Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Comstock Images/Stockbyte via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Uchasarudza Mutungamiriri Upi?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Uchasarudza Mutungamiriri Upi?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Mumavhiki ari kutevera, munyika dzakawanda muchaitwa sarudzo. Vanhu vari mubishi kufunga kuti ndeupi mutungamiriri wavachasarudza.

 Bhaibheri rinoti kudii panyaya iyi?

Vatungamiriri vevanhu vane zvavasingakwanisi kuita

 Bhaibheri rinotaura chimwe chinhu chisingakwanisi kuitwa nevatungamiriri vese vevanhu.

  •   “Musavimba nemachinda, kana nemwanakomana wemunhu, asingagoni kuunza ruponeso. Simba rake reupenyu rinobuda, iye odzokera kuvhu; zuva iroro chairo pfungwa dzake dzinoparara.”—Pisarema 146:3, 4, mashoko emuzasi.

 Kunyange vatungamiriri vanoita basa ravo zvakanaka vanozongofa. Uyewo, panopinda mumwe mutongi, anogona kusapfuudzira zvakanaka zvavanga vachiita.—Muparidzi 2:18, 19.

 Chokwadi ndechekuti Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu havana kusikirwa kuti vazvitonge.

  •   “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.

 Pane here munhu anokwanisa kuva mutungamiriri akanaka mazuva ano?

Mutungamiriri akasarudzwa naMwari

 Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasarudza mutungamiriri akanyatsokodzera uye watinogona kuvimba naye. Mutungamiriri uyu ndiJesu Kristu. (Pisarema 2:6) Jesu ndiye Mambo weUmambo hwaMwari. Umambo hwaMwari ihurumende inotonga iri kudenga.—Mateu 6:10.

 Uchasarudza Jesu kuti ave mutungamiriri wako here? Bhaibheri rinoratidza kuti mubvunzo iwoyo wakakosha chaizvo:

  •   “Kudzai mwanakomana, nekuti mukasadaro, Mwari achashatirwa uye muchaparara munzira, nekuti hasha dzake dzinokwira nekukurumidza. Vanofara vese vanopotera kwaari.”—Pisarema 2:12.

 Ino ndiyo nguva yekuti usarudze kuti Jesu ave mutungamiriri wako. Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Jesu akatanga kutonga muna 1914 uye kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo kubvisa hurumende dzevanhu kuti ihwo hutonge pasi rese.—Dhanieri 2:44.

 Kuti udzidze zvakawanda nezvekuti ungatsigira sei utongi hwaJesu, verenga nyaya yakanzi, “Tsigira Umambo hwaMwari Iye Zvino!