Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 22

Vaapostora Vanoparidza Vasingatyi

Vaapostora Vanoparidza Vasingatyi

Ungano yechiKristu inokura nokukurumidza pasinei nokutambudzwa

MAZUVA gumi pashure pokunge Jesu akwira kudenga, vadzidzi vake vanenge 120 vakaungana mune imwe imba muJerusarema panguva yeMutambo wechiJudha wePendekosti ya33 C.E. Ruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakangoerekana rwazadza imba yacho. Pakaitika chishamiso chokuti vadzidzi vakatanga kutaura nemitauro yavakanga vasingazivi. Chii chakaita kuti zviitiko izvi zvakanga zvisina kujairika zviitike? Mwari akanga apa vadzidzi vacho mudzimu mutsvene.

Panze peimba yacho paiva neboka rakakura revanhu nokuti vashanyi vakanga vauya kubva kunyika dzakawanda vachivinga mutambo wacho. Vakashamisika pavakanzwa mitauro yavo ichitaurwa nevadzidzi vaJesu vachiita zvokutsetsenura. Achitsanangura zvakanga zvaitika, Petro akataura nezvouprofita hwaJoeri hwokuti Mwari aizo“durura” mudzimu wake, uyo waizoita kuti vaya vaiugamuchira vave nezvipo zvinoshamisa. (Joeri 2:28, 29) Uchapupu uhwu hune simba hwemudzimu mutsvene hwakaita kuti zvive pachena kuti kuchinja kunokosha kwakanga kwaitika: Mwari akanga abvisa nyasha dzake pavaIsraeri dzichienda paungano yechiKristu yakanga ichangotangwa. Vaya vaida kushumira Mwari zvinogamuchirika vakanga vava kufanira kuva vateveri vaKristu.

Panguva iyi, kutambudzwa kwakawedzera uye vavengi vakaita kuti vadzidzi vaiswe mujeri. Asi hwava usiku, ngirozi yaJehovha yakavhura masuo ejeri ndokuudza vadzidzi kuti varambe vachiparidza. Kwaedza, vakaramba vachiparidza. Vakapinda mutemberi vakatanga kudzidzisa mashoko akanaka nezvaJesu. Vechitendero vaivapikisa vakatsamwa ndokuvarayira kuti varege kuparidza. Vasingatyi, vaapostora vakapindura vachiti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”Mabasa 5:28, 29.

Kutambudzwa kwakawedzera. Vamwe vaJudha vakapomera mudzidzi Stefani kuti akanga amhura uye vakamutema nematombo kusvika afa. Rimwe jaya—Sauro wekuTaso—akanga akatarisa achibvumirana nokuponda kwacho. Akabva aenda kuDhamasiko kunosunga chero munhu aitevera Kristu. Sauro paakanga achifamba mumugwagwa, chiedza chakabva kudenga chakamupenyera uye akanzwa inzwi richiti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?” Apofumadzwa nechiedza chacho, Sauro akabvunza kuti: “Ndimi ani?” Inzwi racho rakapindura kuti: “Ndini Jesu.”Mabasa 9:3-5.

Pashure pemazuva matatu, Jesu akatuma mudzidzi Ananiyasi kuti anoita kuti Sauro aone zvakare. Sauro akabhabhatidzwa uye akatanga kuparidza noushingi nezvaJesu. Sauro akazozivikanwa somuapostora Pauro uye akava nhengo inoshingaira yeungano yechiKristu.

Vadzidzi vaJesu vakanga vachizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuvaJudha nevaSamariya chete. Ngirozi yakaoneka kuna Koneriyasi, mukuru weuto reRoma aitya Mwari, ichimuudza kuti atume vanhu kunoshevedza muapostora Petro. Achiperekedzwa nevamwe, Petro akaparidzira Koneriyasi neveimba yake. Petro paaitaura, mudzimu mutsvene wakauya pane Vemamwe Marudzi ava vaitenda, uye muapostora wacho akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu. Vanhu vemarudzi ose vakanga vava nemukana wokuwana upenyu husingaperi. Ungano yakanga yagadzirira kuparadzira mashoko akanaka kunzvimbo dzaiva kure.

—Kubva pana Mabasa 1:1–11:21.