Enda pane zvauri kuda

Jehovha, Mai, Neni

Jehovha, Mai, Neni

Tarisa uone zvinoitwa naChung-Hee kuratidza kuti anoda amai vake uye anovakoshesa.

Vabereki, verengai nevana venyu 2 Timoti 1:5 mokurukura navo vhesi yacho.

Dhaunirodhai moprinda pepa iri.

Vanaamai vanoshanda nesimba pakurera vana vavo uye kuvadzidzisa kuti vade Jehovha. Onai nevana venyu vhidhiyo inonzi Jehovha, Mai, Neni mozokurukura mibvunzo iri papeji 1. Kana mapedza, vana venyu ngavadhirowe pikicha inoratidza zvavari kuronga kuzoita kuti varatidze kuti vanokudai.

Zvimwe Zvaunogona Kufarira

NYAYA DZINOGARA DZICHIBUDA

Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha—Mabasa Ekuita

Shandisai mabasa ekuita aya kuti mudzokorore zvamakadzidza pamavhidhiyo anonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha, mokurukura pfungwa dzirimo nevana venyu.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Mavhidhiyo Uye Mabasa Ekuita Evana

Shandisa mabasa aya ekuita anonakidza anodzidzisa zvemuBhaibheri kuti ubatsire mwana wako kuziva tsika dzakanaka dzinodiwa naMwari.