Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 23

Mashoko Akanaka Anopararira

Mashoko Akanaka Anopararira

Pauro anoita nzendo dzokuparidza achifamba nomumugwagwa uye nomugungwa

PASHURE pokunge atendeuka, Pauro akashingaira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye izvi zvakaita kuti uyu munhu aimbotambudza vamwe atambudzwewo noutsinye. Muapostora uyu aishanda nesimba akaita nzendo dzakawanda dzokuparidza, achifamba madaro akareba kuti aparadze mashoko akanaka oUmambo huchaita kuti chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwevanhu chizadzike.

Parwendo rwake rwokutanga achiparidza muRistra, Pauro akaporesa murume akaberekwa akaremara. Mapoka evanhu akatanga kushevedzera kuti Pauro newaaifamba naye Bhanabhasi vaiva vanamwari. Zvakanga zvakaoma kuti varume ava vaviri varambidze vanhu vacho kuti vavape zvibayiro. Zvisinei, vafurirwa nevavengi vaPauro, vanhu vamwe chete ivavo vakazotema Pauro nematombo ndokumusiya vachifunga kuti afa. Pauro haana kufa uye akazodzokera kuguta iroro kuti asimbise vadzidzi nemashoko okukurudzira.

Vamwe vaKristu vechiJudha vakaita nharo vachiti vatendi vaiva vasiri vaJudha vaifanira kuomerera pane zvimwe zvikamu zveMutemo waMosesi. Pauro akaenda nenyaya yacho kuvaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema. Pashure pokunyatsofungisisa Magwaro uye vachitungamirirwa nemudzimu mutsvene waMwari, varume ivavo vakanyorera ungano ndokurayira kuti varege kunamata zvidhori, kudya ropa uye nyama isina kubudiswa ropa, uye ufeve. Mirayiro iyoyo yaiva ‘zvinhu zvakakodzera’ asi kuiteerera kwaisada hako kuti vanhu vatevere Mutemo waMosesi.Mabasa 15:28, 29.

Parwendo rwake rwechipiri rwokuparidza, Pauro akashanyira Bheriya, iri muGreece yemazuva ano. VaJudha vaigara ikoko vakagamuchira shoko nemwoyo inoda, vachiongorora Magwaro zuva nezuva kuti vaone kana zvaaidzidzisa zvaiva zvechokwadi. Kupikiswa kwakaitazve kuti abve munzvimbo iyi, panguva ino akaenda kuAtene. Ari pamberi pevaAtene vaiva vakadzidza zvikuru, Pauro akapa mharidzo yakasimba, iri muenzaniso wakanaka wokutaura nokungwarira, kunzwisisa uye kunyengetedza.

Pashure perwendo rwechitatu rwokuparidza, Pauro akaenda kuJerusarema. Paakashanyira temberi ikoko, vamwe vaJudha vakatanga nyonganyonga vachida kumuuraya. Masoja eRoma akapindira uye akabvunzurudza Pauro. Somugari womuRoma, akazotaura achizvidzivirira pamberi paGavhuna weRoma Ferikisi. VaJudha vakatadza kupa uchapupu hwemhosva dzavaipomera Pauro. Kuitira kuti Festo, mumwe gavhuna weRoma asamuisa mumaoko evaJudha, Pauro akati: “Ndinokwidza mhosva yacho kuna Kesari!” Festo akapindura kuti: “Uchaenda kuna Kesari.”Mabasa 25:11, 12.

Pauro akabva aendeswa kuItari nechikepe kuti anotongwa ikoko. Pashure pokuputsikirwa nechikepe vari parwendo irworwo, Pauro akagara pachitsuwa cheMarita kusvika chando chapera. Paakazosvika kuRoma, akagara kwemakore maviri muimba yaibhadharwa. Kunyange zvazvo aichengetwa nemasoja, muapostora uyu aishingaira akaramba achiparidza nezvoUmambo hwaMwari kune vose vaimushanyira.

—Kubva pana Mabasa 11:22–28:31.