Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 3 2018 | Mwari Anokuda Here?

MWARI ANOKUDA HERE?

Panoitika njodzi kana kuti vanhu pavanotambura uye pavanofa, tinogona kunetseka kuti Mwari ari kuzviona here kana kuti ane hanya here. Bhaibheri rinoti:

“Nokuti maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo; asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvinhu zvakaipa.”​—1 Petro 3:12.

Magazini ino inoratidza kuti Mwari anotibatsira sei uye zvaari kuita kuti abvise matambudziko ese atiri kusangana nawo.

 

“Mwari Aiva Kupi?”

Pane dambudziko rawakambosangana naro rakaita kuti unetseke kuti Mwari ane hanya newe here?

Mwari Anokukoshesa Here?

Chii chinoratidza kuti Mwari ane hanya nesu?

Mwari Anokunzwisisa Here?

Kuziva kunoita Mwari zvatiri kunoita kuti tinyatsova nechokwadi chekuti anonyatsotinzwisisa.

Mwari Ane Tsitsi Here?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari anotinzwisisa uye anorwadziwawo patinotambura.

Kutambura—NdiMwari Ari Kutiranga Here?

Mwari anoshandisa urwere kana matambudziko kuranga vanhu nekuda kwezvivi zvavo here?

Ndiani Ari Kukonzera Kutambura?

Bhaibheri rinotiudza zvinhu zvitatu zviri kuita kuti vanhu vatambure.

Mwari Ava Pedyo Kubvisa Kutambura

Tinoziva sei kuti Mwari achabvisa kutambura kwese?

Kuziva Kuti Mwari Anokuda Kunogona Kukubatsira

Bhaibheri rinotibatsira kuti tive nekutenda mune zvinovimbiswa naMwari.

Mwari Anonzwa Sei Nekutambura Kwauri Kuita?

Mavhesi aya eBhaibheri anogona kukubatsira kunzwisisa kuti Mwari anoona sei kutambura.