NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA June 2017

Magazini ino ine nyaya dzokudzidza dzaJuly 31 kusvika August 27, 2017.

Unoyeuka Here?

Wakaverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kuti mibvunzo yeBhaibheri mingani yaunokwanisa kupindura.

Jehovha Anotinyaradza Pakutambudzika Kwedu Kwose

Ndeapi matambudziko anosangana nevaKristu muwanano uye mumhuri mazuva ano? Uye, kana uri kusangana nematambudziko akadaro, ungaita sei kuti uwane nyaradzo kubva kuna Mwari?

Isa Mwoyo Wako Papfuma Yekunamata

Ipfuma ipi yatinofanira kukoshesa, uye tingazviita sei?

Usangotarisa Zvakaita Munhu Nechekunze

Chii chakaitika mumwe weZvapupu zvaJehovha paakaramba achitaura nemunhu aisemesa aigara mumugwagwa uye aida kugara ari ega?

Muchagadzirisa Kusanzwisisana Moita Kuti Pave Nerugare Here?

Vanhu vanoda chaizvo kuva nerugare. Kunyange zvakadaro, kana vakaona kuti vari kutarisirwa pasi kana kuti chinzvimbo chavo chinogona kutorwa, vakawanda vanotanga kuita zvinhu zvinovhiringidza rugare. Ungadzivisa sei kuita zvakadaro?

“Kuchenjera Kwako Ngakukomborerwe!”

Mashoko aya akataurwa naDhavhidhi achirumbidza Abhigairi. Chii chakaita kuti Dhavhidhi amurumbidze, uye tingabatsirwa sei nemuenzaniso waAbhigairi?

Ramba Wakaisa Pfungwa Dzako Panyaya Inokosha

Ndeipi nyaya inokosha inobata-bata vanhu vese? Nei zvichikosha kuti uizive?

Tsigira Uchangamire hwaJehovha!

Upenyu hwako hunochinja sei kana uchiona Jehovha seakakodzera kutonga zvinhu zvese?

Waizviziva Here?

Nei Jesu akataura kuti vanhu vaitengesa mhuka mutemberi vaiva “makororo”?