Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri
Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.
Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19, muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa COVID-19 munguva pfupi yadarika.
United States of America
Zviri papeji ino
Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu
Zvamuchaona
Zvamuchaona kuWarwick Pasina Ari Kukutungamirirai
Bhaibheri Uye Zita raMwari. Nzvimbo iyi ine maBhaibheri ekare-kare uye inoratidza kuti zita raMwari rakachengetedzwa sei muMagwaro pasinei nezvaiedza kuitwa kuti ribviswe. Inewo zvinyorwa zvekare zvine chekuita neBhaibheri.
Vanhu Vezita raJehovha. Nzvimbo iyi inoratidza nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha. Mune zvinhu zvaishandiswa kare, mapikicha uye unogona kuteererawo hama dzichirondedzera zvaiitwa kare. Zvese izvi zvinoratidza kutungamirira kwaiita Jehovha vanhu vake uye kuvadzidzisa kwaaiita kuti vaite kuda kwake.
Mahofisi Makuru—Mabasa Anoratidza Kutenda. Panzvimbo iyi panoratidza basa rinoitwa nemakomiti eDare Rinotungamirira uye kubatsira kwaanoita Zvapupu zvaJehovha kuti zviteerere murayiro uri muMagwaro wekuungana pamwe chete, kuparidza, kudzidza shoko raMwari uye kuratidzana rudo.
Zvamuchaona kuPatterson Pasina Ari Kukutungamirirai
Nzvimbo Yakagadzirwa Kuti Ifanane Nezviri muBhaibheri. Unoda here kuziva kuti upenyu hwakanga hwakaita sei Jesu paaiva panyika? Mumiziyamu iyi, uchaona uye uchakwanisawo kuita zvinhu zvakasiyana-siyana zvaitwa nevanhu vakararama panguva yaJesu. Zvauchaona zvichakubatsira paunenge uchiverenga Bhaibheri.
Mari Yaishandiswa Kare Inotaurwa muBhaibheri. Uchaona mari yaishandiswa kare inotaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Uchadzidza zvimwe zvinhu zvine chekuita nemari uye uchaonawo kuti mavhesi api anotaura nezvayo muBhaibheri.
“Vanakomana Vako Vese Vachadzidziswa naJehovha.” Uchaona nhoroondo yezvikoro zvakasiyana-siyana zvesangano redu. Uchanzwa kuti zvikoro izvi zvakabatsira sei vamwe vanhu kuti vagone kudzidzisa uye vave vatariri muungano.
“Kutsigira Mashoko Akanaka Nekushandisa Mutemo Kuti Asarambidzwa.” Uchaona nyaya dzinokurudzira dzeZvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakatendeka pasinei nekupikiswa. Uchaonawo zvakaitwa nesangano redu kuti tikwanise kuparidza mashoko akanaka zviri pamutemo pasi rese.