Mavhidhiyo Ekusuma Mabhuku eBhaibheri

Zvinhu zvinotaurwa mubhuku rimwe nerimwe remuBhaibheri.

Kusuma Bhaibheri

Ona kuti bhuku rimwe nerimwe rinopindirana sei nedingindira reBhaibheri rekuti Umambo hunotungamirirwa naJesu Kristu huchatsvenesa sei zita raJehovha.

Kusuma Bhuku raGenesisi

Bhuku raGenesisi rinotiudza matangiro akaita vanhu, kutambura uye rufu.

Kusuma Bhuku raEksodho

Mwari akabudisa vaIsraeri muIjipiti achibva avaronga kuti vave rudzi.

Kusuma Bhuku raRevhitiko

Ona kuti bhuku raRevhitiko rinorondedzera sei utsvene hwaMwari uye kuti nei zvakakosha kuti isu pachedu tivewo vatsvene.

Kusuma Bhuku raNumeri

Ona kuti nei zvichikosha kuteerera Jehovha nguva dzese uye kuremekedza vanhu vaanoshandisa kutungamirira vanhu vake.

Kusuma Bhuku raDheuteronomi

Ona kuti Mutemo waJehovha kuvaIsraeri unoratidza sei kuda kwaanoita vanhu vake zvakadzama.

Kusuma Bhuku raJoshua

Ona kuti vaIsraeri vanokunda uye vanogova sei nyika yavakapiwa naMwari.

Kusuma Bhuku raVatongi

Bhuku iri rinotaura nezvevatongi vaiva neushingi avo Mwari akashandisa kununura vaIsraeri pavavengi vaivadzvinyirira.

Kusuma Bhuku raRute

Bhuku raRute rinotaura nezverudo rwakadzama rwakaratidzwa nemuroora kuna vamwene vake pashure pekunge vese vafirwa nevarume. Rinoratidzawo kuti Jehovha akavakomborera sei.

Kusuma Bhuku ra1 Samueri

Ona nhoroondo yevaIsraeri kubva panguva yeVatongi kuenda panguva yavaitongwa nemadzimambo.

Kusuma Bhuku ra2 Samueri

Kuzvininipisa uye kutenda kwakaita kuti Dhavhidhi ave pakati pevanhu vaidiwa chaizvo uye vanozivikanwa muBhaibheri. Ona kuti zvakafamba sei.

Kusuma Bhuku ra1 Madzimambo

Tarisa uone nhoroondo yevaIsraeri kubva mumazuva avainge vakabudirira pavaitongwa naMambo Soromoni kusvika pavakazopatsanuka kuva umambo huviri, umambo hweIsraeri uye umambo hweJudha.

Kusuma Bhuku ra2 Madzimambo

Tarisa uone kuti kunamata vanamwari venhema kwakakanganisa sei umambo hwekuchamhembe hweIsraeri uye kuti Jehovha akakomborera sei vaya vairamba vakavimbika kwaari.

Kusuma Bhuku ra1 Makoronike

Verenga nezvedzinza raDhavhidhi uye nhoroondo yeupenyu hwake kubva paakagadzwa samambo weIsraeri kusvikira pakufa kwake.

Kusuma Bhuku ra2 Makoronike

Ona kuti nhoroondo yemadzimambo eJudha inoratidza sei kukosha kwekuva vanhu vakavimbika kuna Mwari.

Kusuma Bhuku raEzra

Jehovha akaita sezvaakanga avimbisa kuti aizosunungura vanhu vake kubva muutapwa kuBhabhironi, oita kuti muJerusarema muvezve nekunamata kwakachena.

Kusuma Bhuku raNehemiya

Bhuku raNehemiya rine zvidzidzo zvinokosha kuvanamati vechokwadi mazuva ano.

Kusuma Bhuku raEsteri

Zvakaitika panguva yakararama Esteri zvichasimbisa kutenda kwako muna Jehovha Mwari kuti anogona kuponesa vanhu vake mumiedzo mazuva ano.

Kusuma Bhuku raJobho

Vose vanoda Jehovha vachasangana nemiedzo. Nyaya yaJobho inoratidza kuti tinogona kuramba takatendeka kuna Jehovha tichitsigira uchangamire hwake.

Kusuma Bhuku raMapisarema

Bhuku raMapisarema rinoratidza kuti Jehovha ndiChangamire, rinobatsira uye rinonyaradza vose vanomuda, uye rinoratidza kuti Mwari achabvisa sei matambudziko panyika achishandisa Umambo hwake.

Kusuma Bhuku raZvirevo

Inzwa mazano anobva kuna Mwari anogona kukubatsira pazvinhu zvese muupenyu, zvingava zvebhizinesi kana kuti nyaya dzemhuri.

