Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014

Verenga zvakaitika kuSierra Leone neGuinea, uye nakidzwa nezvakaitika pasi rose zvinokurudzira.

Rugwaro Rwegore rwa2014

Rugwaro rwedu rwegore rwa2014 rwunoti, “Umambo Hwenyu Ngahuuye.”—Mateu 6:10

Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Uchakurudzirwa netsamba inosimbisa pakunamata inobva kuDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha.

Sangano Riri Kufamba

Kutungamirira kuri kuita Jehovha kunonyatsooneka pakutamiswa kwemahofisi makuru enyika yose kubva muNew York City.

JW.ORG—“Uchapupu Kumarudzi Ose”

Nzvimbo yedu yokubudisira mashoko iri kubatsira pakusvitsa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari “kumarudzi ose.”

Vanoonga Watchtower RAIBHURARI YEPAINDANETI

Vanhu vanoshandisa raibhurari iyi inobatsira zvikuru pakutsvakurudza nezveBhaibheri vanotumira tsamba dzokuonga.

Mavhidhiyo Akaita Semakatuni Anobata-bata Mwoyo Yakarurama

Ona kubatsirwa kuri kuitwa vana uye mhuri pasi rose nemavhidhiyo aya.

Kutenderera Uchiona Zvinhu Zvave Zvichiitika

Verenga pfupikiso inokwezva inotaura nezvenzvimbo ichangobva kuvhurwa ine zviratidzwa zvinewo nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha uye nguva yakaitika zvinhu munhoroondo yechiKristu.

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Mishumo iyi yenyaya dzemumatare inobva munyika 12 inoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvichiri kutarisana nenyaya dzakawanda dzine chokuita nerusununguko rwokunamata.

Nyaya Dzinofadza Dzakaitika Kwakasiyana-siyana

Zvapupu zvaJehovha zvinoshanda nesimba kuti zvivake nzvimbo dzokunamatira dzakanaka uye zvipinde misangano inoitirwa ipapo.

Kutsaurirwa Kwemapazi

Nakidzwa nezvimwe zvakaitika pazviitiko izvi zvaifadza zvemunyika dzakasiyana-siyana.

Africa

Vanhu vomuAfrica vari kugamuchira chokwadi cheBhaibheri, uye chiri kuchinja upenyu hwavo zvikuru. Verenga nezvemumwe munhu aimbova chidhakwa aisvuta midzanga 60 zuva nezuva.

Nyika dzekuAmerica

Zvakaitika zvinotevera zvinoratidza kuti kuitira vanhu mabasa anovabatsira, uye kuvaudzawo chokwadi cheBhaibheri pasinei nokupikiswa, kunogona kuva nezvibereko zvakanaka.

Nyika dzokuAsia neMiddle East

Kuramba tichiedza zvose zvatinogona mubasa rokuparidza kune mubayiro. Funga zvakaitwa pakubatsira mumwe murume asingaoni, asinganzwi uye asingatauri kuti anzwisise kuti Mwari ane hanya naye.

Europe

Maonero asina kunaka anogona kukonzerwa nemashoko asiri echokwadi. Ona kuti chirongwa cheparedhiyo chakachinja sei maonerwo aiitwa Zvapupu zvaJehovha.

Oceania

Kunyora tsamba ndeimwe nzira iri kushandiswa pakuparadzira chokwadi cheBhaibheri muChristchurch, kuNew Zealand. Nei vamwe vachidana tsamba idzi kuti “Tsamba dzinobva kuna Mwari?”

Zvakaita Sierra Leone neGuinea

Dzidza zvakawanda nezvenyika idzi, vanhu veko, zvitendero uye mitauro.

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 1)

Muna 1915, mushumiri waJehovha wokutanga ainge akabhabhatidzwa akasvika muFreetown. Vakawanda vaifarira Bhaibheri.

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 2)

Vafundisi vakanga varonga kuita kuti vanhu vaMwari vanyarare, asi Jehovha akanga ‘aita kuti mabasa avo akaipa avadzokere.’

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 3)

Ungano yeFreetown yaka“batikana kwazvo nokuparidza shoko.”

“Pasati Papera Gore Uchange Wafa”

Kaviri pavhiki Zachaeus Martyn aifamba makiromita masere, achikwira nokudzika gomo, kuti anopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Chii chakaita kuti ave nechokwadi chokuti ainge awana chokwadi cheBhaibheri?

