Bhaibheri Rinotidzidzisei?

Bhuku iri rinokubatsira kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzakasiyana-siyana dzakadai sekuti nei tichitambura, chii chinoitika patinofa, tingaitei kuti tive nemhuri dzinofara, uyewo dzimwe nyaya.

Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?

Unogona kunge uchishaya kuti nei panyika paine matambudziko akawanda kudai. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari ava pedyo kubvisa zvinhu zvese zviri kutambudza vanhu zvakadai senhamo, urwere, uye rufu.

CHITSAUKO 1

Mwari Ndiani?

Unofunga kuti Mwari ane hanya newe here? Dzidza nezvake uye kuti ungava sei shamwari yaMwari.

CHITSAUKO 2

Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari

Bhaibheri ringakubatsira sei mumatambudziko ako? Nei uchigona kuvimba neuprofita hwaro?

CHITSAUKO 3

Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?

Upenyu huchange hwakaita sei munyika itsva, nyika yese painenge yava paradhiso?

CHITSAUKO 4

Jesu Kristu Ndiani?

Dzidza kuti nei Jesu ari iye Mesiya akanga ataurwa kuti aizouya, uye kuti akabva kupi, uye nei achinzi Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga.

CHITSAUKO 5

Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese

Rudzikinuro chii? Runokubatsira sei?

CHITSAUKO 6

Pane Kwatinoenda Here Kana Tafa?

Dzidza kuti Bhaibheri rinoti vakafa vari kupi uye kuti nei vanhu vachifa.

CHITSAUKO 7

Vakafa Vachamuka!

Wakafirwa nemunhu waunoda here? Zvinoita here kuti uzomuonazve? Ona kuti Bhaibheri rinodzidzisei nezvekumutswa kwevakafa.

CHITSAUKO 8

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Vanhu vakawanda vanoziva Munyengetero waShe. Ko mashoko ekuti “Umambo hwenyu ngahuuye,” anorevei?

CHITSAUKO 9

Nyika Yava Kuda Kuguma Here?

Dzidza kuti zviri kuitika munyika zvinoratidza sei kuti tasarirwa nenguva pfupi pfupi kuti mugumo wenyika usvike sezvakataurwa neBhaibheri.

CHITSAUKO 10

Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?

Bhaibheri rinotaura nezvengirozi nemadhimoni. Zvisikwa izvi zvemweya zviriko zvechokwadi here? Zvinogona kutibatsira kana kutikuvadza here?

CHITSAUKO 11

Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?

Vakawanda vanofunga kuti kutambura kwese kwakazara panyika imhosva yaMwari. Ko iwe unofungei? Dzidza kuti Mwari anoti kutambura kunokonzerwa nei.

CHITSAUKO 12

Ungava Sei Shamwari yaMwari?

Unokwanisa kurarama upenyu hunofadza Jehovha. Unotokwanisa kuva shamwari yake.

CHITSAUKO 13

Koshesa Upenyu Hwawakapiwa

Mwari anoona sei kubvisa pamuviri, kuwedzerwa ropa uye upenyu hwemhuka?

CHITSAUKO 14

Mhuri Yenyu Inogona Kufara

Varume, madzimai, vabereki, nevana vanogona kutevedzera Jesu pakuratidza rudo. Tinodzidzei kwaari?

CHITSAUKO 15

Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda

Ona zvinhu 6 zvinokubatsira kuziva vanhu vari muchitendero chechokwadi.

CHITSAUKO 16

Sarudza Kunamata Mwari

Matambudziko api aungasangana nawo paunenge uchiudza vamwe zvaunotenda? Ungataura navo sei usingavagumburi?

CHITSAUKO 17

Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero

Mwari anonzwa here paunonyengetera? Kuti uwane mhinduro yacho, unofanira kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvemunyengetero.

CHITSAUKO 18

Ndinofanira Kuzvitsaurira Kuna Mwari Ndobhabhatidzwa Here?

Matanho api anofanira kutorwa nemunhu kuti akodzere kubhabhatidzwa semuKristu? Dzidza kuti kubhabhatidzwa kunomiririrei uye kuti kunofanira kuitwa sei.

CHITSAUKO 19

Ramba Uri Pedyo naJehovha

Tingaratidza sei kuti tinoda Mwari uye tingamutenda sei nezvese zvaakatiitira?

Mamwe Mashoko

Tsanangudzo yemashoko akashandiswa mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?