NHARIREYOMURINDI July 2015 | Ungaitei Kana Uchizvidya Mwoyo?

Mamiriyoni evanhu anosangana nenjodzi nezvimwewo zvinovatambudza, asi vamwe havanyanyi kuzvidya mwoyo. Vanozviita sei?

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvinhu Zvinoita Kuti Tizvidye Mwoyo Zviri Kwose Kwose!

Tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidza kuti kunyange kuzvidya mwoyo kuri pakati nepakati kunogona kuita kuti munhu akurumidze kufa. Ungaita sei kuti utsungirire?

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuzvidya Mwoyo Nenyaya Dzemari

Mumwe murume akakwanisa kuriritira mhuri yake kunyange mitengo yezvinhu zvekurarama nazvo yainge yapfuura mabhiriyoni akawanda.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuzvidya Mwoyo Nenyaya Dzemhuri

Nyaya yemumwe mukadzi akatizwa nemurume, vakarambana, akakunda dambudziko racho, uye akadzidza kutenda muna Mwari.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuzvidya Mwoyo Nekuti Upenyu Hunenge Huri Pangozi

Ungaita sei kana uchizvidya mwoyo nenyaya dzehondo, kuparwa kwemhosva, kukanganiswa kwezvakatipoteredza, kuchinja kwemamiriro ekunze, kana kuti zvirwere zvinokurumidza kupararira?

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Upenyu Hwangu Hwaibva Pakuipa Huchienda Pakuipisisa

Stephen McDowell aiva murume wechidiki aiva nehasha dzisingaite, asi shamwari dzake padzakauraya mumwe munhu, ndipo paakachinja upenyu hwake.

Zvinonyatsoita Here Kuti Tifadze Mwari?

Mhinduro yacho tinogona kuiwana pane zvakaitika kuna Jobho, Roti, uye Dhavhidhi, avo vakamboita zvikanganiso zvakakura.

Waizviziva Here?

Guyo raishandiswa sei kare? Mashoko okuti “nzvimbo yepachipfuva” anorevei?

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Zvakaipa zvichapera here?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?

Mwari ane hanya nematambudziko edu here?