NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA March 2015

Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa4 kusvika 31 May, 2015.

Iyi Ndiyo “Nzira Yamakabvumira”

Nei mabhuku edu ava kunyanya kutsanangura nhoroondo dzeBhaibheri zviri nyore uye zvakajeka?

‘Ucharamba Wakarinda’ Here?

Verenga nyaya iyi inotaura nezvemanzwisisiro atava kuita mufananidzo waJesu wemhandara gumi. Inoratidzawo kuti pfungwa inokosha iri mumufananidzo wacho ndeyei.

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mabhuku edu haachanyanyi kutaura kuti nhoroondo dziri muMagwaro dzine kumwe kuzadziswa kukuru kuchazoitika mune ramangwana. Nei asingachadaro?

Zvatinodzidza Mumufananidzo Wematarenda

Nyaya ino inogadziridza manzwisisiro ataiita mufananidzo wematarenda.

Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu

Vaya vachatongwa naKristu kuti makwai vanotsigira sei hama dzake?

Murayiro Wokuroorana “munaShe Chete” Uchiri Kushanda Here?

Vaya vakatsunga kuteerera murayiro waMwari vanomufadza uye vanowana makomborero.