Enda pane zvauri kuda

Ndinoda Kuva Munyoro saMozisi

Ndinoda Kuva Munyoro saMozisi

Itai kuti mwana wenyu adzidze zvakawanda nezvaMozisi pamunenge muchimubatsira kuona kuti kana akapinda nepakanzi TANGA anofamba sei kuti asvike pakanzi PEDZA.

Vabereki verengai nevana venyu Numeri 12:3 mokurukura navo vhesi yacho.

Dhaunirodhai moprinda pepa iri.

Jehovha akasarudza Mozisi kuti atungamirire vaIsraeri. Bhaibheri rinoti aiva munhu munyoro nemhaka yekuti aibata vamwe zvakanaka kunyange zvazvo aiva nechinzvimbo chepamusoro. Batsirai mwana wenyu kuti aone kuti kana akapinda nepakanzi TANGA anofamba sei kuti asvike pakanzi PEDZA mokurukura kuti tingava sei vanyoro sezvakanga zvakaita Mozisi.

Zvimwe Zvaunogona Kufarira

NYAYA DZINOGARA DZICHIBUDA

Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha—Mabasa Ekuita

Shandisai mabasa ekuita aya kuti mudzokorore zvamakadzidza pamavhidhiyo anonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha, mokurukura pfungwa dzirimo nevana venyu.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Mavhidhiyo Uye Mabasa Ekuita Evana

Shandisa mabasa aya ekuita anonakidza anodzidzisa zvemuBhaibheri kuti ubatsire mwana wako kuziva tsika dzakanaka dzinodiwa naMwari.