Kusuma Bhuku raMuparidzi

Mambo Soromoni rinoratidza kuti zvinonzi nevanhu ndizvo zvinoita kuti munhu afare zvakasiyana nezvinotaurwa naMwari

Kusuma Rwiyo rwaSoromoni

Nei rudo rwuri pakati pemusikana muShuramiti nemukomana mufudzi rwuchinzi “murazvo waJah”?

Kusuma Bhuku raIsaya

Bhuku raIsaya rine uprofita hunosimbisa kutenda kwako muna Jehovha saMwari anozadzisa zvaanovimbisa uye anokwanisa kutinunura.

Kusuma Bhuku raJeremiya

Jeremiya akatsungirira pabasa rake kunyange zvazvo zvaiva zvisiri nyore. Zvaakaita zvingabatsirawo sei vaKristu mazuva ano?

Kusuma Bhuku raMariro

Bhuku raMariro rakanyorwa nemuprofita Jeremiya, uye rinotaura nezvekuchema kuparadzwa kweJerusarema uye kuti kupfidza kunoita kuti Mwari anzwe ngoni.

Kusuma Bhuku raEzekieri

Ezekieri akaita basa raakapiwa naMwari achizvininipisa uye neushingi pasinei nekuti zvakanga zvakaoma. Zvaakaita zvinotidzidzisawo chimwe chinhu.

Kusuma Bhuku raDhanieri

Dhanieri neshamwari dzake vakaramba vakavimbika kuna Jehovha pasinei nezvavakasangana nazvo. Zvavakaita uye kuzadzika kwakaita uprofita zvinogona kutibatsira mumazuva ano ekupedzisira.

Kusuma Bhuku raHosiya

Uprofita hwaHosiya hunotidzidzisa nezvekunzwira ngoni kunoita Jehovha vatadzi vanenge vapfidza uye kunamata kwaanoda.

Kusuma Bhuku raJoeri

Muprofita Joeri akaprofita ‘nezvezuva raJehovha’ uye akataura zvatinofanira kuita kuti tipone. Zvaakaprofita zvava pedyo kuitika.

Kusuma Bhuku raAmosi

Jehovha akashandisa murume uyu ainge akaderera kuita basa rinokosha. Tingadzidzei kubva kuna Amosi?

Kusuma Bhuku raObhadhiya

Bhuku raObhadhiya ndiro diki muMagwaro echiHebheru, kana kuti Testamende Yekare. Rinotipa tariro uye rinotivimbisa kuti umambo hwaJehovha hucharevererwa.

Kusuma Bhuku raJona

Muprofita uyu akabvuma kutsiurwa, akaita basa raakanga apiwa, uye akadzidza nezverudo rwakavimbika rwaMwari uye ngoni. Uchanakidzwa nekuverenga zvakaitika kwaari.

Kusuma Bhuku raMika

Uprofita uhwu hunotipa chivimbo chekuti Jehovha haatikumbiri kuita zvinhu zvatisingakwanisi uye zvaanotikumbira kuita zvinotibatsira.

Kusuma Bhuku raNahumi

Uprofita uhwu hunoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anoita zvaanenge ataura uye kuti anonyaradza vanhu vanoda rugare neruponeso achishandisa Umambo hwake.

Kusuma Bhuku raHabhakuki

Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anonyatsoziva nguva uye nzira yekuponesa nayo vanhu vake.

Kusuma Bhuku raZefaniya

Nei tisingafaniri kufunga kuti zuva guru raJehovha harisi kuzouya?

Kusuma Bhuku raHagai

Bhuku iri rinoratidza kuti tinofanira kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga.

Kusuma Bhuku raZekariya

Zvinhu zvairatidzwa vaprofita uye zvavaiprofita zvakasimbisa kutenda kwevanhu vaMwari kare. Nanhasi zvichiri kutibatsirawo.

Kusuma Bhuku raMaraki

Ibhuku rine uprofita hunoratidza kuti Jehovha ane ngoni, rudo uye kuti mitemo yake haichinji. Uprofita hwacho hune zvidzidzo zvinotibatsirawo mazuva ano.

Kusuma Bhuku raMateu

Nakidzwa nekuona zvinotaurwa mubhuku raMateu, bhuku rokutanga pamabhuku 4 eEvhangeri.

Kusuma Bhuku raMako

Bhuku raMako ndiro pfupi kudarika mamwe ose eEvhangeri uye rinotaura zvimwe zvezvinhu zvichaitwa naJesu saMambo weUmambo hwaMwari.

Kusuma Bhuku raRuka

Zvii zvisimo mune mamwe mabhuku eEvhangeri zvinongowanikwa mubhuku raRuka?

