Enda pane zvauri kuda

Tevedzera Kutenda Kwavo—Varume Nevakadzi Vanotaurwa muBhaibheri

Nyaya idzi dzinotibatsira kuti tinyatsoziva varume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri vakaratidza kutenda kunoshamisa. a Kutenda kwakaratidzwa nevanhu ava kunogona kukubatsira kuti usimbise kutenda kwako, wowedzera kuswedera pedyo naMwari.

Mavhidhiyo akanzi Tevedzera Kutenda Kwavo anogona kukubatsira kuziva zvakawanda nezvevanhu ava vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri.

a Kuti ukwanise kunyatsonzwisisa nyaya idzi, pane zvimwe zvinhu zvisimo muBhaibheri zvakawedzerwa. Zvinhu izvi zvakanyatsoongororwa kuti zvionekwe kuti zvinoenderana nenyaya yacho yemuBhaibheri here uyewo nezvakawanikwa pakuongorora nyaya dzakaitika kare.

Kubva Pakasikwa Denga Nenyika Kusvika Pakaita Mafashamo

Abheri​—“Kunyange Zvazvo Iye Akafa, Achiri Kutaura”

Chii chatingadzidza nezvaAbheri nokutenda kwake nepo pachingova nezvishomanana zvinotaurwa nezvake muBhaibheri?

Inoki: “Akanga Anyatsofadza Mwari”

Kana uine mhuri yauri kuriritira kana kuti uchiomerwa nekuita zvinhu zvakanaka, uchabatsirwa nekuverenga nyaya yaInoki, murume aiva nekutenda.

Noa “Akafamba naMwari Wechokwadi”

Noa nemudzimai wake vakasangana nematambudziko api pakurera vana vavo? Vakaratidza sei kutenda pakuvaka areka?

Noa ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’

Noa nemhuri yake vakapukunyuka sei panguva yakanga yakaomera vanhu zvikuru?

Kubva Pamafashamo Kusvika Pakabuda vaIsraeri muIjipiti

Abrahamu​—“Baba Vevaya Vose Vanotenda”

Abrahamu akaratidza sei kutenda? Ungada kutevedzera kutenda kwaAbrahamu munzira dzipi?

Sara: ‘Uri Mukadzi Akanaka Chaizvo’

Vashandi vamambo Farao vakaona runako rwaiva naSara. Zvakazoitika zvinogona kukushamisa.

Mwari Akamuti “Mwanasikana Wamambo”

Nemhaka yei Sara akachinjwa zita rake?

Ribheka: “Ndinoda Kuenda”

Kunze kwekutenda kwaaiva nako, Ribheka aivawo neunhu hwakanaka.

“Ndapota, Teererai Hope Idzi”

Matambudziko aiva mumhuri yaJosefa anopa chidzidzo chinokosha kune vari mumhuri dzekurera.

“Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”

Josefa akaramba sei kuita zvaidiwa nemudzimai waPotifari ainge akatsunga kumunyengera?

“Kududzira Hakusi kwaMwari Here?”

Chii chakaita kuti Josefa adudzire akashinga hope dzemukuru wevadiri veIjipiti, dzemukuru wevabiki uye dzaFarao? Zvakaitika sei kuti Josefa abude mujeri achienda mumuzinda wamambo muzuva rimwe chete?

‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?’

Mhuri yenyu yakambovengana here, kana kutadza kuwirirana, kuva negodo, kana kuti kutadza kuvimbana? Kana izvi zvakamboitika, nyaya iri muBhaibheri yaJosefa inogona kukubatsira.

“Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”

Nyaya yemuBhaibheri yaJobho inogona kutibatsira patinosangana nematambudziko kana mimwe miedzo yekutenda.

Jobho—Jehovha Akanyaradza Marwadzo Ake

Kana tikatevedzera kutenda kwaJobho tichaita kuti Satani arwadziwe uye tichaita kuti Jehovha uyo anotida, afare zvikuru!

Miriyemu—“Imbirai Jehovha”!

Mwari akaita kuti muprofitakadzi Miriyemu atungamirire vakadzi vechiIsraeri kuimba paGungwa Dzvuku. Zvaakaita muupenyu hwake zvinotidzidzisa kuva neushingi, kutenda, uye kuzvininipisa.

Kubva Pakabuda vaIsraeri muIjipiti Kusvika Pana Mambo Wekutanga wevaIsraeri

Rakabhi Akanzi “Akarurama Nemabasa”

Nyaya yaRakabhi inoratidza sei kuti munhu wese anokosha kuna Jehovha? Tingadzidzei pakutenda kwaRakabhi?

‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’

Nyaya iri muBhaibheri inotaura nezvaDhibhora inotidzidzisei nezvekutenda uye kushinga?

Rute​—“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”

Nei Rute ainge akagadzirira kusiya hama dzake nenyika yake? Unhu hupi hwaakaratidza hwakaita kuti adiwe naJehovha?

Rute​—“Mukadzi Akanaka Kwazvo”

Nei wanano yaRute naBhoazi ichikosha? Tingadzidzei kuna Rute naNaomi nezvemhuri?

