Enda pane zvauri kuda

Hama Mark Sanderson veDare Rinotungamirira vachibudisa Shanduro yeNyika Itsva muMutauro Wemasaini wekuRussia. Vaparidzi vaiva munzvimbo dzakasiyana-siyana vakaona purogiramu yacho: (tichitangira pamusoro kurudyi) Ukraine; Latvia; Astana, Kazakhstan; uye Almaty, Kazakhstan

31 MAY 2023
NHAU DZEPASI RESE

Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva reMutauro Wemasaini wekuRussia Rakabudiswa

Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva reMutauro Wemasaini wekuRussia Rakabudiswa

Musi wa27 May 2023, Hama Mark Sanderson vari muDare Rinotungamirira vakabudisa Bhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene reMutauro Wemasaini wekuRussia (RSL). Vanhu vanosvika 148 vakaenda kwaiitirwa musangano wacho. Vamwe 5 000 vari munyika 15 vaiona purogiramu yacho pamafoni kana kuti vakazoona yakarekodhwa. Bhaibheri iri idzva rava kuwanika pajw.org uye paJW Library Sign Language.

Imwe hama iri matsi yakati: “Pandinoona Bhaibheri remutauro wemasaini, ndinonyatsonzwisisa kuti Jesu ainzwa sei paaiona vanhu vachitambura. Zvinonyatsondibaya mwoyo!”

Bhaibheri reMutauro Wemasaini risati rabudiswa, Zvapupu zvakawanda zviri matsi zvaishandisa Bhaibheri rakaprindwa remutauro weRussian. Asi mutauro weRSL wakasiyana zvachose nemutauro weRussian nekuti unonyatsodonongodza kanhu kese kese, saka zvaiomera vaparidzi vari matsi kuti vanzwisise mimwe mitsara iri muBhaibheri remutauro weRussian.

Semuenzaniso, panyaya inotaurwa muna 1 Madzimambo 17, chirikadzi yekuZarefati yakaudza Eriya kuti yaizofa pamwe chete nemwanakomana wayo pashure pekunge vadya. Vamwe vaparidzi vari matsi vaifunga kuti mashoko aya anoratidza kuti chingwa chaiva nechirikadzi iyi chakanga chaora kana kuti chiine muchetura. Bhaibheri reRSL rinonyatsotaura zvakajeka kuti zvekudya zvacho ndizvo zvega zvaakanga asarirwa nazvo.

RSL inoshandiswa nevanhu vanobva kune dzimwe nyika uye vane tsika dzakasiyana-siyana. Saka vashanduri vaifanira kufunga nezvekuti masaini anoshandiswa nevanhu anosiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo. Mumwe wevashanduri vacho akatsanangura kuti: “Saini inoshandiswa pashoko rekuti ‘chivi’ mune imwe nzvimbo ndiyo inoshandiswa pashoko rekuti ‘Mwari’ mune imwewo nzvimbo. Uyewo saini inoshandiswa pashoko rekuti ‘muteveri’ ndiyo inoshandiswa pashoko rekuti ‘chekupedzisira’ kana ‘urombo’ mune imwe nzvimbo. Sevashanduri, takaedza kushandisa masaini anozivikanwa nevakawanda.”

Tinofara pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzinoshandisa RSL uye tinotenda Jehovha nechipo ichi chakazonaka chaakavapa.—Zvirevo 10:22.