Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri

Nakidzwa nenyaya dzemuBhaibheri 116. Nyaya dzacho ndedzechokwadi, dziri nyore kunzwisisa uye dzine mapikicha.

Mashoko Ekusuma

Nyaya dzechokwadi dzinobva muBhaibheri, bhuku rinokosha kupfuura mamwe ese, dzinotaura nezvenhoroondo yevanhu kubva pakasikwa nyika naMwari.

NHAU 1

Mwari Anovamba Kuita Zvinhu

Nyaya yekusikwa iri muna Genesisi iri nyore zvekuti inogona kunzwisiswa nevana.

NHAU 2

Bindu Rakaisvonaka

Maererano nezvinotaurwa munaGenesisi, Mwari akaita kuti bindu reEdheni rive nzvimbo yakanaka. Mwari anoda kuti nyika yese iite sezvakanga zvakaita bindu iroro rakanaka.

NHAU 3

Murume Nomukadzi Vokutanga

Mwari akasika Adhama naEvha akavaisa mubindu reEdheni. Vakabva vava murume nemudzimai vekutanga vakaroorana.

NHAU 4

Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo

Nyaya yeBhaibheri iri muna Genesisi inotiudza kuti paradhiso yakarasika sei.

NHAU 5

Upenyu hwakaoma hunovamba

Adhama naEvha vakasangana nematambudziko akawanda pavakabudiswa mubindu reEdheni. Kudai vakateerera Mwari,ivo nevana vano vangadai vakararama upenyu hunofadza.

NHAU 6

Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa

Nyaya yaKaini naAbheri iri muna Genesisi, inotidzidzisa kuti tinofanira kuva vanhu vakaita sei uye unhu hwatinofanira kukurumidza kugadzirisa.

NHAU 7

Murume Akashinga

Nyaya yaEnoki inoratidza kuti tinogona kuita zvakanaka kunyange vanhu vanenge vakatipoteredza vachiita zvakaipa.

NHAU 8

Hofori Mupasi

Chitsauko 6 chaGenesisi chinotaura nezvehofori dzaiva neutsinye. Hofori idzodzo dzainzi vaNefirimu, dzaiva vana vengirozi dzakapanduka, dzakabva kudenga dzikauya panyika kuzorarama sevanhu.

NHAU 9

Noa Anovaka Areka

Noa nemhuri yake vakapona nekuti vakateerera Mwari kunyange zvazvo vamwe vanhu vairamba kuteerera.

NHAU 10

Mafashamo Makuru

Vanhu vaiseka pavaiyambirwa naNoa nezvemafashamo. Asi paazotanga, zvekuseka zvakabva zvapera! Dzidza kuti areka yakaponesa sei Noa, mhuri yake, nemhuka dzakawanda.

NHAU 11

Muraraungu Wokutanga

Paunoona muraraungu unobva wayeukei?

NHAU 12

Vanhu Vanovaka Zishongwe

Mwari haana kufara nazvo, uye chirango chaakapa chichiri kuoneka nanhasi.

NHAU 13

Abrahama​—Shamwari yaMwari

Nei Abrahama akasiya musha wake wakanaka achinogara mumatende kweupenyu hwake hwese?

NHAU 14

Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama

Nei Mwari akati ape mwana wake Isaka sechibayiro?

NHAU 15

Mudzimai waRoti Anocheuka

Tinowana chidzidzo chinokosha pane zvaakaita.

NHAU 16

Isaka Anowana Mudzimai Akanaka

Chii chaiita kuti Ribheka ave mudzimai akanaka? Rwaiva runako rwake here kana kuti chimwewo chinhu?

NHAU 17

Manyambiri Akanga Akasiana

Baba vavo, Isaka, vainyanya kuda Esau, asi amai vavo, Ribheka, vainyanya kuda Jakobho.

NHAU 18

Jakobho Anoenda Harani

Jakobho anotanga kuroora Reya kunyange zvazvo Rakeri ari iye waaida.

NHAU 19

Jakobho Ane Mhuri Huru

Madzinza 12 evaIsraeri akatumidzwa kubva pavanakomana 12 vaJakobho here?

