NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA April 2017

Magazini ino ine nyaya dzokudzidza dzaMay 29 kusvika kuJuly 2, 2017.

“Ripa Zvaunopika”

Chii chinonzi mhiko? Magwaro anotii nezvekuita mhiko kuna Mwari?

Chii Chichabviswa Pachauya Umambo hwaMwari?

Bhaibheri rinoti: “Nyika iri kupfuura.” Zvisinei, zvinhu zvipi zviri ‘munyika’ yacho?

NYAYA YEUPENYU

Ndakatsunga Kuramba Ndiri Musoja waKristu

Demetrius Psarras akaiswa mujeri nekuti akaramba kuenda kuhondo. Asi akaramba achirumbidza Mwari kunyange paakazosangana nematambudziko akakura.

“Mutongi Wenyika Yose” Anogara Achiita Zvakarurama

Nei zvinganzi Jehovha haakwanisi kuita zvisina kururama? Uye nei izvi zvakakosha kuvaKristu mazuva ano?

Unoona Kururamisira Sezvakunoitwa naJehovha Here?

Kuzvininipisa nekuva nechido chekuregerera zvinodiwa kana tichida kuona kururamisira sezvakunoitwa naJehovha. Nei zvakadaro?

Kuzvipira Kwako Ngakuite Kuti Jehovha Arumbidzwe!

Mwari Wemasimbaose anokoshesa zvinoitwa nevashumiri vake pakuzadzika kwechinangwa chake, pasinei nekuti zvavanoita zvingaita sezvisingakoshi.