Dhanieri 8:1-27

  • Chiratidzo chegondohwe nenhongo (1-14)

    • Nyanga diki inozvikwidziridza (9-12)

    • Kusvikira papera manheru nemangwanani 2 300 (14)

  • Gabrieri anodudzira chiratidzo chacho (15-27)

    • Kududzirwa kwegondohwe nenhongo (20, 21)

    • Mambo anotyisa kutarisa anomuka (23-25)

8  Mugore rechitatu rekutonga kwaMambo Bheshazari,+ ini Dhanieri, ndine zvandakaratidzwa, pashure pezviya zvandakanga ndamboratidzwa.+  Ndakaona chiratidzo chacho, uye pandakanga ndakatarisa, ndaiva munhare* yeShushani,*+ iri mudunhu reEramu;+ ndakaona chiratidzo chacho, uye ndaiva pedyo nerwizi rwaUrai.  Pandakatarisa, ndakaona gondohwe*+ rakanga rakamira pedyo nerwizi rwacho, uye raiva nenyanga mbiri.+ Nyanga dzacho mbiri dzakanga dziri refu, asi imwe yacho yakanga yakareba kupfuura imwe, uye refu yacho ndiyo yakapedzisira kubuda.+  Ndakaona gondohwe racho richitunga kumavirira nekuchamhembe nekumaodzanyemba, uye hapana mhuka yaimira pamberi paro, uye hapana aigona kununura vamwe pasimba raro.+ Raiita chero zvarada uye rakazvikwidziridza.  Pandakaramba ndakatarisa, ndakaona nhongo+ yakanga ichiuya ichibva kumavirira ichifamba panyika pese isingatsiki pasi. Pakati pemaziso embudzi yacho paiva nenyanga yainyatsooneka.+  Yakanga ichiuya kugondohwe raiva nenyanga mbiri, randakanga ndaona rakamira pedyo nerwizi; yaimhanyira kwariri yakashatirwa kwazvo.  Ndakaiona ichienda pedyo negondohwe racho, uye yakanga yakaritsamwira chaizvo. Yakatunga gondohwe racho, ikatyora nyanga dzaro mbiri, uye gondohwe racho rakashaya simba rekuirwisa. Yakadonhedzera gondohwe racho pasi, ikaritsika-tsika, uye rakashaya anorinunura pasimba rayo.  Nhongo yacho yakabva yazvikwidziridza kwazvo, asi payakangova nesimba, nyanga yayo huru yakatyoka; uye panzvimbo payo pakabva pabuda nyanga ina dzainyatsooneka, idzo dzainge dzakatarisa kumhepo ina dzekudenga.+  Pakabuda imwe nyanga diki ichibva pane imwe yenyanga dzacho, ikakura kwazvo ichienda kumaodzanyemba nekumabvazuva nekunyika Inoshongedza.*+ 10  Yakaramba ichikura ikasvika kuuto rekudenga, ikaita kuti rimwe uto racho nedzimwe nyeredzi zviwire pasi, ikazvitsika-tsika. 11  Yakatozvikwidziridza pamberi peMuchinda weuto. Muchinda wacho akatorerwa chibayiro chinogara chichipiwa, uye nzvimbo yake tsvene isingachinji yakaputswa.+ 12  Uto nechibayiro chinogara chichipiwa zvakaiswa mumaoko ayo nemhaka yekutadza; uye yakaramba ichikanda chokwadi pasi, ikaita zvayaida, ikabudirira. 13  Zvino ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, uye mumwe mutsvene akati kune uya akanga achitaura: “Chiratidzo chechibayiro chinogara chichipiwa nechekutadza kunokonzera kuparadzwa chicharamba chiripo kusvikira riini,+ nzvimbo tsvene neuto zvichingotsikwa-tsikwa?” 14  Akabva ati kwandiri: “Kusvikira papera manheru nemangwanani 2 300.* Nzvimbo tsvene ichabva yanaka sezvayakanga iri pakutanga.” 15  Zvino ini Dhanieri pandakanga ndichiona chiratidzo chacho uye ndichitsvaga kuchinzwisisa, pane wandakabva ndangoona akamira pamberi pangu, aiita semunhu. 16  Ndakabva ndanzwa inzwi remunhu aiva pakati perwizi rwaUrai,+ uye akashevedzera achiti: “Gabrieri,+ ita kuti munhu uyo anzwisise zvaaona.”+ 17  Saka akauya pedyo nepandakanga ndakamira, asi paakasvika ndakatya zvekuti ndakapfugama ndikadzikisa musoro wangu. Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ziva kuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yekuguma.”+ 18  Asi paaitaura neni, ndakabatwa nehope chiso changu chakatarisa pasi. Saka akandibata, akaita kuti ndimire pandainge ndakambomira.+ 19  Akabva ati kwandiri: “Ndava kukuzivisa zvichaitika pachange pava kunoguma nguva yekutsamwa, nekuti zvinhu izvi ndezvenguva yakasarudzwa yekuguma.+ 20  “Gondohwe rine nyanga mbiri rawaona rinomiririra madzimambo eMedhiya nePezhiya.+ 21  Nhongo ine mvere inomiririra mambo weGirisi;+ uye nyanga huru yaiva pakati pemaziso ayo inomiririra mambo wekutanga.+ 22  Kana iri nyanga yakatyoka, panzvimbo payo pachibva pabuda dzimwe ina,+ muumambo hwake muchabuda umambo huna, asi husina simba rakaita serake. 23  “Umambo hwavo pahunenge hwava kunoguma, vatadzi pavanenge vanyanyisa kutadza, pachamuka mambo anotyisa kutarisa, anonzwisisa mashoko akaoma.* 24  Achasvika pakuva nesimba guru, asi zvisingaitwi nesimba rake. Achaparadza nenzira inoshamisa,* uye achabudirira pane zvese zvaanoita. Achaparadza vane simba, nevanhu vatsvene.+ 25  Zvaaine manomano, achanyengera vanhu kuti abudirire; achazvitutumadza mumwoyo make, uye vanhu pavanenge vagere zvakanaka iye achaparadza vakawanda.* Achatosimuka kuti arwise Muchinda wemachinda, asi achaparadzwa zvisingaitwi neruoko rwemunhu. 26  “Zvakataurwa muchiratidzo nezvemanheru nemangwanani ndezvechokwadi, asi unofanira kuchengeta chiratidzo chacho chakavanzika, nekuti chiri kutaura nezvenguva ichasvika papera mazuva mazhinji kubva iye zvino.”*+ 27  Asi ini, Dhanieri, ndakarukutika uye ndakaita mazuva ndichirwara.+ Ndakazomuka, ndikaita basa ramambo;+ asi ndakanga ndavhundutswa nechiratidzo chandakanga ndaona, uye hapana kana aichinzwisisa.+

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “yeSusa.”
Kureva, mukono wehwai.
Kana kuti “Yerunako.”
Kana kuti “mazuva 2 300.”
Kana kuti “ane unyanzvi hwekunyengera.”
Kana kuti “Achaparadza zvinotyisa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye achaparadza vanhu vakawanda asina kumbovayambira.”
Kana kuti “panguva iri kure chaizvo kubva pari zvino.”