Enda pane zvauri kuda

Dzidzisai Vana Venyu

Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera

Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera

WAIMBOVA munhu akaoma musoro usingateereri here? * Pamwe wakamboona purogiramu yepaTV yawakarambidzwa nababa kana kuti naamai vako, ukazozviona pava paya kuti wakakanganisa ndokuzvidemba. Naamani ndiye mumwe wevanhu vakambotanga vachiramba kuteerera. Ngatimboonai kuti akabatsirwa sei kuti asaramba achiomesa musoro.

Ngatimbotii tiri kurarama makore anodarika 3 000 akapfuura. Naamani ndiye mutungamiriri weuto rokuSiriya anoremekedzwa zvikuru. Ndiye anoudza masoja ake zvokuita uye vanomuteerera. Iye zvino Naamani ava kurwara nechirwere chakaipisisa chemaperembudzi. Ava kusemesa kutarisa uye anofanira kunge achirwadziwa zvikuru.

Mudzimai waNaamani ane kasikana kechiIsraeri kaari kugara nako semuranda. Rimwe zuva kasikana kacho kanoudza tenzikadzi wako nezvemurume anonzi Erisha ari kunyika yeIsraeri. Kanomuudza kuti Erisha anogona kuporesa Naamani. Naamani paanoudzwa izvi, anobva atoronga kuti aende kunoona Erisha. Anotakura zvipo zvakawanda uye anoenda kunyika yeIsraeri nemasoja ake. Anoenda kuna mambo weIsraeri omuudza zvaafambira.

Erisha anonzwa nezvazvo uye anotumira shoko kuna mambo kuti Naamani auye kwaari. Naamani paanosvika, Erisha anotuma muranda wake panze kuti amuudze kuti aende kunogeza kanomwe murwizi rwaJodhani. Erisha anoti izvozvo ndizvo zvichaporesa Naamani. Unofunga kuti Naamani ari kunzwa sei paari kuudzwa izvi?

Anotsamwa kwazvo. Anoomesa musoro, oramba kuteerera muprofita waMwari. Anoudza masoja ake kuti: ‘Kumusha kwedu kune nzizi dzakatonaka chaizvo dzokuti ndigeze madziri.’ Naamani anobva atanga kudzokera kumusha kwake. Unoziva here kuti masoja ake anomukumbira kuitei?‘Muprofita waMwari akukumbirai kuita chinhu chakaoma here? Madii kuita chinhu ichi chiri nyore chaakuudzai.’

Naamani anoteerera uye anoita zvaanoudzwa nemasoja ake. Anozvinyudza mumvura katanhatu. Paanobuda kechinomwe Naamani anooma mate mukanwa nokuti chirwere chake chanyangarika. Apora! Anobva adzokera kumba kwaErisha, mufambo wemakiromita anenge 48 kuti anomutenda. Anoda kupa muprofita Erisha zvipo zvinodhura, asi muprofita wacho anozviramba zvose.

Saka Naamani anokumbira Erisha chimwe chinhu. Unoziva here kuti anokumbirei?Anoti: ‘Ndipei zvangu ivhu ringatakurwa nemanyurusi maviri ndiende naro kumba kwangu.’ Unoziva kuti anoridini here?Naamani anoti anoda kupa zvibayiro kuna Mwari paivhu reIsraeri, nyika yevanhu vaMwari. Naamani anovimbisa kuti haachambofi akanamata mumwe mwari kunze kwaJehovha! Haasisina kuoma musoro asi ava kuda kuteerera Mwari wechokwadi.

Waona here kuti ungatevedzera sei Naamani?Kana uchimbooma musoro saizvozvo unogonawo kuchinja. Unogona kuteerera paunobatsirwa worega kuoma musoro zvekare.

Verenga muBhaibheri rako

^ ndima 3 Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.