Hana Akadurura Mwoyo Wake Kuna Mwari Mumunyengetero

Kutenda kwaHana muna Jehovha kwakamubatsira kuti atsungirire mamiriro ezvinhu aiita seasingatsungiririki.

Samueri “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”

Makurire akaita Samueri akanga akasiyana neevamwe vana pakudini? Chii chakaita kuti kutenda kwake kukure paaiva patebhenekeri?

Samueri Akatsungirira Pasinei Nezvinhu Zvaiodza Mwoyo

Tose zvedu tinotarisana nenhamo uye zvinhu zvinoodza mwoyo zvinoedza kutenda kwedu. Kutsungirira kwaSamueri kunotidzidzisei?

Kubva Pana Mambo Wekutanga wevaIsraeri Kusvika Pakazvarwa Jesu

Jonatani—“Hapana Chinotadzisa Jehovha”

Jonatani nemutakuri wake wezvombo vakarwisa boka revarwi vakawanda, uye zvakaitika zvakashamisa vakawanda.

“Kurwa ndokwaJehovha”

Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti akunde Goriyati? Nyaya yaDhavhidhi inotidzidzisei?

Dhavhidhi naJonatani—Vaiwirirana Chaizvo

Vanhu vaiva neupenyu hwakasiyana uye vaiva vemazera akasiyana vakasvika sei pakuwirirana? Zvakaitika kwavari zvinogona sei kukubatsirawo pakutsvaga shamwari?

Abhigairi Akaratidza Kungwara

Tingadzidzei kubva pamamiriro ezvinhu ewanano yaAbhigairi ainge akaoma?

Eriya Akatsigira Kunamata Kwakachena

Tingatevedzera sei Eriya patinenge tichitaura nevaya vasingabvumirani nezvinodzidziswa neBhaibheri?

Eriya Akarinda, Uye Akamirira

Eriya akaratidza sei kuti aiva munhu aigara achinyengetera paaimirira kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa?

Eriya Akanyaradzwa naMwari Wake

Zviitiko zvipi zvakaita kuti Eriya aore mwoyo zvikuru, zvokutosvika pakukumbira kuti afe?

Eriya Akatsungirira Zvinhu Zvakaipa

Wakamboitirwa zvakaipa here? Une chido chokuona Mwari achigadzirisa zvinhu here? Ona kuti ungatevedzera sei Eriya akanga akatendeka.

Eriya—Akatsungirira Kusvikira Pamugumo

Muenzaniso waEriya wekutenda uye kutsungirira unotibatsira kuti tisimbise kutenda kwedu pazvinenge zvakaoma.

Jona Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake

Ungasiririswa here nokutya kwaiita Jona kubvuma basa raainge apiwa? Nyaya yake inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha nezvemwoyo murefu uye ngoni dzaJehovha.

Jona Akadzidza Kuva Nengoni

Nyaya yaJona ingatibatsira sei kuti tizviongorore nokutendeseka?

Akadzivirira Vanhu vaMwari

Zvinoda kutenda uye ushingi kuti munhu aratidze rudo rwekuzvipira sezvakaita Esteri.

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

Esteri akaratidza sei kuzvipira achiitira Jehovha nevanhu vake?

Kubva Pakazvarwa Jesu Kusvika Pakafa Vaapostora

Mariya​—“Tarirai! Murandasikana waJehovha!”

Kupindura kunoita Mariya ngirozi Gabrieri kunoratidzei nezvokutenda kwake? Mariya akaratidza humwe unhu hupi hunokosha?

Mariya ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’

Zvakaitika kuna Mariya muBhetrehema zvakasimbisa kutenda kwake muzvipikirwa zvaJehovha.

Mariya Akatsungirira Kushungurudzika

Muenzaniso waMariya, amai vaJesu unogona kukubatsira kana uchitarisana ne“bakatwa refu” rokushungurudzika.

Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake

Josefa akadzivirira sei mhuri yake? Nei akaenda naMariya naJesu kuIjipiti?

Marita​—“Ndakatenda”

Marita akaratidza sei kutenda kunoshamisa kunyange panguva yaaishungurudzika?

Mariya Magadharini—“Ndaona Ishe!”

Mukadzi akatendeka Mariya Magadharini ndiye aiva mudzidzi wekutanga kuona Jesu amutswa. Akapiwa ropafadzo yekuudza vamwe mashoko aya akanaka.

Petro Akarwisana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi

Kusava nechokwadi kunogona kuva simba rinoparadza. Asi Petro akakurira kutya uye kusava nechokwadi kwaaiita pakutevera Jesu.

Petro Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo

Kutenda kwaPetro kwakamubatsira sei kuti abvume kururamiswa naJesu?

Petro Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi

Jesu akadzidzisei Petro nezvekukanganwira? Jesu akaratidza sei kuti ainge akanganwira Petro?

“Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”

Chii chakabatsira Timoti uyo ainyara paaiva muduku kuti azova mutariri wechiKristu anoshingaira?