rese uye huchabvisa zvinhu zvinoita kuti vanhu vasabatana, zvakadai semiganhu yenyika. Vanhu vese vachange vava mhuri imwe chete. Hapana achazotiza musha wake nekuti Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, uye hapana achaita kuti vatye, nekuti muromo waJehovha wemauto wataura.”—Mika 4:4.

 Umambo hwaMwari chete ndihwo huchapedza zvachose dambudziko revapoteri ririko mazuva ano. Jehovha achashandisa Umambo hwake kuti abvise matambudziko anoita kuti vanhu vazopedzisira vava vapoteri. Inzwa zvimwe zvaachaita:

 Bhaibheri ringabatsira vapoteri here mazuva ano?

 Ehe. Kunze kwekungovimbisa vapoteri ramangwana rakanaka, Bhaibheri rinogona kuvabatsira pamatambudziko avainawo iye zvino.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.

 Zvazvinoreva: Edza kufungidzira njodzi dzinogona kuitika woona zvaungaita kuti uzvichengetedze. Chenjerera matsotsi anouya kwauri achiita senge ari kuda kukubatsira asi achida kukubira sezvo uri munzvimbo yausina kujaira.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.

 Zvazvinoreva: Usanyanya kuisa pfungwa pazvinhu. Kana ukagutsikana nezvinhu zvinokosha pakurarama uchawedzera kufara.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Saka zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”—Mateu 7:12.

 Zvazvinoreva: Iva nemwoyo murefu uye itirawo vamwe zvakanaka. Kuita izvi kuchakubatsira kuti vanhu vemunharaunda yawava kugara vakuremekedze uye vakubatewo zvakanaka.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musadzorera chakaipa nechakaipa.”—VaRoma 12:17.

 Zvazvinoreva: Kana ukasabatwa zvakanaka usaita hasha kana kuda kudzorera. Nekuti ukadaro zvinhu zvinotowedzera kuipa.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

 Zvazvinoreva: Isa Mwari pekutanga muupenyu hwako uye nyengetera kwaari. Achakubatsira kuti ukwanise kutsungirira.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu.”—VaFiripi 4:6, 7.

 Zvazvinoreva: Nguva dzese ramba uchikumbira Mwari kuti ugadzikane mupfungwa kuti usaramba uchishushikana. Verenga nyaya yakanzi “VaFiripi 4:6, 7—‘Musazvidya Mwoyo Nezvechinhu Chero Chipi Zvacho.’”

a Zuva rakatevera racho United Nations High Commissioner for Refugees (UNHCR) yakabva yaita musangano wekuti vaone nezvedambudziko rakakura rakanga ramuka. Mumazuva 12 vanhu vanopfuura 2 miriyoni vakatiza muUkraine vachienda kune dzimwe nyika dziri pedyo uyewo vamwe vanosvika miriyoni vakatizira kune dzimwe nzvimbo dziri munyika iyoyo yeUkraine.

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Verenga nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?