Shandisa Chokwadi cheBhaibheri Chisingachinji

Shoko raMwari rinotibatsira kuti tiite zvinhu tichitungamirirwa nechokwadi chisingachinji chiri mariri. Chimboona vanhu vakabatsirwa neBhaibheri kuti vachinje upenyu hwavo.

Unogona Kuwana Shamwari Dzakanaka Usingazvifungiri

Tese tinoda shamwari. Saka paunenge uchitsvaga shamwari dzakanaka, mazano api eBhaibheri angakubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka?

Jehovha Mwari Achakubatsira

Haufaniri kunge uri munhu asingakanganisi kuti ushumire Mwari. Chokwadi ndechekuti Mwari anoda kuti ubudirire, saka achakutsigira uye achakubatsira.

Teerera Zano Kuti Uve Akachenjera

Isa pfungwa dzako pazano, kwete pana chipangamazano. Mashoko euchenjeri anobva kuvakuru vechiKristu anoratidza kudiwa kwatinoitwa naJehovha.