NHAU 20

Dhina Anopinda Muchinetso

Zvakakonzerwa nekutamba neshamwari dzakaipa.

NHAU 21

Vakoma vaJosefa Vanomuvenga

Chii chakaita kuti vamwe vakoma vaJosefa vade kumuuraya?

NHAU 22

Josefa Anoiswa Mutorongo

Anoiswa mujeri, kwete nekuti akanga atyora mutemo, asi nekuti akanga aita zvakanaka.

NHAU 23

Maroto aFarao

Mombe 7 nehura 7 dzezviyo dzine pazvakafanana.

NHAU 24

Josefa Anoedza Vakoma Vake

Angaziva sei kuti vachinja unhu hwavaiva nahwo pavakamutengesa semuranda?

NHAU 25

Mhuri Inotamira Egipita

Nei vanhu vemumhuri yaJakobho vakanzi vaIsraeri?

NHAU 26

Jobho Anotendeka Kuna Mwari

Jobho akarasikirwa nepfuma yake, vana vake, uye akarwara zvisingaiti. Mwari aimuranga here?

NHAU 27

Mambo Akaipa Anodzora Egipita

Nei akaudza vanhu vake kuti vauraye vana vakomana vese vachiIsraeri vainge vachangoberekwa?

NHAU 28

Maponeserwe Akaitwa Mosesi

Amai vake vanotsvaga nzira yekuti mwana wavo asaurayiwa sezvakanga zvarayirwa namambo kuti vana vakomana vese vanofanira kuurayiwa.

NHAU 29

Chikonzero Nei Mosesi Akatiza

Mozisi paaiva nemakore 40, aifunga kuti akanga ava kukwanisa kununura vaIsraeri, asi zvakanga zvisirizvo.

NHAU 30

Gwenzi Rinopfuta Moto

Achishandisa zvishamiso zvinotevedzana, Mwari anoudza Mozisi kuti nguva yekuti abudise vaIsraeri muIjipiti yakanga yakwana.

NHAU 31

Mosesi naAroni Vanoona Farao

Nei Farao asiri kuteerera Mozisi orega vaIsraeri vachienda?

NHAU 32

Madambudziko 10

Mwari akaunza matambudziko 10 pavaIjipiti nekuti mambo wavo aiomesa musoro achiramba kuti vaIsraeri vabude muIjipiti.

NHAU 33

Kuyambuka Gungwa Dzvuku

Mozisi anopatsanura mvura yemuGungwa Dzvuku achishandisa simba raMwari uye vaIsraeri vanoyambuka nepakaoma.

NHAU 34

Rudzi Rutsva Rwezvokudya

Zvekudya izvi zvavakapiwa naMwari zvaiita kudonha zvichibva kudenga.

NHAU 35

Jehovha Anopa Mitemo Yake

Mitemo ipi miviri inokosha kupfuura Mirayiro Gumi?

NHAU 36

Mhuru Yendarama

Chii chakaita kuti vanhu vanamate chidhori chakagadzirwa nemhete dzavo dzakanyungudutswa?

NHAU 37

Tendi Rokunamatira

Kamuri yaro remukati raiva neareka yesungano.

NHAU 38

Tsori 12

Tsori 10 dzinotaura chinhu chimwe chete, asi mbiri dzinotaurawo zvimwe. VaIsraeri vanoteerera zvinotaurwa nevapi?

NHAU 39

Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva

Zvakafamba sei kuti chimuti chakaoma chiite maruva nemichero muusiku humwe?

NHAU 40

Mosesi Anorova Dombo

Mozisi akawana zvaaida asi akatsamwisawo Jehovha.

NHAU 41

Nyoka Yendarira

Nei Mwari akatuma nyoka dzine uturu kuti dzirume vaIsraeri?

NHAU 42

Mbongoro Inotaura

Dhongi rinoona chimwe chinhu asi Bharami haasi kuchiona.

NHAU 43

Joshua Anova Mutungamiriri

Mozisi haasati anyanya kuchembera, saka nei ari kutsiviwa naJoshua?

