Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Arsen Avanesov, Vilen Avanesov, uye Aleksandr Parkov

12 MAY, 2021
RUSSIA

Hama Nhatu Dziri Kutsungirira Dziri Mujeri Dzichimirira Kuti Nyaya Yadzo Itongwe

Hama Nhatu Dziri Kutsungirira Dziri Mujeri Dzichimirira Kuti Nyaya Yadzo Itongwe

Nyaya Iyi Payava | Dare rekuRussia Raramba Chikumbiro Chekuti Nyaya Iyi Itongwe Zvakare

Musi wa6 December, 2021, dare reRostov Regional Court rakaramba chikumbiro chahama Arsen Avanesov, Vilen Avanesov, naAleksandr Parkov chekuti nyaya yavo itongwe zvakare. Nanhasi vachiri mujeri.

Musi wa29 July, 2021, dare reLeninskiy District Court riri munzvimbo inonzi Rostov-on-Don rakatongera hama Arsen Avanesov nahama Aleksandr Parkov makore 6 nehafu mujeri uye hama Vilen Avanesov makore 6. Vese vari vatatu vanga vatova nemakore anopfuura maviri vari mujeri vachimirira kuti nyaya yavo itongwe uye vacharamba varimo.

Nhoroondo Yeupenyu

Arsen Avanesov

  • Akaberekwa: 1983 (Muguta reBaku, kuAzerbaijan)

  • Upenyu Hwake: Akadzidzira zveengineering uye aishanda panoitwa zvekuvaka. Paaiva mudiki aifarira kutamba rugby. Akadzidzira Chirungu neFrench

    Vabereki vake vakamubatsira kuti ade Shoko raMwari Bhaibheri. Akabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha muna 2005

Vilen Avanesov

  • Akaberekwa: 1952 (Muguta reBaku, kuAzerbaijan)

  • Upenyu Hwake: Aiita zvemagetsi uye zvekuvaka. Anofarira zvekubika nekuverenga. Paaiva pazera rekuyaruka, ainyanya kufarira kuverenga Bhaibheri

    Akaroorana nemudzimai wake Stella muna 1980. Vane mwana mukomana anonzi, Arsen, uye musikana anonzi Elina. Semhuri vakatizira kuArmenia sevapoteri muna 1988. Gore iroro muguta reYerevan, kuArmenia makaitika kudengenyeka kwenyika uye upenyu hwakaramba huchiwedzera kuoma saka mhuri yacho yakatamazve, vakaenda kuRostov-on-Don, kuRussia. Akabhabhatidzwa muna 2006

Aleksandr Parkov

  • Akaberekwa: 1967 (Munzvimbo inonzi Spassk, muguta reKemerovo)

  • Upenyu Hwake: Kubvira achiri mudiki aishanda nesimba papurazi uye aichengeta zvipfuwo. Aidhiraivha tirakita uye aigadzira zvinhu achishandisa mhangura

    Akaroorana nemudzimai wake Galina, muna 1990. Vakatanga kudzidza Bhaibheri pamwe chete. Hama Parkov vakabhabhatidzwa muna 1992. Vane vanasikana vatatu nevazukuru vaviri

Matangiro Akaita Nyaya Yacho

Musi wa22 May, 2019, mapurisa akapinda nechisimba mudzimba dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha zviri muRostov-on-Don. Hama Vilen Avanesov nemwana wavo Arsen, pamwe chete nahama Aleksandr Parkov vakasungwa uye vava nemakore anoda kusvika maviri vari mujeri. Muna March 2021, vese vari vatatu vakaendeswa kune rimwe jeri vachimirira kuti nyaya yavo itongwe.

Stella mudzimai waVilen, ari kungokwanisa kuona murume wake nemwana pano neapo. Stella haasisina anomuriritira. Galina mudzimai waAleksandr akapomerwawo mhosva pamusana pekutenda kwake. Dare rakamuti ane mhosva richibva ramutongera makore maviri nemwedzi mitatu mujeri, asi mutongo wacho wakasendekwa padivi.

Hama nehanzvadzi pasi rese dziri kurwadziwa nekusungwa kuri kuitwa hama dzedu pasina mhosva yadzapara. ‘Ticharamba tichifunga vaya vari mumajeri sekunge takasungwa pamwe chete navo.’—VaHebheru 13:3.