Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW.ORG WEBSITE

Kana Uchida Kuchinja Mutauro

Kana Uchida Kuchinja Mutauro

Kana uri kudzidza mumwe mutauro kana kuti uchida kuratidza mumwe munhu nyaya iri pajw.org mumutauro wake, shandisa imwe yenzira 3 dziri pasi apa.

 Ita kuti zvese zviri pajw.org zviende mumutauro waunoda

Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone mitauro yese iri pajw.org.

Mutauro mumwe nemumwe uripo une chimwe chezviratidzo zvinotevera kuruboshwe kwawo:

  • JW.ORG yese kana kuti mamwe mashoko aripo anenge akashandurwa mumutauro uyu. Sarudza mutauro waunoda.

  • JW.ORG haisati yashandurwa, asi kana pane mabhuku aunoda kudhaunirodha mumutauro uyu, sarudza mutauro wacho kuti uone aripo.

  • Uyu mutauro wemasaini. Akawanda acho anenge ari mavhidhiyo.

    Baya pakanzi Ratidza Mitauro Yemasaini Chete kuti pabude mitauro yemasaini chete.

Sezvo pajw.org paine mitauro yakawanda, ita zvinotevera kuti ukurumidze kuona mutauro waunoda:

  • Sarudza mutauro waunoda: Mitauro 4 yawakapedzisira kuvhura ndiyo ichabuda pekutanga.

  • Nyora zita remutauro waunoda: Nyora mabhii mashomanana ezita remutauro wacho, mungava mumutauro waunoziva kana kuti semanyorerwo aunoitwa nevaridzi vawo. Semuenzaniso, kana wakavhura jw.org muchiShona asi uri kuda mutauro wechiGerman, unonyora kuti “German” kana kuti “Deutsch.” Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emitauro ine mashoko akarerekera kune zvauri kunyora.

 Chinja mutauro wenyaya yauri kuda kuverenga

1: Ita izvi pamapeji anenge aine kabhokisi kakanzi Sarudza Mutauro.

Enda panyaya yauri kuda kuverenga kana kuti kuratidza mumwe munhu. Chisarudza mutauro wauri kuda pakabhokisi kakanzi Sarudza Mutauro. (Kana mutauro wacho usipo, zvinoreva kuti nyaya yacho haisati yava kuwanika mumutauro iwoyo.)

Zvaungaita: Ukabaya pakanzi Sarudza Mutauro, kana ukaona kapikicha aka nechekuruboshwe kwezita remutauro waunoda zvinoreva kuti nyaya yacho yakarekodhwa uye unogona kuiteerera.

Kana ukaita zvichangobva kutaurwa pamusoro apa, chichangochinja mutauro wenyaya yawasarudza kwete zvimwe zvese.

2: Kana nyaya yauri kuverenga isina kabhokisi kakanzi Sarudza Mutauro, baya kapikicha kakaita seaka kari nechekumusoro kurudyi. Kana nyaya yacho irimo mumutauro waunoda, ichabva yabuda. Kana isimo, uchabva waendeswa kupeji yekutanga yemutauro iwoyo.

 Tsvaga bhuku mune mumwe mutauro

Baya pakanzi RAIBHURARI. Sarudza mutauro waunoda pakabhokisi kakanzi Ratidza.

Sezvo paine mitauro yakawanda, unogona kubaya pakanzi Mutauro wonyora mutauro wauri kuda. Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emitauro ine mashoko akarerekera kune zvauri kunyora.

Kana paine zvakawanda zvinenge zvakashandurwa mumutauro wawasarudza, ukabaya pakanzi RAIBHURARI unoona zvishoma zvacho. Kuti uwane zvese zvakabudiswa mumutauro wawasarudza, enda pane zvauri kuda zvacho (semuenzaniso baya pakanzi, MABHUKU UYE MABHUROCHA kana kuti MAGAZINI).

Kana pasina mabhuku emutauro wawasarudza, uchaona malink anokuendesa kune zvinenge zviripo mumutauro iwoyo.