Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 17

Jesu Anodzidzisa Pamusoro poUmambo hwaMwari

Jesu Anodzidzisa Pamusoro poUmambo hwaMwari

Jesu anodzidzisa vadzidzi vake zvinhu zvakawanda, asi Umambo hwaMwari ndihwo dingindira guru rezvaanodzidzisa

JESU akavingei panyika? Iye pachake akati: ‘Ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nokuti ndakatumirwa izvozvi.’ (Ruka 4:43) Ona zvinhu zvina zvakadzidziswa naJesu nezveUmambo ihwohwo, dingindira guru rezvaaiparidza.

1. Jesu aizova Mambo akasarudzwa. Jesu akataura pachena kuti akanga ari Mesiya akafanotaurwa. (Johani 4:25, 26) Akaratidzawo kuti ndiye aiva Mambo akanga aonekwa nomuprofita Dhanieri mune zvaakaratidzwa. Jesu akaudza vaapostora vake kuti rimwe zuva aizogara ‘pachigaro choumambo chinobwinya’ uye kuti ivo vaizogarawo pazvigaro zvoumambo. (Mateu 19:28) Akati boka iroro revatongi raiva “boka duku,” uye akataurawo kuti aiva ne“mamwe makwai,” akanga asiri eboka iroro.Ruka 12:32; Johani 10:16.

2. Umambo hwaMwari hwaizosimudzira kururamisira kwechokwadi. Jesu akaratidza kuti Umambo hwacho hwaizobvisa kusaruramisira kwose nokutsvenesa zita raJehovha Mwari uye kubvisa kuzvidzwa kwose kwarinoitwa naSatani kubvira pakupandukira kwakaitika muEdheni. (Mateu 6:9, 10) Jesu akaratidzawo kuti akanga asingasaruri nokudzidzisa varume nevakadzi, vapfumi nevarombo, asingavasiyanisi. Kunyange zvazvo basa rake guru raiva rokudzidzisa vaIsraeri, akasvikawo pakubatsira vaSamariya neVemamwe Marudzi, kana kuti vanhu vakanga vasiri vaJudha. Kusiyana nevatungamiriri vezvitendero vomunguva yake, akanga asingamboratidzi kana karusarura zvako.

3. Umambo hwaMwari hwaisazova hwenyika ino. Jesu akararama panguva apo zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kugadzikana. Nyika yokumusha kwake yaitongwa neimwe nyika. Asi vanhu pavakaedza kuita kuti apindirewo mune zvematongerwo enyika zvepanguva iyoyo, akatiza. (Johani 6:14, 15) Akaudza mumwe wezvematongerwo enyika kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Akati kuvateveri vake: “Hamusi venyika.” (Johani 15:19) Akanga asingavabvumiri kushandisa zvombo zvehondo, kunyange kuti vamudzivirire.Mateu 26:51, 52.

“Akaenda . . . mumusha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.”Ruka 8:1

4. Kristu aizotonga norudo. Jesu akavimbisa kuti aizozorodza vanhu, aizovarerutsira mitoro yavo. (Mateu 11:28-30) Airarama maererano nezvaaitaura. Aipa mazano orudo, aibatsira pakukurira kuzvidya mwoyo, kuva noukama hwakanaka nevamwe, kurwisa kunyanya kuda pfuma, uye kuwana mufaro. (Mateu, zvitsauko 5-7) Vanhu vaibva mumamiriro ezvinhu ose vaiona ari munhu aitaurika naye, nokuti aiva norudo. Kunyange vaya vakanga vakadzvinyirirwa zvikuru vaidirana kwaari vaine chivimbo chokuti aizovaratidzira mutsa uye aizovaremekedza. Jesu achava Mutongi akanaka zvikuru!

Paiva neimwe nzira yaiva nesimba zvikuru yakashandiswa naJesu pakudzidzisa nezvoUmambo hwaMwari. Akaita zvishamiso zvakawanda. Nei aidaro? Ngationei.

—Kubva mubhuku raMateu, Mako, Ruka, naJohani.