Kusuma Bhuku raJohani

Bhuku raJohani rinoratidza kuda vanhu kunoita Jesu, kuzvininipisa kwaanoita, uye kuti ndiye Mesiya, Mambo weUmambo hwaMwari.

Kusuma Bhuku raMabasa eVaApostora

VaKristu vekutanga vakashanda nesimba vachiita kuti vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vave vadzidzi. Bhuku raMabasa rinogona kuita kuti uwedzere kushingaira uye kuva nechido pakuita basa rekuparidza.

Kusuma Bhuku raVaRoma

Tsamba yaitaura nezvekuti Jehovha haasaruri uye kuti zvakakosha kutenda muna Jesu Kristu.

Kusuma Bhuku ra1 VaKorinde

Tsamba yaPauro ine mashoko akafemerwa panyaya yekubatana, kuzvibata, rudo, uye kutenda kuti vakafa vachamutswa.

Kusuma Bhuku ra2 VaKorinde

Jehovha, “Mwari wekunyaradza kwese,” anochengeta uye anosimbisa vashumiri vake.

Kusuma Bhuku raVaGaratiya

Tsamba yakanyorerwa vaGaratiya ichiri kushanda semashandiro ayaingoita panguva yayakanyorwa. Inobatsira vaKristu vechokwadi kuti varambe vakavimbika.

Kusuma Bhuku raVaEfeso

Tsamba iyi yakafemerwa inoratidza chinangwa chaMwari chekuti pave nerugare uye kubatana pachishandiswa Jesu Kristu.

Kusuma Bhuku raVaFiripi

Kana tikaramba tiine kutenda kwakasimba patinosangana nemiedzo, tichakwanisawo kukurudzira vamwe kuti vave nekutenda kwakasimba.

Kusuma Bhuku raVaKorose

Tinofadza Jehovha kana tikashandisa zvatinodzidza, tikaregerera vamwe nemwoyo wese, uye kana tikaremekedza chinzvimbo chaJesu.

Kusuma Bhuku ra1 VaTesaronika

Tinoda kungwarira zvinhu zvinogona kuparadza kutenda kwedu, ‘kuva nechokwadi nezvinhu zvese,’ kuramba tichinyengetera, uye kukurudzirana.

Kusuma Bhuku ra2 VaTesaronika

Pauro anogadzirisa mafungiro aiita vanhu nezvekuuya kwezuva raJehovha uye anokurudzira hama kuti dzimire dzakasimba mukutenda.

Kusuma Bhuku ra1 Timoti

Muapostora Pauro akanyora tsamba ya1 Timoti achitaura urongwa hunofanira kutevedzerwa muungano uye achiyambira vanhu nezvedzidziso dzenhema nekuda mari.

Kusuma Bhuku ra2 Timoti

Pauro anokurudzira Timoti kuti aite ushumiri hwake zvizere.

Kusuma Bhuku raTito

Tsamba yakanyorerwa Tito naPauro inotaura nezvezvinhu zvaida kugadziriswa muungano dzekuKrete uye zvinodiwa neMagwaro kuti varume vakodzere kugadzwa sevakuru.

Kusuma Bhuku raFirimoni

Tsamba iyi ipfupi asi ine mazano anobatsira panyaya yekuzvininipisa, kuva nemutsa uye kuregerera.

Kusuma Bhuku raJakobho

Jakobho aishandisa mifananidzo yakajeka kuti adzidzise chokwadi chinokosha pakurarama kwevaKristu.

Kusuma Bhuku ra1 Petro

Tsamba yekutanga yaPetro inotikurudzira kuti tigare tichishumira Mwari uye kuti tikande zvese zvinotidya mwoyo kwaari.

Kusuma Bhuku ra2 Petro

Tsamba yechipiri yaPetro inotikurudzira kuti tirambe takatendeka sezvo tiri kumirira matenga matsva nenyika itsva.

Kusuma Bhuku ra1 Johani

Tsamba yaJohani inotinyevera nezvemunhu anopesana naKristu uye inotibatsira kuona zvatinofanira kuda nezvatinofanira kuvenga.

Kusuma Bhuku ra2 Johani

Tsamba yechipiri yaJohani inotiyeuchidza kuramba tichifamba muchokwadi uye kuzvidzivirira pavanyengeri.

Kusuma Bhuku ra3 Johani

Tsamba yaJohani yechitatu inotidzidzisa chichidzo chakanaka nezvekugamuchira vaeni.

Kusuma Bhuku raJudha

Judha anofumura nzira dzeunyengeri dzinoshandiswa nevanhu kupinza dzidziso dzenhema muungano.

Kusuma Bhuku raZvakazarurwa

Zviratidzo zvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa zvinoratidza zvichaitwa neUmambo hwaMwari pakuzadzisa chinangwa chake paakasika vanhu.