Enda pane zvauri kuda

Jehovha Ndiani?

Jehovha Ndiani?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jehovha ndiye Mwari wechokwadi anotaurwa muBhaibheri, Musiki wezvinhu zvese. (Zvakazarurwa 4:11) Vaprofita vakadai saAbrahamu naMozisi vainamata Jehovha sezvaiitwawo naJesu. (Genesisi 24:27; Eksodho 15:1, 2; Johani 20:17) Haasi Mwari werudzi rumwe chete, asi ‘wenyika yese.’​—Pisarema 47:2.

 Bhaibheri rinoratidza kuti zita raMwari ndiJehovha. (Eksodho 3:15; Pisarema 83:18) MuchiHebheru, zita iri rinobva pashoko rechiito rinoreva kuti “kuita kuti zviitike,” uye vaongorori vakawanda vanofunga kuti zita racho rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Tsanangudzo iyi inonyatsoenderana nebasa raJehovha seMusiki uye seMunhu Anozadzisa chinangwa chake. (Isaya 55:10, 11) Bhaibheri rinotibatsirawo kuti tizive zvakaita Jehovha, kunyanya nezverudo rwake rwakadzama.—Eksodho 34:5-7; Ruka 6:35; 1 Johani 4:8.

 Zita raMwari muchiHebheru rinomiririrwa nemabhii mana ekuti יהוה (YHWH) anozivikanwa seTetragrammaton, uye kana rashandurwa muchiShona rinonzi Jehovha. Iye zvino hapana anoziva kuti zita iri rainyatsodudzwa sei muchiHebheru chekare. Asi muChirungu zita rekuti “Jehovah” rava nenguva richishandiswa uye rakatanga kuoneka muBhaibheri rakashandurwa naWilliam Tyndale ra1530. a

Nei pasina anoziva kuti zita raMwari raidudzwa sei muchiHebheru chekare?

 ChiHebheru chekare chainyorwa pasina mavhawero, pachingoshandiswa makonzonendi chete. Muverengi wechiHebheru aiziva mavhawero ekuisa pashoko rimwe nerimwe. Asi Magwaro echiHebheru (“Testamende Yekare”) paakapera kunyorwa, vamwe vaJudha vakatanga kutenda mashura ekuti zvainge zvisina kunaka kutaura zita chairo raMwari. Pavaiverenga zvinonzwika rugwaro rwaiva nezita raMwari, vaitsiva zita racho nemashoko akadai seekuti “Ishe” kana kuti “Mwari.” Kwemazana emakore, kutenda mashura uku kwakaramba kuchipararira kusvikira pasisina munhu aiziva kuti zita racho raidudzwa sei. b

 Vamwe vanofunga kuti zita raMwari raishevedzwa kuti “Yahwe,” vamwe vachitaurawo zvimwe. Mupumburu weGungwa Rakafa une chikamu chaRevhitiko muchiGiriki chinoshandura zita raMwari kuti Iao. Vanyori vechiGiriki vekare vanotaurawo kuti raishevedzwa kuti Iae, I·a·beʹ, uye I·a·ou·eʹ, asi hapana chinoratidza kuti aya ndiwo madudzirwo araiitwa muchiHebheru chekare. c

Nhema dzinotaurwa nezvezita raMwari riri muBhaibheri

 Zvavanotaura: Shanduro dzine zita rekuti “Jehovha,” dzakawedzeredza zita iri.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zita raMwari iro rakanyorwa ari mabhii mana muchiHebheru rinowanika ka7 000 muBhaibheri. d Mushanduro dzakawanda zita raMwari rakabviswa pasina zvikonzero zvine musoro, rikatsiviwa nezita rekuremekedza rakadai serekuti “Ishe.”

 Zvavanotaura: Mwari wemasimbaose haafaniri kuva nezita rinomusiyanisa nevamwe.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari pachake akafemera vanyori veBhaibheri kuti vashandise zita rake kakawanda chaizvo, uye anoudza vanamati vake kuti varishandise. (Isaya 42:8; Joeri 2:32; Maraki 3:16; VaRoma 10:13) Mwari akatoshora vaprofita venhema avo vaiedza kuita kuti vanhu vakanganwe zita rake.​—Jeremiya 23:27.

 Zvavanotaura: Maererano netsika dzevaJudha, zita raMwari rinofanira kubviswa muBhaibheri.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Kunyange zvazvo vamwe vanyori vechiJudha vairamba kududza zita raMwari, havana kuribvisa mumaBhaibheri avo. Mwari haadi kuti titevedzere tsika dzevanhu dzinopesana nemirayiro yake.​—Mateu 15:1-3.

 Zvavanotaura: Zita raMwari harifaniri kushandiswa muBhaibheri nekuti hapana anonyatsoziva kuti rinodudzwa sei muchiHebheru.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mafungiro akadai anoita sekuti Mwari anotarisira kuti vanhu vanotaura mitauro yakasiyana-siyana vadudze zita rake zvakafanana. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti vanamati vaMwari vekare avo vaitaura mitauro yakasiyana-siyana vaidudza mazita zvakasiyana-siyana.

 Semuenzaniso, chimbofunga nezvemutongi wevaIsraeri ainzi Joshua. VaKristu vekutanga avo vaitaura chiHebheru vanofanira kunge vaidudza zita rake vachiti Yehoh·shuʹaʽ, asi vaya vaitaura chiGiriki vachiti I·e·sousʹ. Bhaibheri rine shanduro yechiGiriki yezita rechiHebheru raJoshua uye izvi zvinoratidza kuti vaKristu vaitevedzera zvavaiona zviine musoro uye zvichishandiswa nevakawanda pakutaura nepakunyora mazita mumutauro wavo.​—Mabasa 7:45; VaHebheru 4:8.

 Izvozvo ndizvo zvinogona kuitwawo pakushandura zita raMwari. Chinonyanya kukosha kupfuura madudzirwo aro chaiwo ndechekuti zita raMwari rive parinofanira kunge riri muBhaibheri.

a Tyndale paakashandura mabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri, akanyora zita raMwari achiti “Iehouah.” Nekufamba kwenguva, mutauro weChirungu wakachinja, uye chiperengo chezita raMwari chakachinjwa zvichienderana nematauriro aiita vanhu. Semuenzaniso, muna 1612, Henry Ainsworth akarinyora achiti “Iehovah” mushanduro yake yese yebhuku raMapisarema. Paakazodzokorora shanduro iyoyo muna 1639, akashandisa zita rekuti “Jehovah.” Ndizvowo zvakaitwa nevashanduri veBhaibheri reAmerican Standard Version, rakabudiswa muna 1901. Vakashandisa zita rekuti “Jehovah” paiwanika zita raMwari mumagwaro echiHebheru.

b The New Catholic Encyclopedia, Second Edition, Volume 14, mapeji 883-​884, inoti: “Pane imwe nguva vaJudha vabva muutapwa, zita rekuti Yahwe rakatanga kuonekwa serinoyera zvekuti pakabva patanga kuva netsika yekubvisa zita iroro richitsiviwa nerekuti ADONAI kana kuti ELOHIM.”

c Kuti uwane mamwe mashoko, ona mashoko ekuwedzera A4, “Zita raMwari muMagwaro echiHebheru,” ari muBhaibheriShanduro Yenyika Itsva.

d Ona bhuku rinonzi Theological Lexicon of the Old Testament, Volume 2, mapeji 523-​524.