Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kushandurwa kweGungano ra2020 Rinoti “Garai Muchifara”!

Kushandurwa kweGungano ra2020 Rinoti “Garai Muchifara”!

10 JULY 2020

 Muna July naAugust 2020, hama nehanzvadzi pasi rese dzichange dzichiona gungano remunharaunda panguva imwe chete. Aka ndekekutanga kuita izvi. Kuti izvi zvikwanisike, gungano iri raifanira kushandurwa mumitauro inopfuura 500. Kazhinji kacho, zvaizotora gore kana kupfuura kuronga gungano iri, kushandura mavhidhiyo acho, uye hurukuro. Asi nemhaka yekupararira kwechirwere checoronavirus, vashanduri vakanga vachingova nemwedzi iri pasi pe4 kuti vapedze basa iri.

 Dhipatimendi Rinobatsira Vashanduri uyewo Dhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu riri kuMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha rakabatsira pakuita basa iri rakakura. Dhipatimendi Rinobatsira Vashanduri rakaona kuti vashanduri vaizoda zvinhu zvakawanda zvekushandisa kunyanya mamaikirofoni anonyatsorekodha zvakanaka. Dhipatimendi Rinoona Nezvekutengwa Kwezvinhu rakatenga mamaikirofoni 1 000, richibva raaendesa kunzvimbo dzinosvika 200.

 Kuti mari ichengetedzwe, pakatengwa mamaikirofoni akawanda panguva imwe chete, achibva aendeswa kunzvimbo imwe chete, ndokubva azotumirwa kuvashanduri. Sezvo takatenga mamaikorofoni akawanda panguva imwe chete, maikirofoni imwe chete yakaita US$170, kusanganisira kuatumira. Izvi zvakaita kuti tichengetedze mari yakawanda chaizvo.

 Dhipatimendi Rekutengwa Kwezvinhu rakatenga zvinhu izvi, rikazvitumira muna April naMay, panguva apo makambani akawanda akanga amira kuita basa nemhaka yechirwere ichi. Asi pakazopera May, vashanduri vakawanda pasi rese vakanga vakwanisa kuwana zvinhu zvekushandisa pakurekodha.

 Jay Swinney uyo anotungamirira Dhipatimendi Rekutengwa Kwezvinhu anoti, “Madhipatimendi epaBheteri akashanda zvakanaka nemakambani ekunze. Tinotenda chaizvo Jehovha akatibatsira kuti tikwanise kuunganidza zvinhu izvi zvinodiwa uye kuzviita pasingashandiswi mari yakawanda.”

 Nicholas Ahladis, uyo anoshanda muDhipatimendi Rinobatsira Vashanduri anoti: “Vashanduri vakanga vatova mulockdown panguva yakatumirwa zvinhu izvi zvekushandisa. Pasinei nekuti mushanduri mumwe nemumwe akanga ava kushandira ari kwake ega, vasiri pamwe chete nevamwe, vakashanda zvakanaka pakushandura uye kurekodha hurukuro, madhirama, nziyo mumitauro inopfuura 500.”

 Iri nderimwe remabasa akakwanisa kuitwa, akapera pakugadzirira gungano ra2020 rinoti “Garai Muchifara”! Mari dzenyu dzezvipo dzamakapa muchishandisa donate.pr418.com kana kuti dzimwe nzira dzakaita kuti tikwanise kutenga zvinhu zvinodiwa pakurekodha.