Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tava Shamwari Zvakare

Tava Shamwari Zvakare

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndorwadziwa,

    M’mwoyo mangu.

    Kubva pandakatadzirwa.

    Ndatadza kuzvikanganwa,

    Zvonditadzisa kuita zvakanaka.

    (KORASI)

    Ndoda titaurirane.

    Ndiburitse zviri m’mwoyo.

    Tese tiregererane,

    Ushamwari husimbezve.

  2. 2. Ndoda kuva, saJehovha.

    Akatiregererawo.

    Akatipa mwana wake.

    Rudo rwake rukurusa,

    Anotida.

    (KORASI)

    Ndoda titaurirane

    Ndiburitse zviri m’mwoyo

    Tese tiregererane

    Ushamwari husimbezve

    (BHIRIJI)

    Ndoregerera.

    Nhasi ndichatozviita.

    Tive pamwe chete,

    Tifarezve seshamwari.

  3. 3. Tinodiwa naJehovha.

    Anoda tiwirirane.

    Ndikasiya zvechigumbu.

    Ndichafara,

    Ushamwari hwavepozve.

    (KORASI)

    Ndoda titaurirane,

    Ndiburitse zviri m’mwoyo.

    Tese tiregererane,

    Ushamwari husimbezve,

    Ushamwari husimbezve.

    Ndoregerera.