Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 2 2018 | Ramangwana Rakamira Sei?

RAMANGWANA RAKAMIRA SEI?

Unombonetseka here uchifunga kuti ramangwana rako neremhuri yako richange rakaita sei? Bhaibheri rinoti:

“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”​—Pisarema 37:29.

Magazini iyi ichakubatsira kuziva kuti Mwari akasikirei nyika nevanhu uye zvaungaita kuti uzorarama nekusingaperi.

 

Kutaura Zvichaitika Mune Ramangwana

Vanhu vave nemakore vachifungidzira zvichange zvakaita ramangwana. Zvimwe zvavanofungidzira zvinoitika asi zvimwe hazviitiki.

Uprofita Hwakazadzika

Uprofita hwakataurwa neBhaibheri hwakazadzika nemo nemo.

Chivako Chinotsigira Uprofita hweBhaibheri

Chivako chekare chiri kuRome chinotsigira uprofita hweBhaibheri.

Vimbiso Dzichazadzika

Uprofita hwakawanda hweBhaibheri hwakatozadzika uye humwe huchazozadzika.

Unogona Kurarama Nekusingaperi Panyika

Bhaibheri rinotiudza chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu.

Ramangwana Riri Mumaoko Ako!

Vamwe vanoti upenyu hwemunhu mumwe nemumwe hwagara hwakatorongwa naMwari. Ichokwadi here?

“Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika”

Bhaibheri rinoti kuti kuitirwa utsinye uye kupomerwa mhosva yausina zvichapera.