Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 5

Mwari Anokomborera Abrahamu Nemhuri Yake

Mwari Anokomborera Abrahamu Nemhuri Yake

Vazukuru vaAbrahamu vanobudirira. Mwari anodzivirira Josefa muIjipiti

JEHOVHA aiziva kuti rimwe zuva Mwanakomana wake waanoda kupfuura vose aizotambura ofa. Uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15 hwakataura chokwadi ichocho zvisina kunanga. Mwari aizogona here kuita kuti vanhu vazive kuti chibayiro cheMwanakomana wake chaikosha zvakadini kwaari? Bhaibheri rinotipa muenzaniso wezvakanyatsoitika chaizvo. Mwari akaudza Abrahamu kuti abayire mwanakomana wake waaida Isaka.

Abrahamu aiva nokutenda kwakakura. Yeuka kuti Mwari akanga amuvimbisa kuti Mununuri kana kuti Mwana akanga afanotaurwa aizouya nokuna Isaka. Achivimba kuti Mwari aizomutsa Isaka kana zvaifanira kudaro, Abrahamu akateerera akaenda kunopa mwanakomana wake sechibayiro. Asi ngirozi yaMwari yakamisa Abrahamu panguva chaiyo. Achirumbidza Abrahamu nokuda kwaaiita kupa chinhu chaikosha kwaari kupfuura zvose, Mwari akadzokorora zvipikirwa zvake kumurume uyu akanga akatendeka.

Isaka akazova nevanakomana vaviri, Isau naJakobho. Kusiyana naIsau, Jakobho aikoshesa zvinhu zvitsvene uye akakomborerwa. Mwari akachinja zita raJakobho kuva Israeri, uye vanakomana 12 vaIsraeri vakava vatungamiriri vemadzinza aIsraeri. Asi mhuri iyoyo yakava sei rudzi rukuru?

Zviitiko zvinotevedzana zvakatanga apo vazhinji vevanakomana ivavo vakaitira godo munin’ina wavo Josefa. Vakamutengesa senhapwa uye akaendeswa kuIjipiti. Asi Mwari akakomborera jaya iroro rakanga rakatendeka uye raiva noushingi. Pasinei nematambudziko akaoma, pakupedzisira Josefa akasarudzwa naFarao, mutongi weIjipiti, uye akapiwa chinzvimbo chikuru. Izvozvo zvakaitika panguva chaiyo nokuti nzara yakaita kuti Jakobho atume vamwe vanakomana vake kuIjipiti kunotenga zvokudya uye zvakaitika kuti zvokudya zvose zvakanga zvava mumaoko aJosefa! Pashure pokuonanazve zvinobudisa misodzi nevakoma vake vakanga vapfidza, Josefa akavaregerera uye akaronga kuti mhuri yose itamire kuIjipiti. Vakapiwa nzvimbo yakanaka zvikuru, kwavaigona kuramba vachiwanda uye vachibudirira. Josefa akanzwisisa kuti Mwari akanga aronga zvinhu nenzira iyoyo kuti azadzise zvipikirwa zvake.

Mukweguru Jakobho akazorarama upenyu hwake hwose muIjipiti akapoteredzwa nemhuri yake yaikura. Asati afa, akafanotaura kuti Mwana akapikirwa, kana kuti Mununuri, aizova Mutongi ane simba aizoberekwa mudzinza remwanakomana wake Judha. Makore akatevera, Josefa akaprofita asati afa kuti rimwe zuva Mwari aizobudisa mhuri yaJakobho muIjipiti.

—Kubva pana Genesisi zvitsauko 20 kusvika ku50; VaHebheru 11:17-22.