Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Bhuku rino rakanyorerwa kuti rikubatsire kuvandudza unyanzvi hwako hwekuverengera vanhu uye hwekutaura nekudzidzisa.
Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
Tinodzidzisa mashoko akanaka kupfuura ese.
CHIDZIDZO 2
Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri
Kuita seuri kutaurirana nevateereri kunoita kuti vasununguke uye vade kuteerera zvauri kutaura.
CHIDZIDZO 3
Kubvunza Mibvunzo
Bvunza mibvunzo yakanaka kuti vanhu vade kunzwa uye kuti usimbise pfungwa huru.
CHIDZIDZO 4
Kusuma Magwaro Zvakanaka
Funga kuti ungaitei kuti vateereri vade kunzwa usati waverenga rugwaro.
CHIDZIDZO 5
Kuverenga Nemazvo
Kuverenga nemazvo kunokosha chaizvo pakupa vanhu ruzivo runobva kuna Jehovha.
CHIDZIDZO 6
Kuratidza Kushanda Kunoita Rugwaro
Batsira vateereri kuti vaone kuti rugwaro rwawaverenga ruri kubatana sei nepfungwa yauri kutaura.
CHIDZIDZO 7
Mashoko Akarurama Uye Ane Umboo
Mashoko akarurama uye ane umboo anoita kuti vateereri vasvike pamhedziso yakarurama.
CHIDZIDZO 8
Mienzaniso Inodzidzisa
Vandudza madzidzisiro ako kuburikidza nekushandisa mienzaniso iri nyore uye inosvika pamwoyo yevateereri, ichidzidzisa pfungwa dzinokosha.
CHIDZIDZO 9
Kushandisa Zvakanaka Zvinhu Zvinooneka
Shandisa zvinhu zvinooneka kuti ubatsire vateereri kuti vayeuke zvinhu kwenguva refu.
CHIDZIDZO 10
Kusiyanisa Inzwi
Kurumidza uye nonoka kutaura, koresa uye tetepesa inzwi, uye siyanisa kusimba kwenzwi rako kuti usvike pamwoyo yevateereri, uye kuti uvabatsire kuita zvavanenge vadzidza.
CHIDZIDZO 11
Kutaura Nechido
Kutaura nechido kunoratidza manzwiro auri kuita uye kunoita kuti vanhu varambe vachida kuteerera.
CHIDZIDZO 12
Kufarira Vanhu Nekuvanzwira Tsitsi
Kana ukataura zvichibva pamwoyo, unoratidza vateereri vako kuti unovada.
CHIDZIDZO 13
Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
Batsira vateereri kuti vaone kuti nyaya yako inovabatsira sei, uye varatidze zvavanofanira kuita nezvavadzidza.
CHIDZIDZO 14
Kusimbisa Pfungwa Huru
Ita kuti vateereri vafambe newe, uye jekesa kuti pfungwa huru imwe neimwe inoenderana papi nechinangwa chehurukuro nemusoro wayo.
CHIDZIDZO 15
Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura
Ratidza kuti une chokwadi nezvauri kutaura. Ratidza kuti unotenda zvakasimba kuti zvauri kutaura zvinokosha.
CHIDZIDZO 16
Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka
Kurudzira pane kutsoropodza. Taura chokwadi chiri muShoko raMwari chinozorodza.
CHIDZIDZO 17
Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu
Batsira vateereri kuti vanzwisise zvauri kutsanangura. Taura pfungwa huru zvakajeka.
CHIDZIDZO 18
Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
Ita kuti vafunge uye ngavasare vachiona kuti vadzidza chimwe chinhu chinokosha.
CHIDZIDZO 20
Mhedziso Yakanaka
Mhedziso yakanaka inobatsira vateereri kuti vabvume uye kuti vaite zvavadzidza.
Maka Chidzidzo Chaunenge Waita
Nyora misi yaunenge waita chidzidzo sezvaunenge uchishanda kuti uvandudze unyanzvi hwako hwekuverenga nekudzidzisa.
Zvimwe Zvaunogona Kufarira
MAVHIDHIYO ANOTEVEDZANA
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa—Mavhidhiyo
Zvaungaita kuti uve neunyanzvi hwekuverenga uye kudzidzisa.