NHARIREYOMURINDI Nhamba 4 2016 | Bhaibheri Rakasvika Sei Kwatiri?

Kwemakore akapfuura pane zvakawanda zvakaitika zvaigona kuparadza Bhaibheri kana kuita kuti mashoko arimo achinjwe. Nei kupona kwarakaita kuchikosha?

NYAYA IRI PAKAVHA

Nyaya Yaunofanira Kuziva

Kubva parakanyorwa kusvikira nhasi, vanhu vakawanda vange vachitora dzidziso dzavo kubva mariri. Asi tinogona kuvimba neBhaibheri here?

NYAYA IRI PAKAVHA

Bhaibheri Rakachengetedzwa Kuti Risaparara

Vanyori veBhaibheri uye vamwe vakazorikopa vaiwanzonyorera pamatehwe uye pamapepa akagadzirwa nenhokwe. Bhaibheri rakachengetedzwa sei kuti risaparara?

NYAYA IRI PAKAVHA

Vanhu Vaishora Bhaibheri Havana Kubudirira

Vatungamiriri vakawanda vematongerwo enyika uye vezvitendero vairambidza vanhu kuva neBhaibheri, kurigadzira kana kurishandura asi havana kubudirira.

NYAYA IRI PAKAVHA

Vanhu Vakamboedza Kuchinja Zviri muBhaibheri Asi Vakakundikana

Vamwe vanhu vakaedza kuchinja mashoko aiva muBhaibheri asi havana kubudirira. Zvii zvakaita kuti vasabudirira?

NYAYA IRI PAKAVHA

Chii Chakaita Kuti Bhaibheri Risaparara?

Rakasiyana papi nemamwe mabhuku?

Waizviziva Here?

Chii chaishamisa pane zvaiitwa naJesu kuvanhu vaiva nemaperembudzi? Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiti vanhu vanogona kurambana kana zvaita sei?

Utsinye Huchazombopera Here?

Vamwe vanhu vakabatsirwa kuti vasiye zvekuitira vamwe utsinye. Zvinhu zvakavabatsira zvinogona kubatsirawo vamwe.

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Kuti Ndizokunda, Ndakatombokundikana Kakawanda

Zvii zvakaitwa nemumwe murume kuti akunde dambudziko raaiva naro rekuona zvinonyadzisira uye kuti apedzisire ava nerugare rwepfungwa?

Enzanisa Zvinodzidziswa Kuchechi Kwenyu Nezviri muBhaibheri

Machechi akawanda anopesana padzidziso nemanzwisisiro avanoita. Saka ungaziva sei kuti ndevapi vanodzidzisa chokwadi?

Bhaibheri Rinotii?

Mwari ane chechi here yaari kushandisa kuita kuti vanhu vaswedere pedyo naye?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari Here?

Vanyori vakawanda veBhaibheri vairatidza kuti Mwari ndiye aivatungamirira pane zvavainyora. Nei vaidaro?