“Uya Uve Muteveri Wangu”

Chinangwa chebhuku rino hachisi chekutsanangura upenyu uye ushumiri hwaJesu asi ndechekutibatsira kuona zvatingaita kuti tinyatsomutevera.

Sumo

Dai ukabvuma kutevera Jesu uye ukawedzera kumuda kuitira kuti ufadze mwoyo waJehovha iye zvino uye nekusingaperi.

CHITSAUKO 1

Jesu Airevei Paakati “Iva Muteveri Wangu”?

Kuva muteveri waJesu hakungogumiri pakutaura chete.

CHITSAUKO 2

“Nzira Nechokwadi Neupenyu”

Hatikwanisi kusvika kuna Baba pasina Mwanakomana. Jesu akapiwa basa rinokosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari.

CHITSAUKO 3

“Ndine Mwoyo Unozvininipisa”

Kubvira achitanga ushumiri hwake kusvika ahupedza, Jesu aizivikanwa nekuzvininipisa.

CHITSAUKO 4

“Shumba Yedzinza raJudha”

Zvinhu zvitatu zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aiva neushingi hwakaita sehweshumba zvinoti: kutsigira chokwadi, kubata vanhu zvakarurama, uye kumirisana nevaimupikisa.

CHITSAUKO 5

“Pfuma Yese Yeuchenjeri”

Jesu akaratidza uchenjeri hunoshamisa kwete nemashoko chete asiwo nezvaaiita.

CHITSAUKO 6

“Akadzidza Kuteerera”

Sezvo Jesu aiteerera Baba vake zvakakwana, nei achizonzi “akadzidza kuteerera,” uye akaitwa kuti ave “akakwana”?

CHITSAUKO 7

“Fungisisai Nezveuya Akatsungirira”

Jesu akanyatsoratidza chinonzi kutsungirira. Chii chakamubatsira kuti atsungirire? Tingatevedzera sei muenzaniso wake wekutsungirira?

CHITSAUKO 8

“Nekuti Ndizvo Zvandakatumwa Kuzoita”

Verenga unzwe kuti nei Jesu aiparidza, kuti aiparidza nezvei, uye maonero aaiita basa rake.

CHITSAUKO 9

“Endai Munoita Kuti Vanhu . . . Vave Vadzidzi”

Kuteerera murayiro wakapiwa naJesu wekuita kuti vanhu vave vadzidzi ndiko kunoita kuti munhu anzi muteveri waKristu wechokwadi.

CHITSAUKO 10

“Zvakanyorwa Kuti”

Patinotora mashoko kubva muBhaibheri, patinorwira Shoko raMwari uye patinoritsanangura zvakajeka, tinenge tichitotevedzera madzidzisiro aiita Jesu.

CHITSAUKO 11

“Hakuna Munhu Akambotaura Zvakadai”

Ona nzira nhatu dzaishandiswa naJesu pakudzidzisa uye kuti tingamutevedzera sei.

CHITSAUKO 12

“Aisambotaura Navo Asingashandisi Mufananidzo”

Bhaibheri rinotipa zvikonzero zviviri zvinokosha zvaiita kuti Jesu ashandise mifananidzo.

CHITSAUKO 13

“Ndinoda Baba”

Tingatevedzera sei Jesu panyaya yekuda Jehovha zvakadzama?

CHITSAUKO 14

‘Vanhu Vakawanda Vakauya Kwaari’

Vanhu vakawanda, kusanganisira vana, vaisatya kuenda kuna Jesu. Chii chaiita kuti vanhu vasatye kuva pedyo naye?

CHITSAUKO 15

“Akasiririswa”

Nei tichifanira kutevedzera Jesu pakunzwira vamwe tsitsi?

CHITSAUKO 16

“Akaramba Achivada Kusvikira Pamugumo”

Panguva yese yaaiita ushumiri hwake, Jesu akaratidza kuti aida vadzidzi vake. Tingamutevedzera sei pamabatiro atinoita vamwe?

CHITSAUKO 17

“Hapana Ane Rudo Rukuru Kupfuura Urwu”

Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza rudo rwekuzvipira?

CHITSAUKO 18

“Ramba Uchinditevera”

Kana tikaramba tichitevera Jesu zuva nezuva, tinova nehana yakachena uye tariro yakajeka yeramangwana.