Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 20

Jesu Kristu Anourayiwa

Jesu Kristu Anourayiwa

Jesu anotanga chiitiko chitsva; anotengeswa uye anorovererwa

PASHURE pemakore matatu nehafu ekuparidza nekudzidzisa, Jesu akaziva kuti upenyu hwake panyika hwakanga hwava pedyo nokuguma. Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaironga kumuuraya, asi vakatya kuti vanhu vaidavira kuti Jesu aiva muprofita vaizoita mheremhere. Panguva iyoyo, Satani akaita kuti mumwe wevaapostora 12 vaJesu, Judhasi Iskariyoti amutengese. Vatungamiriri vechitendero vakavimbisa Judhasi kuti vaizomupa masirivha 30 kana akatengesa Jesu.

Pausiku hwake hwokupedzisira, Jesu akaungana pamwe chete nevaapostora vake kuti vachengete Paseka. Pashure pokudzinga Judhasi, Jesu akatanga chiitiko chitsva, Kudya kwaShe Kwemanheru. Akatora chingwa, akanyengetera, uye akachipa kuvaapostora vake 11 vakanga vasara. Akati, “Ichi chinomirira muviri wangu uchapiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” Akaitawo izvozvo nekapu yewaini, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu.”Ruka 22:19, 20.

Jesu aiva nezvakawanda zvokutaura kuvaapostora vake usiku ihwohwo. Akavapa murayiro mutsva—wokuti varatidzirane rudo rusina udyire. Akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Akavakurudzira kuti mwoyo yavo irege kunetseka nezviitiko zvinotyisa zvakanga zvava kuda kuitika. Jesu akavanyengeterera nemwoyo wose. Vakaimba nziyo dzokurumbidza pamwe chete uye vakaenda kumunda weGetsemane usiku.

Mumunda weGetsemane, Jesu akapfugama ndokunyengetera kuna Mwari nemwoyo wose. Pasina nguva, boka guru remasoja, vapristi, nevamwe vanhu vakasvika kuti vamusunge. Judhasi akasvika ndokuvaratidza kuti Jesu ndeupi kuburikidza nokumutsvoda. Masoja paaisunga Jesu, vaapostora vakatiza.

Amire pamberi pedare repamusoro rechiJudha, Jesu akataura kuti aiva Mwanakomana waMwari. Dare racho rakati akanga aine mhosva yokumhura uye aifanira kufa. Jesu akabva aendeswa kuna Gavhuna weRoma, Pondiyo Pirato. Kunyange zvazvo akaona kuti Jesu akanga asina mhosva, akamupa kumhomho yevanhu vaishevedzera kuti aurayiwe.

Jesu akaendeswa kuGorogota, kwaakarovererwa padanda nemasoja eRoma. Kwakaitika chishamiso chokuti kuve nerima masikati machena. Masikati iwayo, Jesu akafa, uye kwakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Mutumbi wake wakaradzikwa muguva rakanga racherwa padombo guru. Zuva rakatevera, vapristi vakanama guva racho ndokuisa varindi kuti vachengetedze musuo waro. Jesu aizoramba ari muguva iroro here? Kwete. Chishamiso chikuru pane zvose chakanga chava kuda kuitika.

—Kubva pana Mateu zvitsauko 26 ne27; Mako zvitsauko 14 ne15; Ruka zvitsauko 22 ne23; Johani chitsauko 12 kusvika ku19.

^ ndima 15 Kuti uwane mashoko anotaura nezvekukosha kwechibayiro cherufu rwaJesu, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?