Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ungochani Hwakaipa Here?

Ungochani Hwakaipa Here?

 “Pandaikura, dambudziko rakakura chaizvo randaifanira kukurira raiva rekuda vamwe vakomana. Ndaingofunga kuti zvinhu zvaizopera, asi nanhasi manzwiro iwayo achiri kundishayisa mufaro.”​—David, 23.

 David muKristu anoda kufadza Mwari. Asi angakwanisa here kufadza Mwari iye achinzwa kuda vamwe vanhurume? Ko Mwari anoona sei ungochani?

 Bhaibheri rinoti chii?

 Maonerwo anoitwa ungochani anosiyana-siyana zvichienderana netsika uye nguva inenge ichirarama munhu. Asi vaKristu havatevedzeri mafungiro anenge aine vanhu vakawanda uye ‘havatakurirwe kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’ (VaEfeso 4:14) Asi maonero avanoita ungochani (uye chero nyaya ipi zvayo ine chekuita nekuzvibata) anobva pane zvinodzidziswa neBhaibheri.

 Shoko raMwari Bhaibheri rinotaura zvakajeka nezveungochani. Rinoti:

  •  “Usarara nomunhurume sokurara kwaunoita nomukadzi.”—Revhitiko 18:22.

  •  “Mwari akavarega vachiva nechido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu, nokuti vanhukadzi vavo vakachinja zvavakasikirwa kuti zvive zvakasiyana nemasikirwo avo.”—VaRoma 1:26.

  •  “Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10.

 Kutaura zvazviri, zvinodiwa naMwari zvinoshanda kuvanhu vose pasinei nekuti vane chido chekuita zveungochani here kana kuti havana. Chokwadi ndechekuti, munhu wose anofanira kuzvidzora kuti asaita zvinhu zvisingafadzi Mwari.​—VaKorose 3:5.

 Zvinoreva here kuti . . . ?

 Zvinoreva here kuti Bhaibheri rinokurudzira kuvenga vanhu vanoita zveungochani?

 Kwete. Chiripo ndechekuti, Bhaibheri harikurudziri kuvenga chero ani zvake, pasinei nekuti ingochani here kana kuti haasi. Asi rinototiudza kuti ‘titevere rugare nevanhu vose,’ pasinei nemararamiro avanoita. (VaHebheru 12:14) Saka hazvina kunaka kurwisa ngochani kana kuti kudziitira utsinye.

 Izvi zvinoreva here kuti vaKristu vanofanira kupikisa mitemo inobvumira ungochani?

 Bhaibheri rinoratidza kuti zvinodiwa naMwari panyaya yewanano ndezvekuti murume mumwe chete aroorane nemukadzi mumwe chete. (Mateu 19:4-6) Asi kutaura nezvemitemo yakadzikwa nevanhu panyaya yeungochani kunoita kuti vanhu vatange kubata-bata nyaya dzezvematongerwo enyika kwete zvinofanira kuitwa nevanhu pakuzvibata. Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti vasave nedivi ravanotsigira pane zvematongerwo enyika. (Johani 18:36) Saka havatsigiri kana kupikisa mitemo yehurumende inotaura nezveungochani.

 Ko kana . . . ?

 Ko kana munhu achitoita zveungochani? Anogona kuzvisiya here?

 Ehe. Vamwe vakararama panguva yevaKristu vekutanga ndizvo zvavakaita! Pashure pekunge Bhaibheri rataura kuti vanoita zveungochani havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari, rinozoti: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.”​—1 VaKorinde 6:11.

 Izvi zvinoreva here kuti vanhu vakasiya kuita zveungochani havana kana kuzombobvira vavazve nechido chekuzviita zvekare? Kwete. Bhaibheri rinoti: “Mupfeke unhu hutsva, huri kuitwa hutsva . . . pachishandiswa zivo yakarurama.” (VaKorose 3:10) Saka munhu haangoerekani achinja nezuva rimwe chete.

 Ko kana munhu achida kutevedzera zvinodiwa naMwari asi achiri nechido chekuita zveungochani?

 Zvakangofanana nechero chido chingava nemunhu, anogona kusarudza kuti chido chacho chisakura mumwoyo make uye asaita maererano nacho. Sei? Bhaibheri rinoti: “Rambai muchifamba maererano nomudzimu uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.”​—VaGaratiya 5:16

 Ona kuti vhesi iyi haisi kuti munhu haazombovi nezvido zvenyama. Asi chiripo ndechekuti kana akagara achidzidza Bhaibheri nekunyengetera, anobva awana simba rekukurira zvido izvozvo.

 David, ambotaurwa nezvake patangira nyaya ino akaona kuti izvi zvinoshanda​—kunyanya paakazoudza vabereki vake vechiKristu nezvedambudziko rake. “Ndakanzwa sekuti ndakanga ndatura mutoro waindiremera, uye ndinofunga kuti kudai ndakakurumidza hangu kuvaudza ndingadai ndakanyatsonakidzwa nemazuva angu ekuyaruka.”

 Pakupedzisira, tinonyatsofara patinoita zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. Tine chokwadi chekuti zvinodiwa naJehovha ‘zvakarurama, zvinoita kuti mwoyo ufare’, uye “kuzvichengeta kunounza mubayiro mukuru.”​—Pisarema 19:8, 11.