Enda pane zvauri kuda

Dare reSupreme Court riri muMonaco

23 NOVEMBER 2022
MONACO

Zvapupu zvaJehovha Zvakanyoreswa Zviri Pamutemo muMonaco

Zvapupu zvaJehovha Zvakanyoreswa Zviri Pamutemo muMonaco

Musi wa19 November 2022, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo muMonaco. Izvi zvakaitika pashure pemitongo yakapiwa neSupreme Court of Monaco uye neEuropean Court of Human Rights (ECHR).

Makore maviri asati akwana kubva hama dzedu padzakaendesa nyaya yacho kuECHR, ECHR yakaudza hurumende yeMonaco mutongo wayo uye yakakumbira hurumende yacho kuti iongorore nyaya yacho.

Pashure pekunge hurumende yaziviswa mutongo unenge wapiwa neECHR, vari munyaya yacho vanopiwa mukana wekuti vataurirane vogadzirisa nyaya yacho. Hurumende yeMonaco yakabvuma kunyoresa zviri pamutemo sangano reZvapupu zvaJehovha. Musi wa9 December 2021, ECHR yakagamuchira chibvumirano chakaitwa pakati pehurumende yeMonaco neZvapupu chekuti hurumende inyorese zviri pamutemo sangano redu uye kuti isatirambidze kuita mabasa edu ekunamata. Hurumende yakabvumawo kubhadhara mari inosvika US$40 000, iyo yakashandiswa pakukwidza nyaya yacho kumatare.

Musi wa16 November 2022, hurumende yeMonaco yakabudisa gwaro rinoratidza kuti sangano reZvapupu zvaJehovha muMonaco (Monaco Association for the Worship of Jehovah’s Witnesses) rakanyoreswa zviri pamutemo. Gwaro racho rakabudiswa mupepanhau rinonzi Journal of Monaco remusi wa18 November 2022.

Tinofara kuti hama nehanzvadzi dzedu dziri muMonaco dzava kukwanisa kunamata dzakasununguka dzisingavhiringidzwi nehurumende. Tinotenda Jehovha kuti pashure penguva refu, sangano redu rakanyoreswa zviri pamutemo muMonaco.—VaFiripi 1:7.