NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA August 2013

Magazini ino inokurukura kuti tingaramba sei tiri vatsvene uye tiri vanhu vanobvuma kushandiswa naMwari, kuti tingadzivisa sei kupa Mwari mhosva yematambudziko edu uye kuti tingakunda sei kuora mwoyo.

Makatsveneswa

Ongorora zvinhu zvina zvingatibatsira kuti tirambe tiri vatsvene uye kuti Mwari arambe achitishandisa mubasa rake.

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakakodzera here kuti vabereki vane mwana akadzingwa vagare naye pamisangano yeungano?

NYAYA YEUPENYU

Jehovha ‘Anonditakurira Mutoro Zuva Nezuva’

Pasinei nokurwara zvakasimba, chii chakabatsira imwe hanzvadzi yokuNamibia kushumira sapiyona ichifara kwemakore anopfuura 20?

Usambofa ‘Wakatsamwira Jehovha’

Vamwe vakatsamwira Mwari mumwoyo mavo. Vanomupomera kuti ndiye anokonzera matambudziko avo. Tingadzivisa sei musungo iwoyo?

Vabereki—Dzidzisai Vana Venyu Kubvira Paucheche

Vana vanofanira kutanga kudzidziswa pazera ripi? Vanofanira kudzidziswa zvinhu zvakaita sei?

Ngatirangarirane Uye Ngatikurudzirane

Tingabatsirana sei kuti tirambe tichishumira Mwari takatendeka kunyange patinenge tiine matambudziko?

Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii

Satani haadi kuti tifarirwe naMwari. Tingaitei kuti tirambe tiine ukama naJehovha?

Erisha Akaona Ngoro Dzomoto—Unodzionawo Here?

Erisha akava nokutenda kwakasimba uye aivimba zvizere naJehovha. Tinodzidzei pamuenzaniso wake?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Mambo Akafara Chaizvo!

Verenga nyaya yekufarira kwaiita mambo wekuSwaziland kudzidza chokwadi cheBhaibheri.