Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Nakidzwa nenyaya dzemuBhaibheri 116. Nyaya dzacho ndedzechokwadi, dziri nyore kunzwisisa uye dzine mapikicha.
Mashoko Ekusuma
Nyaya dzechokwadi dzinobva muBhaibheri, bhuku rinokosha kupfuura mamwe ese, dzinotaura nezvenhoroondo yevanhu kubva pakasikwa nyika naMwari.
CHIKAMU 1
Kusika Kusvikira Kumafashamo
NHAU 1
Mwari Anovamba Kuita Zvinhu
Nyaya yekusikwa iri muna Genesisi iri nyore zvekuti inogona kunzwisiswa nevana.
NHAU 2
Bindu Rakaisvonaka
Maererano nezvinotaurwa munaGenesisi, Mwari akaita kuti bindu reEdheni rive nzvimbo yakanaka. Mwari anoda kuti nyika yese iite sezvakanga zvakaita bindu iroro rakanaka.
NHAU 3
Murume Nomukadzi Vokutanga
Mwari akasika Adhama naEvha akavaisa mubindu reEdheni. Vakabva vava murume nemudzimai vekutanga vakaroorana.
NHAU 4
Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo
Nyaya yeBhaibheri iri muna Genesisi inotiudza kuti paradhiso yakarasika sei.
NHAU 5
Upenyu hwakaoma hunovamba
Adhama naEvha vakasangana nematambudziko akawanda pavakabudiswa mubindu reEdheni. Kudai vakateerera Mwari,ivo nevana vano vangadai vakararama upenyu hunofadza.
NHAU 6
Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa
Nyaya yaKaini naAbheri iri muna Genesisi, inotidzidzisa kuti tinofanira kuva vanhu vakaita sei uye unhu hwatinofanira kukurumidza kugadzirisa.
NHAU 7
Murume Akashinga
Nyaya yaEnoki inoratidza kuti tinogona kuita zvakanaka kunyange vanhu vanenge vakatipoteredza vachiita zvakaipa.
NHAU 8
Hofori Mupasi
Chitsauko 6 chaGenesisi chinotaura nezvehofori dzaiva neutsinye. Hofori idzodzo dzainzi vaNefirimu, dzaiva vana vengirozi dzakapanduka, dzakabva kudenga dzikauya panyika kuzorarama sevanhu.
NHAU 9
Noa Anovaka Areka
Noa nemhuri yake vakapona nekuti vakateerera Mwari kunyange zvazvo vamwe vanhu vairamba kuteerera.
NHAU 10
Mafashamo Makuru
Vanhu vaiseka pavaiyambirwa naNoa nezvemafashamo. Asi paazotanga, zvekuseka zvakabva zvapera! Dzidza kuti areka yakaponesa sei Noa, mhuri yake, nemhuka dzakawanda.
CHIKAMU 2
Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita
NHAU 12
Vanhu Vanovaka Zishongwe
Mwari haana kufara nazvo, uye chirango chaakapa chichiri kuoneka nanhasi.
NHAU 13
Abrahama—Shamwari yaMwari
Nei Abrahama akasiya musha wake wakanaka achinogara mumatende kweupenyu hwake hwese?
NHAU 16
Isaka Anowana Mudzimai Akanaka
Chii chaiita kuti Ribheka ave mudzimai akanaka? Rwaiva runako rwake here kana kuti chimwewo chinhu?
NHAU 17
Manyambiri Akanga Akasiana
Baba vavo, Isaka, vainyanya kuda Esau, asi amai vavo, Ribheka, vainyanya kuda Jakobho.
NHAU 19
Jakobho Ane Mhuri Huru
Madzinza 12 evaIsraeri akatumidzwa kubva pavanakomana 12 vaJakobho here?
NHAU 22
Josefa Anoiswa Mutorongo
Anoiswa mujeri, kwete nekuti akanga atyora mutemo, asi nekuti akanga aita zvakanaka.
