NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA July 2018

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaSeptember 3-30, 2018.

VAKAZVIPA NEMWOYO UNODA

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMyanmar

Nei Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakaenda kunobatsira pabasa rekukohwa kuMyanmar?

Uri Kutsvaga Kuzivikanwa Naani?

Tingadzidzei pane zvinoitwa naMwari achiratidza kuti anokoshesa vashumiri vake vakatendeka?

Maziso Ako Akatarira Kupi?

Tinogona kudzidza chidzidzo chinokosha pachikanganiso chikuru chakaitwa naMosesi.

“Ndiani Ari Kurutivi rwaJehovha?”

Nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvaKaini, Soromoni, Mosesi uye Aroni dzinoratidza kuti nei kuri kuchenjera kuva kudivi raJehovha.

Tiri vaJehovha

Tingaonga sei Jehovha nekutipa mukana wekuti tive neushamwari naye?

Nzwira Tsitsi “Vanhu Vemarudzi Ose”

Tevedzera tsitsi dzaJehovha nekuona matambudziko evamwe wovabatsira paunenge uchikwanisa.

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana vanhu vaviri vasina kuroorana vakaita usiku hwese mumamiriro ezvinhu asina kukodzera vanganzi vakaita chivi chakakura here?