NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA March 2014

Mumagazini ino, dzidza kuti ungaramba sei uine mafungiro ekuzvipira uye uchifara pakushumira Mwari. Tingachengeta sei vakwegura vatinonamata navo uye voukama?

Kubatsira Voukama Kuti Vave Zvapupu

Tingadzidzei pamabatiro aiita Jesu hama dzake? Tingabatsira sei hama dzedu dzine chitendero chakasiyana nechedu kana kuti dzisingatombonamati?

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira

Pane chinogona kukanganisa kuzvipira kwedu tisingazvioni. Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti chinhu ichocho chii uye kuti tingashandisa sei Bhaibheri kuti tichikurire.

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichishumira Jehovha Tichifara

Nei vakawanda vachitambura nekunzwa sokuti havabatsiri? Nyaya ino inoratidza kuti tingashandisa sei Bhaibheri kuti tirambe tichifara.

Kunamata Kwemhuri—Mungaitei Kuti Kunakidze?

Onai zviri kuitwa nevamwe mune dzimwe nyika kuti muwane mazano amunogona kushandisa pakunamata kwemhuri.

Remekedzai Vakwegura Vari Pakati Penyu

Ona kuti Mwari anoona sei vakwegura. Vana vanofanira kuitirei vabereki vavo vakwegura? Ungano dzinogona kuremekedza sei vakwegura?

Kuchengeta Vakwegura

Vabereki vakwegura nevana vavo vanogona kufanoronga uye kusarudza zvokuita “mazuva okutambudzika” asati asvika. Vangagadzirisa sei matambudziko acho?

Unoti ‘Hungu Asi Panguva Imwe Chete Uchiti Aiwa’ Here?

VaKristu vanofanira kuita zvavanotaura uye havafaniri kuti ‘hungu asi vachiti aiwa.’ Tingaitei kana tichida kuchinja zvatinenge tavimbisa? Dzidza kubva pane zvakaitwa noMuapostora Pauro.