Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Izvi Ndizvo Zvaida Mwari Here?

Zvimwe uri kunetseka kuti sei panyika paine matambudziko akawanda kudai. Unozviziva here kuti Bhaibheri rinoti matambudziko ose aya achapera uye iwe unogona kurarama munyika yacho yakanaka?

CHITSAUKO 1

Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?

Unofunga kuti Mwari anokuda here? Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinoti Mwari ane unhu hwakaita sei uye zvaungaita kuti uve pedyo naye.

CHITSAUKO 2

Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari

Bhaibheri ringakubatsira sei kukunda matambudziko ako? Nei uchigona kuvimba nezvarinotaura?

CHITSAUKO 3

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?

Mwari achaita here kuti nyika ive sezvaaida pakutanga? Achazviita rini?

CHITSAUKO 4

Jesu Kristu Ndiani?

Ona kuti sei Jesu achinzi ndiye Mesiya ainzi achauya, uye kuti akabvepi uye kuti sei achinzi mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.

CHITSAUKO 5

Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari

Zvinorevei wadzikinurwa? Kufa kwaJesu kune zvakunokubatsira here?

CHITSAUKO 6

Vakafa Vari Kupi?

Verenga Bhaibheri unzwe kuti kana munhu afa anoendepi uye kuti sei tichifa.

CHITSAUKO 7

Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa

Une hama kana shamwari yakafa here? Zvinoita here kuti uzovaonazve? Verenga unzwe zvinodzidziswa neBhaibheri nezvekumutswa kwevakafa.

CHITSAUKO 8

Umambo hwaMwari Chii?

Vakawanda vanoziva munamato waShe. Mashoko okuti: “Umambo hwenyu ngahuuye” anorevei?

CHITSAUKO 9

Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?

Verenga unzwe kuti sei tichiti zviri kuitika mazuva ano zvinoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” sezvakagara zvataurwa neBhaibheri.

CHITSAUKO 10

Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri

Bhaibheri rinotaura nezvengirozi uye madhimoni. Ngirozi nemadhimoni zviriko here? Pane zvazvinoita kwatiri here?

CHITSAUKO 11

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Vakawanda vanofunga kuti Mwari ndiye anokonzera kutambura. Iwe unotii nazvo? Ona kuti Mwari anoti nei tichitambura.

CHITSAUKO 12

Kurarama Nenzira Inofadza Mwari

Zvinoita kuti tirarame upenyu hunofadza Jehovha. Unotogona kuva shamwari yake.

CHITSAUKO 13

Ona Upenyu Sezvinoita Mwari

Mwari anoti kudini nokubvisa nhumbu, kuisirwa ropa, uye upenyu hwemhuka?

CHITSAUKO 14

Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze

Rudo rwaiva naJesu ndirwo runofanira kuva nevarume, vakadzi, vabereki uye vana. Pane zvatingadzidze kwaari here?

CHITSAUKO 15

Kunamata Kunobvumirwa naMwari

Ona zvinhu 6 zvinoitwa nevanamati vechokwadi.

CHITSAUKO 16

Tsigira Kunamata Kwechokwadi

Idambudziko ripi raungasangana naro pakuedza kutsanangurira vamwe zvaunotenda? Ungavaudza sei asi usingavagumburi?

CHITSAUKO 17

Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera

Mwari anokunzwa here paunonamata? Kuti uzive mhinduro yacho unofanira kunzwisisa kuti Bhaibheri rinoti kudii nezveminamato.

CHITSAUKO 18

Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari

Unofanira kuita sei kuti uzobhabhatidzwa? Verenga unzwe kuti kubhabhatidzwa kunorevei uye kunoitwa sei.

CHITSAUKO 19

Ramba Uri Murudo rwaMwari

Tingaratidza sei kuti tinotenda Mwari nezvaakatiitira?

MASHOKO OKUWEDZERA

Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva

Zita raMwari rakabviswa mumaBhaibheri akawanda. Nei? Kushandisa zita raMwari kwakakosha here?

MASHOKO OKUWEDZERA

Kuzivisa Kunoita Uprofita hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya

Mwari akataura gore raizouya Mesiya pachine makore 500 Mesiya wacho asati auya. Verenga unzwe nezveuprofita uhwu!

MASHOKO OKUWEDZERA

Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa

Jesu akazadzisa uprofita hwose hwaitaura nezvaMesiya. Verenga muBhaibheri rako uprofita hwacho.

MASHOKO OKUWEDZERA

Chokwadi Pamusoro paBaba, Mwanakomana, uye Mudzimu Mutsvene

Vanhu vakawanda vanofunga kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari, Jesu neMudzimu mutsvene chinhu chimwe chete. Ichokwadi here?

MASHOKO OKUWEDZERA

Nei vaKristu Vechokwadi Vasingashandisi Muchinjikwa Pakunamata

Jesu akafira pamuchinjikwa here? Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinoti kudii.

MASHOKO OKUWEDZERA

Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari

VaKristu vanorayirwa kuti vayeuke zuva rokufa kwaKristu. Zuva racho rinofanira kuyeukwa riini uye sei?

MASHOKO OKUWEDZERA

“Mweya” uye “Mudzimu”—Mashoko Aya Anomborevei Chaizvo?

Vakawanda vanofunga kuti kana munhu afa pane chimwe chinhu chinobuda mumuviri choenda kudenga. Shoko raMwari rinoti kudii?

MASHOKO OKUWEDZERA

Sheori uye Hadhesi Chii?

Mamwe maBhaibheri anoshandisa mashoko okuti “guva” kana kuti “hero” panzvimbo paSheori kana kuti Hadhesi. Mashoko aya anorevei?

MASHOKO OKUWEDZERA

Zuva Rokutongwa—Chii?

Verenga unzwe kuti sei zuva rokutongwa richava nguva inofadza kune vanoita zvakanaka.

MASHOKO OKUWEDZERA

1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri

Chii chiri muBhaibheri chinoratidza kuti mugore ra1914 pane zvinokosha zvakaitika?

MASHOKO OKUWEDZERA

Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?

Bhaibheri rinotiudza kuti ngirozi iyi huru ine simba ndiani. Verenga unzwe zvakawanda nezvayo uye kuti iri kuitei iye zvino.

MASHOKO OKUWEDZERA

Kuziva “Bhabhironi Guru”

Muna Zvakazarurwa tinoudzwa nezvemukadzi anonzi “Bhabhironi Guru.” Mukadzi chaiye here? Bhaibheri rinoti kudii?

MASHOKO OKUWEDZERA

Jesu Akaberekwa Muna December Here?

Verenga uone zvaiva zvakaita mamiriro okunze panguva yakazvarwa Jesu. Izvi zvinoita kuti titi kudii?

MASHOKO OKUWEDZERA

Tinofanira Kupemberera Mazororo Here?

Mazororo akawanda anopembererwa kwaunogara akabvepi? Uchashamisika ukanzwa mhinduro dzacho.