NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA July 2013

Magazini ino ine zvinhu zvakawanda zvagadziridzwa pamanzwisisiro ataiita nguva inoitika zvinhu zviri muuprofita hwaJesu uye kuziva kwatingaita muranda akatendeka, akangwara.

“Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”

Tava kunzwisisa sei nguva yezviitiko zviri muuprofita hwaJesu huri muna Mateu 24 ne25?

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

Mufananidzo waJesu wegorosi nemasora unotaura nezvenguva yokudyara, yokukura uye yokukohwa. Kunzwisisa kwatava kuita nguva yokukohwa kwakagadziridzwa sei?

Kupa Vakawanda Zvokudya Pachishandiswa Vashoma

Jesu akagovera sei zvokudya zvokunamata ungano dzomunguva yevaapostora? Mazuva ano achiri kushandisa nzira iyoyo here?

“Chokwadi Ndiani Muranda Akatendeka, Akangwara?”

Nyaya ino inojekesa manzwisisiro atinoita muranda akatendeka, akangwara. Ona kuti tinosimba sei pakunamata tichibatsirwa nomuranda.

Nhengo Itsva yeDare Rinodzora

Musi wa1 September, 2012, Hama Mark Sanderson vakatanga kushumira senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha.

NYAYA YEUPENYU

Tinoda Kushumira Jehovha Chero Kwatanzi Tiende

Verenga uone kuti murume nomudzimai vokuNetherlands vakadzidza sei kunyatsovimba naJehovha pasinei nezvipingamupinyi uye kuchinja kwemamiriro ezvinhu.

“Mufananidzo Uyu Wakanaka!”

Mifananidzo inoshandiswa mumabhuku edu inobatsira pakudzidzisa nokuti inoita kuti tifunge. Ungabatsirwa sei nemifananidzo iyi yakanaka?