Vaimushevedza Kuti “Bible” Brown

William R. Brown akaparidzira muCaribbean Islands yose uye muWest Africa. Dzidza kuti nei aiona sokuti aiva neimwe yeropafadzo dzakakura pane dzose dzingawanikwa nomunhu.

1945-1990 ‘Kuita kuti Vazhinji Vave Vakarurama’—Dhan. 12:3. (Chikamu 1)

Basa rokuparidza raizoitwa nevakawanda. Mamishinari akatumwa kuti akurudzire basa.

Vaida Kuriona

Muna 1956, firimu rinonzi The New World Society in Action rakaratidzwa muFreetown Sierra Leone. Pane vaizombouya kuzoriona here?

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 2)

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru muSierra Leone neGuinea sevanhu vanokudza wanano.

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 3)

Nei vezvematongerwo enyika vePoro vakaendesa chikumbiro kuParamende chekurambidza basa reZvapupu zvaJehovha?

Mapoka Epachivande

Mapoka epachivande akawanda kuWest Africa anoitei paupenyu hwevarume nevakadzi?

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 4)

Kuti dzibatsire vamwe kufambira mberi mune zvokunamata, ungano dzaiita makirasi ekudzidza kuverenga nokunyora. Vanhu vakawanda zvavakadzidza kuverenga, kukosha kwekuti zvinyorwa zvishandurwe kwakawedzera.

Bheji Ndiro Raiva “Pasipoti” Yavo

Vanhu vainge vasina magwaro okufambisa akakodzera, kana kuti pasipoti, vaipfuura sei pabhodha vachipinda muGuinea kuti vanopinda gungano?

Jehovha Akandisimudza

Jay Campbell, akaremadzwa neporiyo, aida kupinda chidzidzo cheBhaibheri cheUngano. Akati aizoenda ikoko achifamba nezvimapuranga zvake zvokufambisa. Akakwanisa kuita kudaro here?

1991-2001 ‘Vira Rokutambudzika’—Isa. 48:10 (Chikamu 1)

Pasinei nehondo, zvinhu zvekuyamura uye nyaradzo inobva kuna Mwari zvakapiwa kuZvapupu nevamwewo vanhu. Chii chakavabatsira kuratidza simba neushingi?

1991-2001 ‘Vira Rokutambudzika’—Isa. 48:10 (Chikamu 2)

Hondo payaitsviriridza, Zvapupu zvaJehovha ‘zvakaramba zvichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka zvisingaregi.’

Piyona Wenguva Dzose Aimbova Musoja Achiri Mudiki

Musoja wechidiki wevapanduki aiyeuka kugamuchirwa neushamwari kwaakaitwa paakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha. Chii chakaita kuti achinje mararamiro ake?

Takapukunyuka Pamasoja Evapanduki

Vanhu pavaiurayana vachiita mhirizhonga muPendembu, nei Zvapupu zvakati kuti zvisina kuurayiwa pakatanga hondo muna 1991?

Murume weWatchtower

Mumwe weZvapupu zvaJehovha aiita basa rekutakura zvinhu munguva yehondo. Aikwanisa sei kutakura tsamba nezvinhu kubva kuFreetown achienda nazvo kuConakry, kuGuinea?

Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi

Tamba Josiah aishanda mumigodhi yemadhayamondi asati ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nei achiona sokuti akawana chimwe chinhu chiri nani pane madhayamondi?

2002-2013 Zvakaitika Munguva Ichangobva Kupfuura (Chikamu 1)

Hondo yevagari vemo yapera, ungano dzakaumbwa, Dzimba dzoUmambo dzakavakwa, uye mapiyona chaiwo akaendeswa kwaiva neZvapupu zvishoma.

2002-2013 Zvakaitika Munguva Ichangobva Kupfuura (Chikamu 2)

Nhasi, Zvapupu zvaJehovha munyika mbiri idzi zvine chokwadi chokuti vamwe vanhu vakawanda vachateerera mashoko akanaka oUmambo vova Zvapupu.

Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha

Phillip Tengbeh nomudzimai wake vakatiza kuti vapone masoja evapanduki paairwisa dhorobha ravaigara reKoindu. Vakabatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo shanu pavaigara mumisasa yevapoteri.

Ndakada Sierra Leone

Cindy McIntire akashumira semumishinari muAfrica kubva muna 1992. Anotaura kuti nei achinyanya kunakidzwa nokuparidza muSierra Leone.

Makore Zana Apfuura—1914

1914, gore raiziviswa neVadzidzi veBhaibheri rainge razosvika.