NHAU 24
Josefa Anoedza Vakoma Vake
Angaziva sei kuti vachinja unhu hwavaiva nahwo pavakamutengesa semuranda?
NHAU 26
Jobho Anotendeka Kuna Mwari
Jobho akarasikirwa nepfuma yake, vana vake, uye akarwara zvisingaiti. Mwari aimuranga here?
NHAU 27
Mambo Akaipa Anodzora Egipita
Nei akaudza vanhu vake kuti vauraye vana vakomana vese vachiIsraeri vainge vachangoberekwa?
NHAU 28
Maponeserwe Akaitwa Mosesi
Amai vake vanotsvaga nzira yekuti mwana wavo asaurayiwa sezvakanga zvarayirwa namambo kuti vana vakomana vese vanofanira kuurayiwa.
NHAU 29
Chikonzero Nei Mosesi Akatiza
Mozisi paaiva nemakore 40, aifunga kuti akanga ava kukwanisa kununura vaIsraeri, asi zvakanga zvisirizvo.
NHAU 30
Gwenzi Rinopfuta Moto
Achishandisa zvishamiso zvinotevedzana, Mwari anoudza Mozisi kuti nguva yekuti abudise vaIsraeri muIjipiti yakanga yakwana.
NHAU 32
Madambudziko 10
Mwari akaunza matambudziko 10 pavaIjipiti nekuti mambo wavo aiomesa musoro achiramba kuti vaIsraeri vabude muIjipiti.
NHAU 33
Kuyambuka Gungwa Dzvuku
Mozisi anopatsanura mvura yemuGungwa Dzvuku achishandisa simba raMwari uye vaIsraeri vanoyambuka nepakaoma.
NHAU 34
Rudzi Rutsva Rwezvokudya
Zvekudya izvi zvavakapiwa naMwari zvaiita kudonha zvichibva kudenga.
NHAU 36
Mhuru Yendarama
Chii chakaita kuti vanhu vanamate chidhori chakagadzirwa nemhete dzavo dzakanyungudutswa?
NHAU 38
Tsori 12
Tsori 10 dzinotaura chinhu chimwe chete, asi mbiri dzinotaurawo zvimwe. VaIsraeri vanoteerera zvinotaurwa nevapi?
NHAU 39
Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva
Zvakafamba sei kuti chimuti chakaoma chiite maruva nemichero muusiku humwe?
NHAU 43
Joshua Anova Mutungamiriri
Mozisi haasati anyanya kuchembera, saka nei ari kutsiviwa naJoshua?
NHAU 44
Rakabhi Anovanza Tsori
Rakabhi anobatsira sei varume ava vaviri, uye anovakumbira kuti vazomuitirei?
NHAU 48
VaGibheoni Vakachenjera
Vanonyengedza Joshua kuti aite sungano navo, asi vaIsraeri vanochengeta sungano yacho.
NHAU 49
Zuva Rinomira
Jehovha anoitira Joshua chimwe chinhu chaanga asati amboita uye chaasati ambodzokorora kubvira ipapo.
NHAU 50
Vakadzi Vairi Vakashinga
Bheraki ndiye anotungamirira vaIsraeri kuti muhondo yacho, saka nei kukudzwa kuri kuenda kuna Jaeri?
NHAU 52
Gidheoni Navarume Vake 300
Mwari akasarudza vanhu vashoma vaizorwa muhondo iyi achishandisa manwiro aizoita vanhu mvura.
NHAU 55
Kakomana Kanobatira Mwari
Mwari anoshandisa Samueri kuudza Mupristi Mukuru Eri mashoko anorwadza.
NHAU 56
Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri
Pakutanga akasarudzwa naMwari asi akazorambwa. Zvakaitika kuna Sauro zvinotidzidzisa chimwe chinhu.
NHAU 57
Mwari Anosarudza Dhavhidhi
Chii chakaonekwa naMwari pana Dhavhidhi chisina kuonekwa nemuprofita Samueri?
