Zekariya 9:1-17

  • Mitongo yaMwari pamarudzi ari pedyo (1-8)

  • Kuuya kwamambo weZiyoni (9, 10)

    • Mambo anotasva dhongi uye anozvininipisa (9)

  • Vanhu vaJehovha vachasunungurwa (11-17)

9  Mutongo: “Jehovha ane shoko rekutonga nyika yeHadraki,Uye paDhamasiko ndipo parakananga,+Nekuti ziso raJehovha riri pavanhu+Nepamadzinza ese aIsraeri.   Shoko rake nderekutongawo Hamati+ yayakaganhurana nayo,Uye Tire+ neSidhoni,+ nekuti dzakachenjera chaizvo.+   Tire yakazvivakira rusvingo runodzivirira. Yakaunganidza sirivha sevhuUye goridhe sevhu remumigwagwa.+   Jehovha achaitorera zvinhu zvayo,Uye achauraya uto rayo orinyudza mugungwa;*+Ichapiswa nemoto.+   Ashkeroni ichazviona yotya;Gaza icharwadziwa chaizvo,Uye Ekroni icharwadziwawo nekuti uya wayaivimba naye anyadziswa. Mambo achaparara muGaza,Uye Ashkeroni haizogarwi.+   Mwanakomana asiri wepamutemo achagara muAshdhodhi,Uye ndichabvisa kuzvikudza kunoita muFiristiya.+   Ndichabudisa zvinhu zvine ropa zviri mukanwa makeNezvinhu zvinosemesa zvaakaruma nemazino ake,Uye iye achasara kuti ave waMwari wedu;Achaita saishe munyika yeJudha,+Uye vanhu vekuEkroni vachaita sevaJebhusi.+   Ndichadzika tende rekuti ndirinde imba yangu,+Kuti pasava neanopfuura nepo kana anodzoka nepo;Uye hapana mukuru webasa* achapfuura nepo zvakare,+Nekuti iye zvino ndazviona* nemaziso angu.   Pembera nemufaro, iwe mwanasikana weZiyoni. Shevedzera nemufaro wekukunda, iwe mwanasikana weJerusarema. Ona! Mambo wako ari kuuya kwauri.+ Akarurama uye ari kuunza ruponeso,*Anozvininipisa+ uye akatasva dhongi,Akatasva dhongi diki,* iye mwana wedhongi.+ 10  Ndichabvisa ngoro dzehondo dziri kwaEfremuNemabhiza ari muJerusarema. Uta hwehondo huchabviswa. Achazivisa marudzi nezverugare;+Utongi hwake huchabvira kugungwa kusvikira kugungwaUye kubvira kuRwizi* kusvikira kumigumo yenyika.+ 11  Asi iwe mukadzi, ndichabudisa vanhu vako vakasungwa mugomba risina mvuraNdichishandisa ropa resungano yako.+ 12  Dzokai kunhare* imi vasungwa vane tariro.+ Nhasi ndiri kukuudza kuti,‘Ndichakupa migove miviri iwe mukadzi.+ 13  Nekuti ndichakombamisa Judha seuta hwangu. Ndichaisa Efremu pauta,*Uye ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni,Kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi,Uye ndichaita kuti uite sebakatwa remurwi ane simba.’ 14  Jehovha achaonekwa ari pamusoro pavo,Uye museve wake uchaenda semheni. Changamire Ishe Jehovha acharidza hwamanda,+Uye achaenda kunorwisa nemadutu ekumaodzanyemba. 15  Jehovha wemauto achavarwira,Uye vachaparadza zvipfuramabwe voita kuti zvishaye basa.+ Vachanwa voshevedzera nemufaro sevanhu vanwa waini;Uye vachaita sendiro yazadzwa,Semakona eatari ati chakwata.+ 16  Zuva iroro, Jehovha Mwari wavo achavaponesaSezvinoita mufudzi ari kununura makwai ake;+Nekuti vachaita sematombo anoshongedza korona ari kupenya munyika yake.+ 17  Nekuti akanaka kwazvo,+Uye runako rwake runonwisa mvura! Zvekudya zvichaita kuti majaya akure,Uye waini itsva ichaita kuti mhandara dzikure.”+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “uto rayo mugungwa.”
Kana kuti “mudzvinyiriri.”
Zvinoratidza sekuti ari kureva kutambura kwevanhu vake.
Kana kuti “mukono wedhongi uchiri mudiki.”
Kana kuti “uye anokunda; uye akaponeswa.”
Kureva, Yufratesi.
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kureva kuti sezvinoitwa museve.