NHAU 44

Rakabhi Anovanza Tsori

Rakabhi anobatsira sei varume ava vaviri, uye anovakumbira kuti vazomuitirei?

NHAU 45

Kuyambuka Rwizi rweJoridhani

Vapristi pavanotsika mumvura, panobva paitika chishamiso.

NHAU 46

Masvingo eJeriko

Sei imba yaiva netambo tsvuku isina kuwondomoka?

NHAU 47

Mbavha Muna Israeri

Munhu mumwe chete akaipa angaita kuti zvinhu zviipire rudzi rwese here?

NHAU 48

VaGibheoni Vakachenjera

Vanonyengedza Joshua kuti aite sungano navo, asi vaIsraeri vanochengeta sungano yacho.

NHAU 49

Zuva Rinomira

Jehovha anoitira Joshua chimwe chinhu chaanga asati amboita uye chaasati ambodzokorora kubvira ipapo.

NHAU 50

Vakadzi Vairi Vakashinga

Bheraki ndiye anotungamirira vaIsraeri kuti muhondo yacho, saka nei kukudzwa kuri kuenda kuna Jaeri?

NHAU 51

Rute naNaome

Rute anosiya musha wake kuti anogara naNaomi achishumira Jehovha.

NHAU 52

Gidheoni Navarume Vake 300

Mwari akasarudza vanhu vashoma vaizorwa muhondo iyi achishandisa manwiro aizoita vanhu mvura.

NHAU 53

Chipikirwa chaJefta

Mhiko yaakaita kuna Jehovha yaizofanira kuzadziswa nemwanasikana wake.

NHAU 54

Murume Ane Simba Gurusa

Dherira akazoziva sei kwaibva simba raSamsoni?

NHAU 55

Kakomana Kanobatira Mwari

Mwari anoshandisa Samueri kuudza Mupristi Mukuru Eri mashoko anorwadza.

NHAU 56

Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri

Pakutanga akasarudzwa naMwari asi akazorambwa. Zvakaitika kuna Sauro zvinotidzidzisa chimwe chinhu.

NHAU 57

Mwari Anosarudza Dhavhidhi

Chii chakaonekwa naMwari pana Dhavhidhi chisina kuonekwa nemuprofita Samueri?

NHAU 58

Dhavhidhi naGoriati

Dhavhidhi akarwisa Goriyati nechipfuramambwe uyewo nechimwe chombo chine simba zvikuru.

NHAU 59

Nei Dhavhidhi Achitiza

Sauro akambotanga achifarira Dhavhidhi asi akazosvika pakumuvenga zvekuda kumuuraya. Chii chakaita kuti adaro?

NHAU 60

Abhigairi naDhavhidhi

Abhigairi anotaura kuti murume wake ibenzi, asi izvi zvinobatsira kuti amborega kuurayiwa.

NHAU 61

Dhavhidhi Anoitwa Mambo

Dhavhidhi anonyatsoratidza kuti akakodzera kuva mambo nezvaanoita uye zvaanoramba kuita.

NHAU 62

Chinetso Mumba yaDhavhidhi

Kukanganisa kwakaita Dhavhidhi kwakaunza matambudziko kwaari nekumhuri yake.

NHAU 63

Soromoni Mambo Akachenjera

Ichokwadi here kuti Soromoni akanga achitoda kucheka mwana nepakati?

NHAU 64

Soromoni Anovaka Tembere

Pasinei nekuti Soromoni ainge akachenjera, akanyengedzea kuita zvinhu zvakaipa uye zveupenzi.

NHAU 65

Umambo Hunokamukana

Paakangotanga kutonga, Jerobhoamu akaita kuti vanhu vatyore mutemo waMwari.

NHAU 66

Jezebheri​—Mambokadzi Akaipa

Akaita zvese zvaaigona kuti awane zvaaida.

NHAU 67

Jehoshafati Anovimba naJehovha

Nei uto rakaenda kuhondo richitungamirirwa nevaimbi vasina zvombo?

NHAU 68

Vakomana Vairi Vanoraramazve

Munhu afa anogona kumutswa kuti araramezve here? Hongu, zvakamboitika!

