Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinozvipa Kwamuri

Ndinozvipa Kwamuri

Dhaunirodha:

  1. 1. Usiku kwakati zi-i,

    Nyeredzi dzakati ngwe-e,

    Ndakufungai nezvamunoita,

    Ndotutuma nerudo.

  2. 2. Ndikazvitsaurira,

    Ndimi m’chafamba neni.

    Zuva nezuva, m’chazvionera

    Ndiri wenyu zvachose.

    (KORASI)

    Mandipa tariro

    Ndikachinja,

    Mukandisimbisa.

    Makandipa Jesu

    Kundifira,

    Ndozvipa kwamuri;

    Ndozvipa kwamuri.

  3. 3. Zuva parinobuda,

    Kam’shana kachidziya,

    Mwari wetsitsi, asingagumi

    Ndinoshamiswa nemi!

    (KORASI)

    Mandipa tariro

    Ndikachinja,

    Mukandisimbisa.

    Makandipa Jesu

    Kundifira,

    Ndozvipa kwamuri;

    Ndozvipa kwamuri.

    (KORASI)

    Mandipa tariro

    Ndikachinja,

    Mukandisimbisa.

    Makandipa Jesu

    Kundifira,

    Ndozvipa kwamuri;

    Ndozvipa kwamuri.