NHARIREYOMURINDI—YEKUDZIDZA August 2013
Magazini ino inokurukura kuti tingaramba sei tiri vatsvene uye tiri vanhu vanobvuma kushandiswa naMwari, kuti tingadzivisa sei kupa Mwari mhosva yematambudziko edu uye kuti tingakunda sei kuora mwoyo.
Makatsveneswa
Ongorora zvinhu zvina zvingatibatsira kuti tirambe tiri vatsvene uye kuti Mwari arambe achitishandisa mubasa rake.
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Zvakakodzera here kuti vabereki vane mwana akadzingwa vagare naye pamisangano yeungano?
NYAYA YEUPENYU
Jehovha ‘Anonditakurira Mutoro Zuva Nezuva’
Pasinei nokurwara zvakasimba, chii chakabatsira imwe hanzvadzi yokuNamibia kushumira sapiyona ichifara kwemakore anopfuura 20?
Usambofa ‘Wakatsamwira Jehovha’
Vamwe vakatsamwira Mwari mumwoyo mavo. Vanomupomera kuti ndiye anokonzera matambudziko avo. Tingadzivisa sei musungo iwoyo?
Vabereki —Dzidzisai Vana Venyu Kubvira Paucheche
Vana vanofanira kutanga kudzidziswa pazera ripi? Vanofanira kudzidziswa zvinhu zvakaita sei?
Ngatirangarirane Uye Ngatikurudzirane
Tingabatsirana sei kuti tirambe tichishumira Mwari takatendeka kunyange patinenge tiine matambudziko?
Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii
Satani haadi kuti tifarirwe naMwari. Tingaitei kuti tirambe tiine ukama naJehovha?
Erisha Akaona Ngoro Dzomoto —Unodzionawo Here?
Erisha akava nokutenda kwakasimba uye aivimba zvizere naJehovha. Tinodzidzei pamuenzaniso wake?
KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU
Mambo Akafara Chaizvo!
Verenga nyaya yekufarira kwaiita mambo wekuSwaziland kudzidza chokwadi cheBhaibheri.