NHAU 69

Musikana Anobetsera Gamba

Akaita ushingi hwekutaura, uye izvozvo zvakaita kuti paitike chishamiso.

NHAU 70

Jona Nehove Huru

Jona akadzidza chidzidzo chinokosha panyaya yekuita zvinenge zvataurwa naJehovha.

NHAU 71

Mwari Anopikira Paradhiso

Paradhiso yekutanga yaiva diki; asi iye ichange iri pasi rese.

NHAU 72

Mwari Anoyamura Mambo Hezekia

Ngirozi inouraya masoja evaAsiriya 185 000 muusiku humwe chete.

NHAU 73

Mambo Wokugumisira waIsraeri

Paaiva achiri kuyaruka, Josiya akaratidza ushingi.

NHAU 74

Murume Asingatyi

Jeremiya aifunga kuti akanga achiri mudiki zvekukwanisa kuva muprofita, asi Mwari aiziva kuti aizvikwanisa.

NHAU 75

Vakomana Vana muBhabhironi

Vanobudirira pasinei nekuti vakanga vakaparadzana nemhuri dzavo.

NHAU 76

Jerusarema Rinoparadzwa

Nei Jehovha achisiya vavengi vevaIsraeri, vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema?

NHAU 77

Havazati Vaizopfugamira

Mwari aizoponesa vakomana ava vatatu kubva muchoto chemoto here?

NHAU 78

Runyoro Ruri Pachidziro

Muprofita Dhanieri anotsanangura zvinorehwa nemashoko mana akanyorwa pamadziro.

NHAU 79

Dhanieri Ari Mugomba Reshumba

Dhanieri anotongerwa rufu, asi pane zvaaigona kuita here kuti izvi zvisaitika?

NHAU 80

Vanhu vaMwari Vanobva Bhabhironi

Koreshi, Mambo wePezhiya azadzisa humwe uprofita nekukunda kwaaita Bhabhironi uye iye zvino ava kuzadzisa humwe.

NHAU 81

Kuvimba Nebetsero yaMwari

VaIsraeri havana kuteeerera vanhu vachiitira kuti vateerere Mwari. Mwari aizovakomborera here?

NHAU 82

Modhekai naEstere

Mambokadzi Vhashti aiva akanaka asi Mambo Ahashivheroshi akazomutsiva naEsteri. Nei?

NHAU 83

Masvingo eJerusarema

Pavanenge vachivakazve masvingo, vanofanira kugara vaine mapakatwa nemapfumo siku nesikati.

NHAU 84

Ngirozi Inoshanyira Maria

Inounza mashoko anobva kuna Mwari: Mariya achava nemwana achazova mambo nekusingaperi.

NHAU 85

Jesu Anoberekerwa Muchitevere

Nei mwana aizova mambo akaberekerwa munochengeterwa zvipfuwo?

NHAU 86

Vakatungamirirwa Nenyeredzi

Ndiani akatungamirira vazivi venyeredzi kuna Jesu? Mhinduro yacho inogona kukushamisa.

NHAU 87

Jesu Muduku Ari Mutembere

Zvaanoita zvinoshamisa kunyange varume vakuru vanodzidzisa patemberi.

NHAU 88

Johane Anobhabhatidza Jesu

Johani anga achibhabhatidza vatadzi, asi Jesu haana kumbobvira atadza. Nei Johani akamubhabhatidza?

NHAU 89

Jesu Anochenura Tembere

Kuda kunoita Jesu Mwari kunoita kuti agumbuke nezvaanoona.

NHAU 90

Nomukadzi Patsime

Sei zvichinzi mvura iyo Jesu ari kupa mukadzi uyu inoita kuti asafa akanzwa nyota zvekare?

NHAU 91

Jesu Anodzidzisa Pagomo

Inzwa mazano anobatsira akapiwa naJesu paMharidzo yake Yepagomo.

NHAU 92

Jesus Anomutsa Vakafa

Achishandisa simba raMwari Jesu akataura mashoko maviri achibva amutsa mwanasikana waJairosi.

NHAU 93

Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji

Chishamiso chakaitwa naJesu chekupa vanhu vakawanda zvekudya, chairatidzei?

