Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane mavhu anopfuura makirogiramu 27 500 akaiswa mustudhiyo iri kuMt. Ebo aizoshandiswa pakurekodha dhirama remuBhaibheri

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Kurekodhwa Kwemavhidhiyo eGungano ra2020 Rinoti, “Garai Muchifara”!

Kurekodhwa Kwemavhidhiyo eGungano ra2020 Rinoti, “Garai Muchifara”!

10 AUGUST 2020

 Mavhidhiyo epamagungano emunharaunda anotibaya mwoyo uye anotibatsira kuwedzera kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Gungano ra2020 rinoti, “Garai Muchifara!” rine mavhidhiyo 114 kusanganisira ehurukuro 43 dzakapiwa nevari muDare Rinotungamirira uye vanovabatsira. Unoziva here kuti kugadzira mavhidhiyo aya ibasa rakakura zvakadini uye kuti zvinoda mari yakawanda sei?

 Hama nehanzvadzi dzinosvika 900 pasi rese dzakazvipira kushandisa nguva yavo neunyanzvi hwavo pakuita basa iri. Nguva yese yavakaita basa iri kana yabatanidzwa, inosvika maawa 100 000, uye zvakatora makore maviri. Nguva iyi inosanganisira maawa 70 000 akapedzwa pakugadzira mutambo wemuBhaibheri une maminitsi 76 unoti: Nehemiya: “Mufaro waJehovha Ndiyo Nhare Yenyu.”

 Sezvamunotoona, zvaida mari yakawanda chaizvo kuchengeta hama nehanzvadzi idzi dzakazvipira kuita basa iri uyewo paidiwawo zvinhu zvaizoshandiswa pakuita basa racho.

 “Komiti yeKudzidzisa yeDare Rinotungamirira inoda chaizvo kubudisa mavhidhiyo anenge achiratidza vanhu venyika dzakasiyana-siyana. Jared Gossman uyo anoshanda kuDhipatimendi Rekurekodha anoti: “Izvi zvinobatsira chaizvo kuratidza kuti sangano redu rinowanika pasi rese. Kuti tikwanise kuita izvi pane mapoka 24 ari munyika 11 akashanda pamwe chete pakuita basa iri. Kuti basa rakakura kudai ribudirire, rinoitwa nevanhu vanenge vari munyika dzakasiyana-siyana, panoda mari yakawanda uye zvinoda kuti zvinhu zvinge zvakarongeka.”

 Kuti mavhidhiyo aya abude zvakanaka, panoda michina uyewo zvimwe zvinhu zvekushandisa. Semuenzaniso, dhirama raNehemiya: “Mufaro waJehovha Ndiyo Nhare Yenyu,” rakarekodherwa mustudhiyo iri kuMt. Ebo pedyo nePatterson kuNew York, USA. Kuti tichengetedze mari asi tichibudisa zvakanga zvakaita Jerusarema, hama dzakagadzira zvinhu zvisingaremi zvinoratidzika semasvingo eJerusarema. Chivakwa chimwe nechimwe chakanga chakagadzirwa nemapuranga, chakareba mamita 6 kuenda mudenga, uye uchichitarisa nechekunze zvaiita sekunge kuti madziro acho akagadzirwa nematombo. Zvivakwa izvi zvaitakurika, saka zvaikwanisa kushandiswa pazvinhu zvakasiyana-siyana zvaidiwa pakurekodha dhirama iri. Uye izvi zvakaita kuti pasagadzirwa zvivakwa zvakawandawanda. Kunyange zvakadaro, paitodiwa mari inosvika US$100 000 pakugadzira zvaidiwa padhirama iri. a

 Kuziva izvi kunotibatsira kuti tiwedzere kukoshesa gungano remunharaunda regore rino. Tine chokwadi chekuti basa rese rakaitwa pakugadzirira gungano iri richaita kuti Jehovha arumbidzwe. Tinokutendai chaizvo nemari dzenyu dzezvipo dzamakapa muchishandisa donate.pr418.com kana kuti dzimwe nzira.

a Zvinhu zvakashandiswa pakurekodha dhirama raNehemiya: “Mufaro waJehovha Ndiyo Nhare Yenyu,” zvakagadzirwa chirwere cheCOVID-19 chisati chavapo, saka vanhu vaikwanisa kushanda vari pedyo napedyo.