Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 11

Nziyo Dzakafuridzirwa Dzinonyaradza Uye Dzinodzidzisa

Nziyo Dzakafuridzirwa Dzinonyaradza Uye Dzinodzidzisa

Dhavhidhi nevamwe vanonyora nziyo dzokushandisa pakunamata. Bhuku reMapisarema rine mashoko e150 dzacho

BHUKU guru pane ose ari muBhaibheri muunganidzwa wenziyo tsvene. Bhuku racho rose rakanyorwa mumakore anenge 1 000. Bhuku reMapisarema rine mamwe emashoko okutenda ane uchenjeri hukuru uye anokurudzira ati anyorwa. Manzwiro akasiyana-siyana anoita vanhu anoratidzwa munziyo idzi dzokurumbidza, kubva pamufaro uye kuonga kusvika pakusuruvara uye kupfidza. Zviri pachena kuti vanyori vemapisarema vaiva noukama hwepedyo naMwari uye vaivimba naye. Funga nezvemimwe misoro yenziyo idzi.

Jehovha ndiChangamire akakodzera, anofanira kunamatwa uye kurumbidzwa. Pana Pisarema 83:18 tinoverenga kuti, “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Mapisarema anoverengeka anorumbidza Jehovha pamusana pemabasa ake okusika, akadai sematenga akazara nenyeredzi, kushamisa kunoita zvinhu zvipenyu zviri pasi pano, uye kushamisa kunoita muviri wemunhu. (Pisarema 8, 19, 139, 148) Mamwe acho anokudza Jehovha saMwari anoponesa uye anodzivirira vaya vakavimbika kwaari. (Mapisarema 18, 97, 138) Mamwezve anomukwidziridza saMwari wekururamisira, uyo anozorodza vakadzvinyirirwa uye anoranga vakaipa.Mapisarema 11, 68, 146.

Jehovha anobatsira uye anonyaradza vaya vanomuda. Zvimwe pisarema rakanyanya kukurumbira ipisarema rechi23, Dhavhidhi paanotsanangura Jehovha soMufudzi ane rudo, anotungamirira, anodzivirira, uye ane hanya nemakwai ake. Pisarema 65:2 inoyeuchidza vanamati vaMwari kuti Jehovha ndiye “Munzwi womunyengetero.” Vakawanda vakaita zvivi zvakakomba vakanyaradzwa zvikuru nePisarema rechi39 uye 51, Dhavhidhi paanotsanangura zvinobva pamwoyo nezvokupfidza kwake zvivi zvake zvakakomba uye paanoratidza kutenda kwake mukukanganwira kwaJehovha. Pisarema 55:22 ine mashoko anokurudzira kuvimba naJehovha uye kukanda mitoro yose paari.

Jehovha achachinja nyika achishandisa Umambo hwaMesiya. Ndima dzakawanda dziri muMapisarema dzinonyatsoshanda kuna Mesiya, Mambo akafanotaurwa. Pisarema 2 rinoprofita kuti Mutongi uyu achaparadza marudzi akaipa, anomupikisa. Pisarema 72 rinobudisa pachena kuti Mambo uyu achagumisa nzara, kusaruramisira uye udzvinyiriri. Maererano nePisarema 46:9, Mwari achagumisa hondo uye achatoparadza zvombo zvose zvehondo achishandisa Umambo hwaMesiya. Mupisarema rechi37, tinoverenga kuti vakaipa vachaparadzwa, asi vanhu vakarurama vachararama panyika nokusingaperi, vaine rugare uye vachinzwanana munyika yose.

—Kubva mubhuku reMapisarema.