Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Mateu 6:33—‘Tangai Kutsvaka Umambo hwaMwari’

Mateu 6:33—‘Tangai Kutsvaka Umambo hwaMwari’

 “Saka rambai muchitanga kutsvaga Umambo nekururama kwake, uye zvimwe zvinhu zvese izvi zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:33, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 ‘Asi tangai kutsvaka umambo hwaMwari nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.’—Mateu 6:33, The Bible in Union SHONA Version.

Zvinorehwa naMateu 6:33

 Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga ichaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. (Mateu 6:9, 10) Munhu anoratidza kuti ari kutsvaga Umambo nekuita kuti huve chinhu chinokosha kupfuura zvese muupenyu hwake. a Izvozvo zvinoreva kuti munhu haangogumiri chete pakudzidza nezveUmambo hwaMwari asi kuti anoudzawo vamwe nezvezvinhu zvakanaka zvichaitwa neUmambo hwacho. (Mateu 24:14) Munhu anotsvaga Umambo anonyengetererawo kuti Umambo hwacho huuye.—Ruka 11:2.

 Kururama kwaMwari kunosanganisirawo zvinhu zvaanoti izvi ndizvo zvakanaka uyewo izvi ndizvo zvakaipa. (Pisarema 119:172) Saka munhu anotsvaga kururama kwaMwari nekurarama maererano nemitemo yaMwari iyo inotibatsira.—Isaya 48:17.

 Mashoko ekuti zvimwe zvinhu zvese izvi zvichawedzerwa kwamuri ari kutivimbisa kuti Mwari achapa vashumiri vake zvavanoda pakurarama kana vakaisa Umambo hwake pekutanga uye vakateerera mitemo yake.—Mateu 6:31, 32.

Mavhesi Akapoteredza Mateu 6:33

 Jesu akataura mashoko aya paaipa Mharidzo yake Yepagomo, yakanyorwa muzvitsauko 5-7 zvaMateu. Vanhu vakawanda vakateerera mharidzo iyi vaiva varombo. Vanogona kunge vaifunga kuti chinhu chinonyanya kukosha, kutsvaga chekurarama nacho. Izvi zvaizovasiya vaine nguva shoma yekutsvaga Umambo. Asi Jesu akavakurudzira kuti vacherechedze machengetedzero anoita Mwari zvinomera uyewo mhuka. Mwari anovimbisa kuti ndizvo zvaachaitirawo vanhu vanotanga kutsvaga Umambo hwake.—Mateu 6:25-30.

Nhema Dzinotaurwa Nevanhu nezvaMateu 6:33

 Zvavanofunga: Munhu anotsvaga Umambo achapfuma.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu akati vaya vanotsvaga Umambo vachawana zvavanoda zvekurarama nazvo zvakadai sezvekudya nezvekupfeka. (Mateu 6:25, 31, 32) Jesu haana kutaura kuti taizova vapfumi kana kuti kuwanda kwezvinhu zvatiinazvo ndiko kunoratidza kuti Mwari ari kutikomborera. Asi Jesu akatokurudzira vateereri vake kuti vasazvitsvagira pfuma nekuti inogona kuita kuti munhu atadze kuisa Umambo pekutanga. (Mateu 6:19, 20, 24) Muapostora Pauro aishanda nesimba pakuparidza nezveUmambo hwaMwari, asi aisawana zvese zvaaida nguva dzese. Akatoudzawo vamwe nezvezvakaipira kutsvaga pfuma.—VaFiripi 4:11, 12; 1 Timoti 6:6-10.

 Zvavanofunga: VaKristu havafaniri havo kushanda kuti vawane zvekurarama nazvo.

 Chokwadi Nezvenyaya Iyi: Bhaibheri rinotaura kuti vaKristu vanotofanira kushanda kuti vawane zvavanoda zvekurarama nazvo. (1 VaTesaronika 4:11, 12; 2 VaTesaronika 3:10; 1 Timoti 5:8) Jesu haana kutaura kuti vateveri vake vanofanira kutsvaga Umambo chete, asi akati vanofanira kutanga kutsvaga Umambo.

 Vaya vanoisa Umambo pekutanga muupenyu hwavo, voshanda nesimba kuti vawane chekurarama nacho, vane chokwadi chekuti Mwari achavapa zvavanoda pakurarama.—1 Timoti 6:17-19.

a Mashoko ekuti ‘rambai . . . muchitsvaga’ akashandurwa kubva mushoko rechiGiriki rinoreva kusamira kuita chimwe chinhu. Mashoko acho anogona kunyorwa akanzi “usamira kutsvaga.” Saka tinofanira kugara tichikoshesa Umambo kwete kamwe chete asi nguva dzese.