NHAU 58
Dhavhidhi naGoriati
Dhavhidhi akarwisa Goriyati nechipfuramambwe uyewo nechimwe chombo chine simba zvikuru.
NHAU 59
Nei Dhavhidhi Achitiza
Sauro akambotanga achifarira Dhavhidhi asi akazosvika pakumuvenga zvekuda kumuuraya. Chii chakaita kuti adaro?
NHAU 60
Abhigairi naDhavhidhi
Abhigairi anotaura kuti murume wake ibenzi, asi izvi zvinobatsira kuti amborega kuurayiwa.
NHAU 61
Dhavhidhi Anoitwa Mambo
Dhavhidhi anonyatsoratidza kuti akakodzera kuva mambo nezvaanoita uye zvaanoramba kuita.
NHAU 62
Chinetso Mumba yaDhavhidhi
Kukanganisa kwakaita Dhavhidhi kwakaunza matambudziko kwaari nekumhuri yake.
NHAU 63
Soromoni Mambo Akachenjera
Ichokwadi here kuti Soromoni akanga achitoda kucheka mwana nepakati?
NHAU 64
Soromoni Anovaka Tembere
Pasinei nekuti Soromoni ainge akachenjera, akanyengedzea kuita zvinhu zvakaipa uye zveupenzi.
NHAU 65
Umambo Hunokamukana
Paakangotanga kutonga, Jerobhoamu akaita kuti vanhu vatyore mutemo waMwari.
NHAU 67
Jehoshafati Anovimba naJehovha
Nei uto rakaenda kuhondo richitungamirirwa nevaimbi vasina zvombo?
NHAU 68
Vakomana Vairi Vanoraramazve
Munhu afa anogona kumutswa kuti araramezve here? Hongu, zvakamboitika!
NHAU 69
Musikana Anobetsera Gamba
Akaita ushingi hwekutaura, uye izvozvo zvakaita kuti paitike chishamiso.
NHAU 70
Jona Nehove Huru
Jona akadzidza chidzidzo chinokosha panyaya yekuita zvinenge zvataurwa naJehovha.
NHAU 72
Mwari Anoyamura Mambo Hezekia
Ngirozi inouraya masoja evaAsiriya 185 000 muusiku humwe chete.
NHAU 74
Murume Asingatyi
Jeremiya aifunga kuti akanga achiri mudiki zvekukwanisa kuva muprofita, asi Mwari aiziva kuti aizvikwanisa.
NHAU 76
Jerusarema Rinoparadzwa
Nei Jehovha achisiya vavengi vevaIsraeri, vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema?
NHAU 78
Runyoro Ruri Pachidziro
Muprofita Dhanieri anotsanangura zvinorehwa nemashoko mana akanyorwa pamadziro.
NHAU 79
Dhanieri Ari Mugomba Reshumba
Dhanieri anotongerwa rufu, asi pane zvaaigona kuita here kuti izvi zvisaitika?
NHAU 80
Vanhu vaMwari Vanobva Bhabhironi
Koreshi, Mambo wePezhiya azadzisa humwe uprofita nekukunda kwaaita Bhabhironi uye iye zvino ava kuzadzisa humwe.
NHAU 81
Kuvimba Nebetsero yaMwari
VaIsraeri havana kuteeerera vanhu vachiitira kuti vateerere Mwari. Mwari aizovakomborera here?
NHAU 82
Modhekai naEstere
Mambokadzi Vhashti aiva akanaka asi Mambo Ahashivheroshi akazomutsiva naEsteri. Nei?
NHAU 83
Masvingo eJerusarema
Pavanenge vachivakazve masvingo, vanofanira kugara vaine mapakatwa nemapfumo siku nesikati.
CHIKAMU 6
Kuberekwa kwaJesu Kusvikira Kurufu Rwake
NHAU 84
Ngirozi Inoshanyira Maria
Inounza mashoko anobva kuna Mwari: Mariya achava nemwana achazova mambo nekusingaperi.
