Enda pane zvauri kuda

Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa

Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa

Itai basa iri kuti mubatsire vana venyu kufungidzira zvichange zvakaita upenyu munyika itsva.

Vabereki verengai nevana venyu Pisarema 37:29, mokurukura navo vhesi yacho.

Dhaunirodhai moprinda pepa iri.

Onai vhidhiyo inonzi Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa. Kana mapedza itai kuti mwana wenyu akale mufananidzo uri pasi apa. Itai kuti adhirowe zvaari kufungidzira kuti ndizvo zvinenge zvakaita Paradhiso. Munogonawo kuverenga chidzidzo 103 mubhuku raZvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri.

Zvimwe Zvaunogona Kufarira

NYAYA DZINOGARA DZICHIBUDA

Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha—Mabasa Ekuita

Shandisai mabasa ekuita aya kuti mudzokorore zvamakadzidza pamavhidhiyo anonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha, mokurukura pfungwa dzirimo nevana venyu.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Mavhidhiyo Uye Mabasa Ekuita Evana

Shandisa mabasa aya ekuita anonakidza anodzidzisa zvemuBhaibheri kuti ubatsire mwana wako kuziva tsika dzakanaka dzinodiwa naMwari.