Enda pane zvauri kuda

Imba Yemagungano iri kuTiachiv, muUkraine, iri kushandiswa kugamuchira vapoteri

8 MARCH 2022
UKRAINE

NYAYA IYI PAYAVA #1 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

NYAYA IYI PAYAVA #1 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine

Hondo iri kuramba ichiitika muUkraine iri kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dziri mumaguta akadai seMariupol, Kharkiv, Hostomel, nemamwewo dziomerwe chaizvo. Vamwe vatova nevhiki vasiri kukwanisa kubuda mudzimba dzavo kana kuti munzvimbo dzavakahwanda. Zvekudya zviri kuita zvishoma uyewo dambudziko rekushaya magetsi nenetiweki riri kuita zvitiomere kugara tichikurukura nehama nehanzvadzi dzedu.

Zvinosuwisa kuti hama Dmytro Rozdorskyi, vanga vaine makore 28 uye vari mukuru muungano kuMyrnohrad, vakashaya nemhaka yekukuvara kwavakaita pashure pekunge vatsika chimbambaira. Tinonyengeterera vese vakashayikirwa uye hama nehanzvadzi dzedu dziri munzvimbo dziri kubhombwa.—2 VaTesaronika 3:1.

Imba yeUmambo iri kuOvruch, muUkraine, yakaparadzwa zvisingaiti pakaputika mabhomba

Pakazosvika musi wa7 March 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine:

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Vaparidzi vaviri vakashaya

  • Vaparidzi 8 vakakuvara

  • Vaparidzi 20 617 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzichiri nani muUkraine imomo

  • Dzimba 25 dzakaparadzwa

  • Dzimba 29 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 173 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 5 dzakakanganisika

Mabasa Ekuyamura

  • Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine

  • Vaparidzi 6 548 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka

  • Vaparidzi 7 008 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nezvimwe Zvapupu

  • MuUkraine Imba Yemagungano imwe chete uye Dzimba dzeUmambo dzinenge 30, dziri munzvimbo dzakadai seChernevtsi, Ivano-Frankivsk, Lviv, nenharaunda dziri kuTranscarpathian dziri kushandiswa kugamuchira vapoteri