NHAU 86
Vakatungamirirwa Nenyeredzi
Ndiani akatungamirira vazivi venyeredzi kuna Jesu? Mhinduro yacho inogona kukushamisa.
NHAU 87
Jesu Muduku Ari Mutembere
Zvaanoita zvinoshamisa kunyange varume vakuru vanodzidzisa patemberi.
NHAU 88
Johane Anobhabhatidza Jesu
Johani anga achibhabhatidza vatadzi, asi Jesu haana kumbobvira atadza. Nei Johani akamubhabhatidza?
NHAU 90
Nomukadzi Patsime
Sei zvichinzi mvura iyo Jesu ari kupa mukadzi uyu inoita kuti asafa akanzwa nyota zvekare?
NHAU 92
Jesus Anomutsa Vakafa
Achishandisa simba raMwari Jesu akataura mashoko maviri achibva amutsa mwanasikana waJairosi.
NHAU 93
Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji
Chishamiso chakaitwa naJesu chekupa vanhu vakawanda zvekudya, chairatidzei?
NHAU 94
Anoda Vana Vaduku
Jesu anodzidzisa vaapostora vake kuti vane zvakawanda zvavanogona kudzidza kubva kuvana.
NHAU 95
Madzidzisire Anoita Jesu
Jesu anowanzoshandisa mifananidzo pakudzidzisa kwaanoita. Panguva ino akashandisa wemuSamariya akanaka.
NHAU 98
PaGomo reMiorivhi
Jesu akaudza vaapostora vake 4 zvinhu zvatiri kutoona zvichiitika mazuva ano.
NHAU 99
Mukamuri Rapamusoro
Nei Jesu akaudza vadzidzi vake kuti varambe vachiyeuka zuva iri rinokosha gore rimwe nerimwe?
NHAU 102
Jesu Mupenyu
Pashure pekunge ngirozi yakungurutsa dombo raiva rakavhara guva raJesu, masoja akarinda guva racho anoshamisika paanoona zviri mukati.
NHAU 103
Anopinda Mukamuri Rakakiiwa
Chii chinoita kuti vadzidzi vaJesu vatadze kumuziva pashure pekunge amutswa?
NHAU 104
Jesu Anodzokera Kudenga
Asati adzokera kudenga, Jesu anopa vadzidzi vake mumwe murayiro wekupedzisira.
NHAU 106
Vanosunungurwa Mutorongo
Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanga vaisa vaapostora mujeri kuti varege kuparidza, asi Mwari akanga aine zvaaivafungira.
NHAU 108
Pamugwagwa wokuDhamasiko
Chiedza chinopenya chinopofumadza Sauro uye inzwi rinobva kudenga zvinochinja upenyu hwake.
NHAU 109
Petro Anoshanyira Kornerio
Mwari anoona vanhu verumwe rudzi kana vekune imwe nyika sevari nani kupfuura vamwe here?
NHAU 111
Mukomana Akabatwa Nehope
Yutiko anobatwa nehope Pauro paaipa hurukuro yake yekutanga, kwete yechipiri. Pane chishamiso chakaitika pakati pehurukuro idzi mbiri.
NHAU 112
Chikepe Chinovhunika Pachiwi
Panguva yavanenge vava kurasa tariro, Mwari anopa Pauro mashoko anomupa tariro.
NHAU 114
Mugumo Woushati Hwose
Nei Mwari achiita kuti uto rake rinotungamirirwa naJesu riende kunorwa paAmagedhoni?
NHAU 116
Kurarama Kwatingaita Narini
Kuziva Jehovha naJesu zvakakwana here? Kana zvisina kukwana, ndezvipi zvimwe zvinodiwa?
Mibvunzo Yokudzidza Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Magwaro nemibvunzo zvakagadzirirwa kuti zvibatsire vana kunzwisisa nyaya imwe neimwe iri muBhaibheri.