NHAU 94

Anoda Vana Vaduku

Jesu anodzidzisa vaapostora vake kuti vane zvakawanda zvavanogona kudzidza kubva kuvana.

NHAU 95

Madzidzisire Anoita Jesu

Jesu anowanzoshandisa mifananidzo pakudzidzisa kwaanoita. Panguva ino akashandisa wemuSamariya akanaka.

NHAU 96

Jesu Anoporesa Varwere

Zvishamiso zvese zvakaitwa naJesu zvakaratidzei?

NHAU 97

Jesu Anouya saMambo

Vanhu vakawanda vanomugamuchira, asi vamwe havasi kuzvifarira.

NHAU 98

PaGomo reMiorivhi

Jesu akaudza vaapostora vake 4 zvinhu zvatiri kutoona zvichiitika mazuva ano.

NHAU 99

Mukamuri Rapamusoro

Nei Jesu akaudza vadzidzi vake kuti varambe vachiyeuka zuva iri rinokosha gore rimwe nerimwe?

NHAu 100

Jesu Ari Mubindu

Nei Judhadasi akatengesa Jesu nekumutsvoda?

NHAU 101

Jesu Anourawa

Paakanga ava kufa ari padanda, Jesu anovimbisa mumwe munhu nezveparadhiso.

NHAU 102

Jesu Mupenyu

Pashure pekunge ngirozi yakungurutsa dombo raiva rakavhara guva raJesu, masoja akarinda guva racho anoshamisika paanoona zviri mukati.

NHAU 103

Anopinda Mukamuri Rakakiiwa

Chii chinoita kuti vadzidzi vaJesu vatadze kumuziva pashure pekunge amutswa?

NHAU 104

Jesu Anodzokera Kudenga

Asati adzokera kudenga, Jesu anopa vadzidzi vake mumwe murayiro wekupedzisira.

NHAU 105

Vanomira muJerusarema

Nei Jesu akadurura mweye mutsvene pavadzidzi vake paPendekosti?

NHAU 106

Vanosunungurwa Mutorongo

Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanga vaisa vaapostora mujeri kuti varege kuparidza, asi Mwari akanga aine zvaaivafungira.

NHAU 107

Stefano Anotakwa Namabwe

Stefani anopa munyengetero unoshamisa paari kutemwa nematombo.

NHAU 108

Pamugwagwa wokuDhamasiko

Chiedza chinopenya chinopofumadza Sauro uye inzwi rinobva kudenga zvinochinja upenyu hwake.

NHAU 109

Petro Anoshanyira Kornerio

Mwari anoona vanhu verumwe rudzi kana vekune imwe nyika sevari nani kupfuura vamwe here?

NHAU 110

Timoti—Mubetseri Mutsva waPauro

Timoti akabatana naPauro parwendo rwekunoparidza.

NHAU 111

Mukomana Akabatwa Nehope

Yutiko anobatwa nehope Pauro paaipa hurukuro yake yekutanga, kwete yechipiri. Pane chishamiso chakaitika pakati pehurukuro idzi mbiri.

NHAU 112

Chikepe Chinovhunika Pachiwi

Panguva yavanenge vava kurasa tariro, Mwari anopa Pauro mashoko anomupa tariro.

NHAU 113

Pauro Ari muRoma

Pauro aizoita sei basa rake semuapostora iye ari mujeri?

NHAU 114

Mugumo Woushati Hwose

Nei Mwari achiita kuti uto rake rinotungamirirwa naJesu riende kunorwa paAmagedhoni?

NHAU 115

Paradhiso Itsva Pasi Pano

Kare, vanhu vaimbogara muParadhiso, uye zvichaitika zvakare.

NHAU 116

Kurarama Kwatingaita Narini

Kuziva Jehovha naJesu zvakakwana here? Kana zvisina kukwana, ndezvipi zvimwe zvinodiwa?

Mibvunzo Yokudzidza Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri

Magwaro nemibvunzo zvakagadzirirwa kuti zvibatsire vana kunzwisisa nyaya imwe neimwe iri muBhaibheri.